< Matthieu 5 >

1 Jésus, voyant la foule, alla sur la montagne; et, quand il se fut assis, ses disciples s'approchèrent de lui.
Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,
2 Alors, ouvrant la bouche, il se mit à les enseigner, en disant:
uye akatanga kuvadzidzisa achiti:
3 Heureux les pauvres en esprit; car le royaume des cieux est à eux!
“Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
4 Heureux ceux qui pleurent; car ils seront consolés!
Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
5 Heureux les débonnaires; car ils hériteront la terre!
Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
6 Heureux ceux qui ont faim et soif de la justice; car ils seront rassasiés!
Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo.
7 Heureux les miséricordieux; car ils obtiendront miséricorde!
Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.
8 Heureux ceux qui ont le coeur pur; car ils verront Dieu!
Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari.
9 Heureux ceux qui procurent la paix; ils seront appelés fils de Dieu!
Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
10 Heureux ceux qui sont persécutés pour la justice; car le royaume des cieux est à eux!
Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
11 Vous serez heureux, lorsqu'on vous outragera, qu'on vous persécutera, et qu'on dira faussement contre vous toute sorte de mal à cause de moi.
“Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.
12 Réjouissez-vous et tressaillez de joie, parce que votre récompense sera grande dans les cieux; car c'est ainsi qu'on a persécuté les prophètes qui sont venus avant vous.
Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
13 Vous êtes le sel de la terre; mais, si le sel perd sa saveur, avec quoi la lui rendra-t-on? Il n'est plus bon qu'à être jeté dehors et foulé aux pieds par les hommes.
“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
14 Vous êtes la lumière du monde: une ville située sur une montagne ne peut être cachée,
“Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.
15 et on n'allume pas une lampe pour la mettre sous le boisseau; mais on la met sur un support, et elle éclaire tous ceux qui sont dans la maison.
Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.
16 Que votre lumière luise ainsi devant les hommes, afin qu'ils voient vos bonnes oeuvres, et qu'ils glorifient votre Père qui est dans les cieux.
Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
17 Ne pensez pas que je sois venu abolir la loi ou les prophètes: je suis venu, non pour abolir, mais pour accomplir.
“Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.
18 En effet, je vous le dis en vérité, avant que le ciel et la terre aient passé, il ne passera de la loi ni un iota ni un trait de lettre, jusqu'à ce que tout soit accompli.
Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.
19 Celui donc qui violera l'un de ces plus petits commandements, et qui enseignera aux hommes à les violer, sera appelé le plus petit dans le royaume des cieux; mais celui qui les observera et qui les enseignera, celui-là sera appelé grand dans le royaume des cieux!
Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.
20 Car je vous dis que si votre justice ne surpasse pas celle des scribes et des pharisiens, vous n'entrerez point dans le royaume des cieux.
Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
21 Vous avez entendu qu'il a été dit aux anciens: «Tu ne tueras point»; et: «Celui qui aura tué sera jugé par le tribunal»
“Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’
22 Mais moi, je vous dis: Quiconque se met en colère contre son frère, sera jugé par le tribunal. Celui qui dira à son frère: Raca, sera jugé par le Sanhédrin; et celui qui lui dira: Fou, sera passible de la géhenne du feu. (Geenna g1067)
Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. (Geenna g1067)
23 — Si donc tu apportes ton offrande à l'autel, et que là tu te souviennes que ton frère a quelque chose contre toi,
“Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako,
24 laisse là ton offrande devant l'autel, et va premièrement te réconcilier avec ton frère; après cela, viens et présente ton offrande.
siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.
25 Accorde-toi au plus tôt avec, ton adversaire, pendant que tu es en chemin avec lui, de peur qu'il ne te livre au juge, que le juge ne te livre au sergent, et que tu ne sois mis en prison.
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.
26 En vérité, je te le dis, tu ne sortiras pas de là, que tu n'aies payé jusqu'à la dernière obole.
Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.
27 Vous avez entendu qu'il a été dit: «Tu ne commettras point d'adultère.»
“Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’
28 Mais moi, je vous dis: Quiconque jette sur une femme un regard de convoitise, a déjà commis l'adultère avec elle dans son coeur.
Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.
29 Si donc ton oeil droit te fait tomber dans le péché, arrache-le et jette-le loin de toi; car il vaut mieux pour toi qu'un de tes membres périsse, que si tout ton corps était jeté dans la géhenne. (Geenna g1067)
Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. (Geenna g1067)
30 Si ta main droite te fait tomber dans le péché, coupe-la et jette-la loin de toi; car il vaut mieux pour toi qu'un de tes membres périsse, que si tout ton corps allait dans la géhenne. (Geenna g1067)
Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena. (Geenna g1067)
31 Il a été dit: «Si quelqu'un répudie sa femme, qu'il lui donne une lettre de divorce.»
“Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’
32 Mais moi, je vous dis: Quiconque répudie sa femme, si ce n'est pour cause d'inconduite, l'expose à devenir adultère; et quiconque aura épousé une femme répudiée, commet un adultère.
Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
33 Vous avez encore entendu qu'il a été dit aux anciens: «Tu ne te parjureras point; mais tu t'acquitteras envers le Seigneur de tes serments.»
“Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’
34 Mais moi, je vous dis de ne point jurer du tout: ni par le ciel, car c'est le trône de Dieu;
Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo;
35 ni par la terre, car c'est son marchepied; ni par Jérusalem, car c'est la ville du grand Roi.
kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru.
36 Ne jure pas non plus par ta tête, car tu ne peux rendre un seul de tes cheveux blanc ou noir.
Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema.
37 Mais que votre parole soit: oui, oui; non, non. Ce qu'on dit de plus vient du Malin.
Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.
38 Vous avez entendu qu'il a été dit; «Oeil pour oeil, et dent pour dent.»
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’
39 Mais moi, je vous dis de ne pas résister au méchant. Au contraire, si quelqu'un te frappe à la joue droite, présente-lui aussi l'autre.
Asi ndinokuudzai kuti, Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.
40 Si quelqu'un veut plaider contre toi pour t'enlever ta tunique, laisse-lui encore le manteau;
Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.
41 et si quelqu'un veut te contraindre de faire un mille avec lui, fais-en deux.
Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.
42 Donne à celui qui te demande, et ne te détourne pas de celui qui veut emprunter de toi.
Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.
43 Vous avez entendu qu'il a été dit: «Tu aimeras ton prochain», et tu haïras ton ennemi.
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’
44 Mais moi, je vous dis: Aimez vos ennemis, et priez pour ceux qui vous persécutent,
Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,
45 afin que vous soyez les fils de votre Père qui est dans les cieux; car il fait lever son soleil sur les méchants et sur les bons, et il fait pleuvoir sur les justes et sur les injustes.
kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.
46 Si vous n'aimez que ceux qui vous aiment, quelle récompense en aurez-vous? Les péagers n'en font-ils pas autant?
Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?
47 Et si vous ne faites accueil qu'à vos frères, que faites-vous d'extraordinaire? Les Païens même n'en font-ils pas autant?
Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?
48 Soyez donc parfaits, comme votre Père céleste est parfait.
Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.

< Matthieu 5 >