< 1 Chroniques 3 >

1 Voici les enfants de David, qui lui naquirent à Hébron: Le premier-né, Amnon, d'Achinoam, de Jizréel; le second, Daniel, d'Abigaïl, de Carmel;
Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni: Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri. Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri;
2 Le troisième, Absalom, fils de Maaca, fille de Talmaï, roi de Gueshur; le quatrième, Adonija, fils de Hagguith;
wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti,
3 Le cinquième, Shéphatia, d'Abital; le sixième, Jithréam, d'Égla, sa femme.
wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.
4 Ces six lui naquirent à Hébron, où il régna sept ans et six mois; et il régna trente-trois ans à Jérusalem.
Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu
5 Ceux-ci lui naquirent à Jérusalem: Shimea, Shobab, Nathan, et Salomon, quatre, de Bathshua, fille d'Ammiel;
uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva: Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.
6 Jibhar, Élishama, Éliphélet,
Kwaivawo naIbhari, Erishua, Erifereti,
7 Noga, Népheg, Japhia,
Noga, Nefegi, Jafia,
8 Élishama, Eljada et Éliphélet, neuf.
Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe.
9 Ce sont tous les fils de David, outre les fils des concubines; et Tamar était leur sœur.
Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo.
10 Fils de Salomon: Roboam, qui eut pour fils Abija, dont le fils fut Asa, dont le fils fut Josaphat,
Mwanakomana waSoromoni ainzi Rehobhoamu, Abhija mwanakomana wake, Asa mwanakomana wake, Jehoshafati mwanakomana wake,
11 Dont le fils fut Joram, dont le fils fut Achazia, dont le fils fut Joas,
Jehoramu mwanakomana wake, Ahazia mwanakomana wake, Joashi mwanakomana wake,
12 Dont le fils fut Amatsia, dont le fils fut Azaria, dont le fils fut Jotham,
Amazia mwanakomana wake, Azaria mwanakomana wake, Jotamu mwanakomana wake,
13 Dont le fils fut Achaz, dont le fils fut Ézéchias, dont le fils fut Manassé,
Ahazi mwanakomana wake, Hezekia mwanakomana wake, Manase mwanakomana wake,
14 Dont le fils fut Amon, dont le fils fut Josias.
Amoni mwanakomana wake, Josia mwanakomana wake.
15 Fils de Josias: le premier-né Jochanan; le second, Jéhojakim; le troisième, Sédécias; le quatrième, Shallum.
Vanakomana vaJosia vaiva: Johanani dangwe, Jehoyakimi wechipiri, Zedhekia wechitatu naSharumi wechina.
16 Fils de Jéhojakim: Jéchonias, son fils; Sédécias, son fils.
Vakatevera Jehoyakimi vaiva: Jehoyakini mwanakomana wake naZedhekia.
17 Fils de Jéchonias, captif: Salathiel, son fils,
Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva: Shearitieri mwanakomana wake,
18 Malkiram, Pédaja, Shénatsar, Jékamia, Hoshama et Nédabia.
Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.
19 Fils de Pédaja: Zorobabel et Shimeï. Fils de Zorobabel: Méshullam et Hanania; Shélomith, leur sœur;
Vanakomana vaPedhaya vaiva: Zerubhabheri naShimei. Vanakomana vaZerubhabheri vaiva: Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo.
20 Et Hashuba, Ohel, Bérékia, Hasadia, Jushab-Hésed, cinq.
Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.
21 Fils de Hanania: Pélatia et Ésaïe; les fils de Réphaja, les fils d'Arnan, les fils d'Obadia, les fils de Shécania.
Zvizvarwa zvaHanania zvaiva: Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani, vaObhadhia nevaShekania.
22 Fils de Shécania: Shémaja; et les fils de Shémaja: Hattush, Jiguéal, Bariach, Néaria et Shaphat, six.
Zvizvarwa zvaShekania zvaiva: Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete.
23 Les fils de Néaria: Eljoénaï, Ézéchias et Azrikam, trois.
Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.
24 Fils d'Eljoénaï: Hodavia, Éliashib, Pélaja, Akkub, Jochanan, Délaja et Anani, sept.
Vanakomana vaErioenai vaiva: Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete.

< 1 Chroniques 3 >