< 1 Chroniques 29 >

1 Puis le roi David dit à toute l'assemblée: Mon fils Salomon, le seul que Dieu ait choisi, est jeune et d'âge tendre, et l'œuvre est grande; car ce palais n'est pas pour un homme, mais il est pour l'Éternel Dieu.
Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari.
2 J'ai préparé de tout mon pouvoir, pour la maison de mon Dieu, de l'or pour ce qui doit être d'or, de l'argent pour ce qui doit être d'argent, de l'airain pour ce qui doit être d'airain, du fer pour ce qui doit être de fer, et du bois pour ce qui doit être de bois, des pierres d'onyx et des pierres à enchâsser, des pierres d'ornement et de diverses couleurs, des pierres précieuses de toutes sortes, et du marbre blanc en quantité.
Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo.
3 De plus, dans mon affection pour la maison de mon Dieu, je donne, pour la maison de mon Dieu, outre toutes les choses que j'ai préparées pour la maison du sanctuaire, ce que j'ai d'or et d'argent m'appartenant en propre:
Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti:
4 Trois mille talents d'or, d'or d'Ophir, et sept mille talents d'argent épuré, pour revêtir les parois des bâtiments;
Matarenda zviuru zvitatu egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomwe esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba,
5 L'or pour ce qui doit être d'or, et l'argent pour ce qui doit être d'argent, et pour toute l'œuvre à faire par la main des ouvriers. Qui est disposé à présenter volontairement aujourd'hui ses offrandes à l'Éternel?
kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”
6 Alors les chefs des pères, les chefs des tribus d'Israël, les chefs de milliers et de centaines, ainsi que les intendants du roi, firent volontairement des offrandes.
Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda.
7 Ils donnèrent, pour le service de la maison de Dieu, cinq mille talents d'or, dix mille dariques, dix mille talents d'argent, dix-huit mille talents d'airain, et cent mille talents de fer.
Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi.
8 Enfin, les pierres précieuses que chacun trouva chez soi, ils les mirent au trésor de la maison de l'Éternel, entre les mains de Jéchiel, le Guershonite.
Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni.
9 Et le peuple se réjouit de ses dons volontaires; car ils faisaient de tout cœur leurs offrandes volontaires à l'Éternel; et le roi David en eut aussi une grande joie.
Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.
10 Puis David bénit l'Éternel, en présence de toute l'assemblée. Et David dit: O Éternel! Dieu d'Israël notre père, béni sois-tu d'éternité en éternité!
Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti, “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.
11 A toi, Éternel, la grandeur, la force et la magnificence, l'éternité et la splendeur, car tout ce qui est dans les cieux et sur la terre t'appartient. A toi, Éternel, est le règne, et tu t'élèves en souverain au-dessus de tout.
Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
12 La richesse et la gloire viennent de toi, tu as la domination sur tout; la force et la puissance sont en ta main, et en ta main est le pouvoir d'agrandir et de fortifier toutes choses.
Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.
13 Maintenant, ô notre Dieu! nous te louons, et nous célébrons ton nom glorieux.
Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
14 Car qui suis-je, et qui est mon peuple, que nous ayons le pouvoir d'offrir ainsi volontairement? Car tout vient de toi; et de ta main nous vient ce que nous te donnons.
“Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.
15 Nous sommes devant toi des étrangers et des hôtes, comme tous nos pères; nos jours sont comme l'ombre, sur la terre; et il n'y a point d'espérance.
Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro.
16 Éternel, notre Dieu, toute cette abondance que nous avons préparée pour bâtir une maison à ton saint nom, vient de ta main, et tout est à toi.
Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu.
17 Et je sais, ô mon Dieu, que tu sondes le cœur, et que tu prends plaisir à la droiture. C'est dans la droiture de mon cœur que j'ai volontairement offert toutes ces choses; et j'ai vu maintenant avec joie ton peuple, qui se trouve ici, t'offrir volontairement ses dons.
Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda.
18 Éternel, Dieu d'Abraham, d'Isaac et d'Israël, nos pères, conserve à toujours cette disposition des pensées du cœur de ton peuple, et affermis leurs cœurs en toi.
Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri.
19 Donne aussi un cœur intègre à Salomon, mon fils, pour garder tes commandements, tes témoignages et tes statuts, pour tout exécuter, et pour bâtir le palais que j'ai préparé.
Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.”
20 Et David dit à toute l'assemblée: Bénissez l'Éternel votre Dieu! Et toute l'assemblée bénit l'Éternel, le Dieu de leurs pères; ils s'inclinèrent et se prosternèrent devant l'Éternel et devant le roi.
Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo.
21 Le lendemain de ce jour, ils sacrifièrent des sacrifices à l'Éternel, et lui offrirent des holocaustes; mille taureaux, mille béliers, et mille agneaux, avec leurs libations, et des sacrifices en grand nombre pour tout Israël.
Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondobwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri.
22 Ils mangèrent et burent ce jour-là devant l'Éternel avec une grande joie; ils proclamèrent roi pour la seconde fois Salomon, fils de David; ils l'oignirent, devant l'Éternel, comme chef, et Tsadok, comme sacrificateur.
Vakadya uye vakanwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro. Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista.
23 Salomon s'assit donc sur le trône de l'Éternel, comme roi, à la place de David, son père; il prospéra, et tout Israël lui obéit.
Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera.
24 Et tous les chefs et les hommes vaillants, et même tous les fils du roi David, se soumirent au roi Salomon.
Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni.
25 Et l'Éternel éleva au plus haut degré Salomon, à la vue de tout Israël, et lui donna une splendeur de royauté, comme n'en avait eu avant lui aucun roi en Israël.
Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira.
26 Ainsi David, fils d'Isaï, régna sur tout Israël.
Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose.
27 Le temps qu'il régna sur Israël fut de quarante ans. Il régna sept ans à Hébron, et trente-trois ans à Jérusalem.
Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema.
28 Il mourut en bonne vieillesse, rassasié de jours, de richesses et de gloire; et Salomon, son fils, régna à sa place.
Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo.
29 Or quant aux actions du roi David, tant les premières que les dernières, voici, elles sont écrites dans le livre de Samuel, le Voyant, dans le livre de Nathan, le prophète, et dans le livre de Gad, le Voyant,
Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni,
30 Avec tout son règne, et ses exploits, et ce qui se passa de son temps, tant en Israël que dans tous les royaumes des autres pays.
pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose.

< 1 Chroniques 29 >