< 2 Chroniques 16 >

1 Et, en la trente-huitième année du règne d'Asa, le roi d'Israël marcha contre Juda, et il bâtit Rhama pour empêcher le roi Asa de sortir et d'entrer.
Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa, Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.
2 Et Asa prit tout l'argent et l'or des trésors, tant du temple que du palais, et il l'envoya au fils d'Ader, roi de Syrie, qui résidait à Damas, disant:
Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko.
3 Fais avec moi l'alliance qui existait entre ton père et le mien; voilà que je t'offre de l'argent et de l'or; viens, disperse Baasa, roi d'Israël, qu'il s'éloigne de mon royaume.
Akati, “Ngapave nechibvumirano pakati pangu nemi, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndiri kukutumirai sirivha negoridhe. Zvino putsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo waIsraeri kuti agobva kwandiri.”
4 Et le fils d'Ader accueillit la demande d'Asa; il fit partir les chefs de ses armées contre les villes d'Israël, qui dévastèrent Ahion, Dan, Abelmaïn, et tout ce qui environne Nephthali.
Bheni-Hadhadhi akatenderana namambo Asa uye akatumira vakuru vehondo yake kundorwisa maguta eIsraeri. Vakakunda Ijoni, Dhani, Abheri Maimi namaguta ose amatura eNafutari.
5 Quand Baasa l'apprit, il abandonna les constructions de Rhama, et il renonça à son entreprise.
Bhaasha paakanzwa izvi, akasiya kuvaka Rama akaregedza basa rake.
6 Et le roi Asa rentra en possession de tout Juda, et il prit à Rhama les pierres et les bois que Baasa avait employés pour la bâtir, et il s'en servit pour construire Gabaa et Maspha.
Ipapo Mambo Asa akauyisa varume vose veJudha, uye vakatakura kubva kuRama matombo ose namatanda aishandiswa naBhaasha. Akavaka Gebha neMizipa nazvo.
7 En ce temps-là, Anani le prophète vint trouver Asa, roi de Juda, et il lui dit: Parce que tu t'es confié au roi de Syrie, et que tu n'as point eu foi en ton Dieu, l'armée de Syrie a échappé à tes mains.
Panguva iyoyo Hanani muoni akauya kuna Asa mambo weJudha akati kwaari, “Nokuti wakavimba namambo weAramu, kwete naJehovha Mwari wako, hondo yamambo weAramu yapunyuka kubva mumaoko ako.
8 Les Ethiopiens et les Libyens n'avaient-ils pas une armée nombreuse, pleine d'audace, forte par ses cavaliers et sa multitude? Tu as eu foi en Dieu, et il te l'a livrée.
Ko, vaEtiopia navaRibhiya vakanga vasiri hondo huru nengoro zhinji navatasvi vamabhiza vazhinji here? Asi pamakavimba naJehovha, akavaisa mumaoko enyu.
9 Car les regards du Seigneur sont fixés sur la terre pour fortifier tout cœur parfait devant lui; en cela, tu as follement agi, et maintenant, tu seras toujours en guerre.
Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.”
10 Asa se mit en colère contre le prophète, et il le jeta en prison, tant il avait de courroux; et, en ce temps-là, Asa maltraita quelques-uns de son peuple.
Asa akashatirwa kwazvo zvokuti akamuisa mutorongo. Panguva imwe cheteyo Asa akadzvinyirira vamwe vanhu.
11 Et les actes d'Asa, les premiers et les derniers, sont écrits au livre des Rois de Juda et d'Israël.
Mamwe mabasa okutonga kwaAsa, kubva pakutanga kusvika pakupedzisira akanyorwa mubhuku ramadzimambo aJudha neIsraeri.
12 En la trente-neuvième année de son règne, Asa souffrit d'un mal aux pieds, dont il fut très-malade; et, en cette maladie, il ne chercha pas le Seigneur, mais les médecins.
Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe rokutonga kwake, Asa akabatwa nechirwere mumakumbo ake. Kunyange chirwere chake chakanga chanyanyisa mukurwara kwake imomo haana kutsvaka rubatsiro kubva kuna Jehovha asi kubva kuvarapi chete.
13 Et Asa s'endormit avec ses pères, et il mourut en la quarantième année de son règne.
Zvino mugore ramakumi mana nerimwe chete rokutonga kwake, Asa akafa akazorora namadzibaba ake.
14 Et on l'ensevelit dans le sépulcre qu'il s'était creusé en la ville de David; or, on l'avait étendu sur sa couche, on l'avait rempli d'aromates et de toutes les substances dent se composent les parfums, et on lui fit de magnifiques funérailles.
Vakamuviga muguva raakanga azvigadzirira muGuta raDhavhidhi. Vakamuradzika panhoo yakanga yakazara nezvinonhuhwira zvemhando dzakasiyana-siyana zvakanga zvakavhenganiswa uye vakaita moto mukuru vachimuremekedza.

< 2 Chroniques 16 >