< Proverbes 28 >
1 Les méchants prennent la fuite, alors que personne ne les poursuit; les justes, tel un lion, sont pleins de sécurité.
Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba.
2 Quand le désordre sévit dans un pays, ses chefs sont nombreux. Un seul homme de sens et d’expérience suffit pour faire durer le bon ordre.
Kana nyika ikapanduka, inova navatungamiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.
3 Un homme pauvre qui pressure les humbles est comme une pluie qui ravage tout et amène la famine.
Mutongi anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.
4 Ceux qui désertent la loi glorifient l’impie, ceux qui l’observent s’indignent contre lui.
Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.
5 Les hommes pervers ne comprennent rien au droit; mais ceux qui recherchent l’Eternel comprennent tout.
Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.
6 Mieux vaut le pauvre, marchant dans sa droiture, que le riche aux voies tortueuses.
Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.
7 Qui respecte la loi est un fils intelligent; mais qui fraye avec les jouisseurs fait la honte de son père.
Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera, asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.
8 Augmenter sa fortune par l’intérêt et l’usure, c’est amasser pour l’ami des pauvres.
Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro, anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi.
9 Fermez l’oreille aux leçons de la loi votre prière même devient un acte abominable.
Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza.
10 Qui entraîne des gens de bien dans une mauvaise voie tombe dans son propre piège; le bonheur est le lot de la droiture.
Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.
11 Le riche se prend pour un sage: un pauvre homme intelligent le perce à fond.
Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora.
12 Quand les justes triomphent, c’est fête générale; quand les méchants s’élèvent, les gens se cachent.
Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.
13 Dissimuler ses péchés ne porte pas bonheur; qui les confesse et y renonce obtient miséricorde.
Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.
14 Heureux l’homme constamment timoré! Qui endurcit son cœur tombe dans le malheur.
Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.
15 Un lion rugissant, un ours affamé, tel est un méchant prince pour une nation pauvre,
Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.
16 un despote dépourvu de sens et chargé de rapines. Celui qui hait le lucre prolonge ses jours.
Mutongi anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.
17 Un homme accablé sous le poids d’un meurtre arrive, dans sa fuite, au bord de la fosse; qu’on ne lui tende pas la main!
Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira.
18 Qui marche dans l’intégrité sera sauvé, mais qui suit des voies tortueuses tombera d’un coup.
Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.
19 Cultiver sa terre, c’est s’assurer du pain en abondance; poursuivre des choses frivoles, c’est se rassasier de misère.
Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.
20 L’Homme loyal est comblé de bénédictions; qui a hâte de s’enrichir n’échappe pas au malheur.
Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.
21 Faire acception de personnes est une mauvaise action; mais il en est qui se rendent coupables pour une miche de pain.
Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu anogona kuita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.
22 L’Homme envieux court après la fortune et il ne s’aperçoit pas que la misère viendra fondre sur lui.
Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.
23 Celui qui reprend les gens finit par gagner leur bienveillance bien mieux que le flatteur.
Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.
24 Voler père et mère en disant que ce n’est pas un crime, c’est se faire le compagnon d’un artisan de ruines.
Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza.
25 L’Homme aux appétits insatiables suscite des discordes; qui met sa confiance en l’Eternel jouira de l’abondance.
Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.
26 Se fier à son intelligence, c’est être sot; qui se dirige avec sagesse échappe au danger.
Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.
27 Donner au pauvre, ce n’est pas se priver: qui en détourne les regards est chargé de malédictions.
Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.
28 Lorsque les méchants s’élèvent, les gens se cachent; quand ils succombent, les gens de bien se multiplient.
Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda; asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.