< Isaïe 59 >
1 Assurément, la main de l’Eternel n’est pas trop courte pour sauver, ni son oreille trop dure pour entendre.
Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.
2 Mais vos méfaits ont mis une barrière entre vous et votre Dieu; vos péchés sont cause qu’il a détourné sa face de vous et cessé de vous écouter.
Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa.
3 Car vos mains sont souillées de sang, et vos doigts de crimes; vos lèvres débitent le mensonge, votre langue profère l’injustice.
Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa.
4 Personne n’invoque le bon droit, personne ne plaide avec, loyauté; on se fie à l’imposture, on avance des faussetés, on conçoit le mal et on engendre l’iniquité.
Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.
5 Ils font éclore des œufs de basilic et tissent des toiles d’araignées: quiconque mange de leurs œufs meurt; que l’un d’eux se brise, il en sort une vipère.
Vanochochonya mazai emvumbi, uye vanoruka dandira redandemutande. Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.
6 Leurs tissus ne peuvent fournir de vêtements et leurs ouvrages sont impropres à les couvrir: leurs actes sont des actes d’iniquité, la besogne que font leurs mains est toute de violence.
Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.
7 Leurs pieds courent au mal, et ils ont hâte de verser le sang innocent; leurs pensées sont des pensées de crime, la destruction et la ruine marquent leur route.
Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi; vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva. Mirangariro yavo mirangariro yakaipa; kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.
8 La voie de la paix leur est inconnue, point de justice dans leurs sentiers: ils rendent sinueuses leurs allées, tous ceux qui `les foulent ignorent la paix.
Nzira yorugare havaizivi; hapana kururamisira pamakwara avo. Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama; hakuna anofamba madziri achaziva rugare.
9 C’Est pourquoi le droit est loin de nous, et le salut ne nous arrive point; nous attendons la lumière et ce n’est que ténèbres; la clarté, et nous marchons dans une brume épaisse.
Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu, uye kururama hakusviki kwatiri. Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima; tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.
10 Nous errons comme des aveugles le long d’un mur, comme des gens privés de leurs yeux nous marchons à tâtons; nous trébuchons en plein midi comme au crépuscule; dans des régions plantureuses, nous sommes pareils à des morts.
Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro, tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso. Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni; pakati pavane simba, tangoita savakafa.
11 Nous grondons tous comme des ours, et tels que des colombes nous ne cessons de gémir. Nous attendons le droit: il est absent; le salut: il est loin de nous.
Tose tiri kuomba samapere; tinorira nokurira kukuru senjiva. Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani; tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.
12 C’Est que nombreux sont nos méfaits, et nos péchés témoignent contre nous. Oui, nous avons conscience de nos méfaits, et nos fautes, nous les connaissons.
Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa. Kudarika kwedu kunogara nesu, uye tinobvuma kutadza kwedu:
13 C’Est de s’insurger et renier l’Eternel, de fuir loin de notre Dieu, de ne parler que de violence et de révolte, de concevoir dans le cœur et mettre au jour des propos mensongers.
kumukira nokunyengera Jehovha, kufuratira Mwari wedu, kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka, nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.
14 Le droit est forcé de reculer, la justice se tient à distance, car la vérité a trébuché sur la place publique et la droiture ne peut trouver d’accès.
Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure, uye kururama kwamira kure; chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha, kutendeka hakuchagoni kupinda.
15 Oui, la vérité a cédé la place, et quiconque s’écarte du mal passe pour dément; et l’Eternel a vu, à sa grande indignation, que c’en était fait du droit.
Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira.
16 Et il s’est aperçu qu’il n’y avait pas un homme, il a constaté avec stupeur que nul n’intervenait; alors c’est son bras qui lui prêta assistance, et c’est sa justice qui le soutint.
Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa.
17 Il s’arma de justice comme d’une cuirasse et posa le casque de la victoire sur sa tête; il endossa comme une draperie de vengeance et s’enveloppa, en guise de manteau, d’un zèle jaloux.
Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso mumusoro make; akashonga nguo dzokutsiva akazviputira mukushingaira kwake seanozviputira nejasi.
18 Selon le mérite, il rétribue: sa colère est pour ses adversaires, une juste rémunération pour ses ennemis; il paie les plages lointaines d’après leurs œuvres.
Sezvavakaita, saizvozvo acharipira hasha kuvavengi vake nokutsiva kuvadzivisi vake; acharipira zvakafanira kuzviwi.
19 Aussi craindra-t-on le nom du Seigneur dans les régions où le soleil se couche, la majesté divine là où il se lève, car elle se présentera comme un fleuve encaissé, que précipite le souffle de l’Eternel.
Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha.
20 Mais il viendra en rédempteur pour Sion et pour les pécheurs repentants de Jacob; telle est la promesse de l’Eternel.
“Mudzikinuri achauya kuZioni, kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 Quant à moi, dit l’Eternel, voici quel est mon pacte avec eux: mon inspiration qui repose sur toi et les paroles que j’ai mises en ta bouche, elles ne doivent point s’écarter de ta bouche, ni de la bouche de tes enfants, ni de celle des enfants de tes enfants, soit à présent, soit dans les temps futurs.
“Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.