< Juges 19 >

1 Et il arriva en ces jours-là, quand il n’y avait point de roi en Israël, qu’un Lévite qui séjournait au fond de la montagne d’Éphraïm, prit une concubine de Bethléhem de Juda.
Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Zvino mumwe muRevhi akanga achigara munyika iri kure yezvikomo yeEfuremu akatora murongo aibva kuBheterehema muJudha.
2 Et sa concubine lui étant infidèle se prostitua, et s’en alla d’avec lui à la maison de son père, à Bethléhem de Juda; et elle fut là quelque temps, quatre mois.
Asi akanga asina kutendeka kwaari. Akamusiya akadzokerazve kumba kwababa vake kuBheterehema, Judha. Mushure mokunge agarako kwemwedzi mina,
3 Et son mari se leva, et alla après elle pour parler à son cœur, afin de la ramener, et il avait avec lui son jeune homme et une paire d’ânes. Et elle le fit entrer dans la maison de son père; et quand le père de la jeune femme le vit, il se réjouit de le rencontrer.
murume wake akaenda kwaari kundomunyengetedza kuti adzoke. Akanga ane muranda wake nembongoro mbiri. Akamupinza mumba mababa vake, uye baba vake vakati vamuona, vakamugamuchira nomufaro.
4 Et son beau-père, le père de la jeune femme, le retint; et il demeura avec lui trois jours; et ils mangèrent et burent, et ils passèrent la nuit là.
Tezvara vake, ivo baba vomusikana, vakamugombedzera kuti agare; saka akagara naye kwamazuva matatu, vachidya nokunwa uye achivatapo.
5 Et il arriva, le quatrième jour, qu’ils se levèrent de bonne heure le matin; et, comme il se levait pour s’en aller, le père de la jeune femme dit à son gendre: Fortifie ton cœur avec une bouchée de pain, et après, vous vous en irez.
Pazuva rechina vakamuka mangwanani vakagadzirira kuti vaende, asi baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, “Simbisa mwoyo wako nechokudya; ipapo mugoenda henyu.”
6 Et ils s’assirent, et mangèrent et burent, eux deux ensemble; et le père de la jeune femme dit à l’homme: Consens, je te prie, et passe [ici] la nuit, et que ton cœur se réjouisse.
Saka vose vari vaviri vakagara pasi kuti vadye nokunwa pamwe chete. Mushure maizvozvo, baba vomusikana vakati, “Ndapota chivata hako usiku uno uye umbofara.”
7 Et l’homme se leva pour s’en aller, mais son beau-père le pressa, et il revint et passa [encore] la nuit là.
Uye murume uyu akati asimuka kuti aende, tezvara vake vakamunyengetedza, saka akavatapo usiku uhwo.
8 Et le cinquième jour, il se leva de bonne heure le matin pour s’en aller; mais le père de la jeune femme dit: Je te prie, fortifie ton cœur. Et ils s’attardèrent jusqu’à ce que le jour baissa, et ils mangèrent eux deux.
Mangwanani ezuva reshanu, paakamuka kuti aende, baba vomusikana vakati, “Simbisa mwoyo wako. Gara kusvikira masikati!” Saka vose vari vaviri vakadya pamwe chete.
9 Et l’homme se leva pour s’en aller, lui et sa concubine, et son serviteur. Et son beau-père, le père de la jeune femme, lui dit: Tu vois que le jour faiblit, le soir approche; je vous prie, passez la nuit; voici, le jour tombe, passe ici la nuit, et que ton cœur se réjouisse; et demain vous vous lèverez de bonne heure pour [aller] votre chemin, et tu t’en iras à ta tente.
Ipapo murume, murongo wake uye nomuranda wake, vakati vasimuka kuti vaende, tezvara wake, baba vomusikana vakati, “Zvino chiona kwava kudoka. Chivata hako pano usiku huno; kwavira. Gara ufadze mwoyo wako. Mangwana mangwanani, ungamuka ugopinda hako munzira yako.”
10 Mais l’homme ne voulut point passer la nuit, et il se leva, et s’en alla; et il vint jusque vis-à-vis de Jébus qui est Jérusalem, et, avec lui, la paire d’ânes bâtés, et sa concubine avec lui.
Asi, nokusada kuvatazve humwe usiku, murume uya akabuda akaenda akananga kuJebhusi (ndiro Jerusarema), nembongoro dzake mbiri dzakaiswa zvigaro, nomurongo wake.
11 Ils étaient tout près de Jébus, et le jour avait beaucoup baissé; et le serviteur dit à son maître: Allons, je te prie, et détournons-nous vers cette ville des Jébusiens, et passons-y la nuit.
Vakati vava pedyo neJebhusi uye zuva rakanga rovira, muranda akati kuna tenzi wake, “Uyai, titsaukire muguta iri ravaJebhusi tindovatamo.”
12 Et son maître lui dit: Nous ne nous détournerons point vers une ville des étrangers, qui n’est pas des fils d’Israël; mais nous passerons jusqu’à Guibha.
Tenzi wake akapindura akati, “Kwete. Hatingapindi muguta ravatorwa, vanhu varo zvavasiri vaIsraeri. Tichapfuurira kuGibhea.”
13 Et il dit à son serviteur: Viens, et approchons-nous d’un de ces endroits, et passons la nuit à Guibha ou à Rama.
Akaenderera mberi akati, “Uyai, tiedze kusvika kuGibhea kana kuRama tigovata mune imwe yenzvimbo idzi.”
14 Et ils passèrent plus avant, et marchèrent, et le soleil se coucha, comme ils étaient près de Guibha, qui est à Benjamin.
Saka vakapfuurira mberi, uye zuva rakavira pavakanga vasvika muGibhea muBhenjamini.
15 Et ils se détournèrent pour entrer [et] pour passer la nuit à Guibha. Et il entra, et s’assit sur la place de la ville, et il n’y eut personne qui les reçoive dans sa maison pour passer la nuit.
Imomo, ndimo mavakamira kuti vavate. Vakaenda vakandogara muchivara cheguta, asi hapana munhu akavatora akavapinza mumba make usiku.
16 Et voici, sur le soir, un vieillard venait des champs, de son travail; et l’homme était de la montagne d’Éphraïm, et séjournait à Guibha; et les hommes du lieu étaient Benjaminites.
Madekwana iwayo, imwe harahwa yaibva munyika yezvikomo yeEfuremu, yaigara muGibhea (vanhu venzvimbo vaiva vaBhenjamini), yakasvika ichibva kubasa rayo kumunda.
17 Et il leva ses yeux, et vit le voyageur sur la place de la ville; et le vieillard [lui] dit: Où vas-tu, et d’où viens-tu?
Yakati yatarira ikaona mufambi ari muchivara cheguta, harahwa yakabvunza ikati, “Uri kuendepiko? Wabvepiko?”
18 Et il lui dit: Nous passons de Bethléhem de Juda vers le fond de la montagne d’Éphraïm; je suis de là, et je suis allé à Bethléhem de Juda, et j’ai à faire avec la maison de l’Éternel; et il n’y a personne qui me reçoive dans sa maison.
Akapindura akati, “Tiri kubva kuBheterehema muJudha; tiri kuenda kure kunyika yezvikomo yeEfuremu, ndiko kwandinogara. Ndakanga ndiri kuBheterehema muJudha, asi iye zvino ndiri kuenda kumba kwaJehovha. Hapana munhu anditora akandipinza mumba make.
19 Et pourtant j’ai de la paille et du fourrage pour nos ânes, et j’ai aussi du pain et du vin pour moi et pour ta servante, et pour le jeune homme qui est avec tes serviteurs; rien ne nous manque.
Tine zvose mashanga nouswa hwembongoro dzedu uye chingwa chedu newaini yedu, isu varanda venyu, ini, murandakadzi wenyu, nejaya ratinaro. Hatina chinhu chatingada hedu.”
20 Et le vieillard lui dit: Paix te soit! Seulement, que tous tes besoins soient à ma charge; mais ne passe pas la nuit sur la place.
Harahwa yakati, “Munogona kuuya kumba kwangu. Ndichakupai zvose zvamunoshayiwa. Asi bedzi usavata pachivara.”
21 Et il le fit entrer dans sa maison, et donna le fourrage aux ânes; et ils lavèrent leurs pieds, et mangèrent et burent.
Saka akamutora akamupinza mumba make uye akapa mbongoro dzake zvokudya. Vakati vashamba tsoka dzavo, vakadya zvokudya uye vakanwa.
22 Comme ils faisaient bonne chère, voici, les hommes de la ville, des hommes, fils de Bélial, entourèrent la maison, frappant à la porte; et ils parlèrent au vieillard, maître de la maison, disant: Fais sortir l’homme qui est entré dans ta maison, afin que nous le connaissions.
Vachiri pakufara havo, vamwe vanhu vakaipa vomuguta vakakomba imba. Vachigogodza pamukova, vakadanidzira kuharahwa yakanga iri iyo muridzi weimba vachiti, “Budisa murume uyo apinda mumba mako kuti tivate naye.”
23 Et le maître de la maison sortit vers eux, et leur dit: Non, mes frères, ne faites pas [ce] mal, je vous prie; après que cet homme est entré dans ma maison, ne faites pas cette infamie.
Muridzi wemba akabuda panze akati kwavari, “Kwete, shamwari dzangu, regai kuita zvakaipa kudai. Sezvo murume uyu ari mueni wangu, regai kuita chinhu ichi chinonyadzisa kudai.
24 Voici ma fille qui est vierge, et sa concubine: laissez-moi les faire sortir, et vous les humilierez, et vous leur ferez ce qu’il vous plaira; mais à cet homme ne faites pas cette chose infâme.
Tarirai, heyi mhandara mwanasikana wangu uyu, nemurongo wake. Ndichavabudisa kwamuri izvozvi, uye munogona kuvabata mugoita kwavari zvose zvamunoda. Asi kumurume uyu, regai kuita chinhu chinonyadzisa zvakadaro.”
25 Mais ces gens ne voulurent pas l’écouter; et l’homme saisit sa concubine et la leur amena dehors; et ils la connurent et abusèrent d’elle toute la nuit jusqu’au matin; et ils la renvoyèrent comme l’aurore se levait.
Asi varume ava havana kuda kumuteerera. Saka murume uyu akatora murongo wake akamuendesa kunze kwavari, uye vakamubata chibharo vakamuchinya usiku hwose, uye panguva dzamambakwedza vakamuregedza kuti aende.
26 Et comme le matin arrivait, la femme vint et tomba à l’entrée de la maison de l’homme chez qui était son seigneur, [et y resta] jusqu’au jour.
Kwaedza, mukadzi akadzokera kumba kwaigara tenzi wake, akawira pasi pamukova wemba uye akavatapo kusvikira kwaedza.
27 Et son seigneur se leva le matin, et ouvrit la porte de la maison, et sortit pour aller son chemin; et voici, la femme, sa concubine, était tombée à l’entrée de la maison, ses mains sur le seuil.
Tenzi wake akati achimuka mangwanani akazarura mukova wemba akabuda panze kuti afambire mberi norwendo rwake, onei hoyo murongo wake avete akawira pasi pamukova wemba, maoko ake ari pachikumbaridzo.
28 Et il lui dit: Lève-toi, et allons-nous-en. Mais personne ne répondit. Et l’homme la prit sur son âne, et se leva et s’en alla en son lieu.
Iye akati kwaari, “Muka; handei.” Asi pakanga pasina mhinduro. Ipapo murume uya akamuisa pambongoro akasimuka akaenda kumusha.
29 Et il entra dans sa maison, et prit le couteau, et saisit sa concubine, et la partagea selon ses os en douze morceaux, et l’envoya dans tous les confins d’Israël.
Akati achisvika kumusha, akatora banga akagura-gura murongo wake, mutezo muzvidimbu gumi nezviviri akazvitumira munzvimbo dzose dzeIsraeri.
30 Et il arriva que tous ceux qui virent cela, dirent: Jamais chose pareille n’a eu lieu ni ne s’est vue, depuis le jour où les fils d’Israël sont montés du pays d’Égypte jusqu’à ce jour. Pensez à cela, prenez conseil, et parlez.
Mumwe nomumwe akazviona akati, “Chinhu chakadai hachina kutongoonekwa kana kuitwa, kubva pazuva rakabuda vaIsraeri muIjipiti. Fungai pamusoro pazvo! Zvicherechedzei! Tiudzei zvokuita!”

< Juges 19 >