< Job 34 >

1 Eliu reprit et dit:
Ipapo Erihu akati:
2 Sages, écoutez mes discours; hommes intelligents, prêtez-moi l'oreille.
“Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.
3 Car l'oreille juge les paroles, comme le palais discerne les aliments.
Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.
4 Tâchons de discerner ce qui est juste; cherchons entre nous ce qui est bon.
Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.
5 Job a dit: « Je suis innocent, et Dieu me refuse justice.
“Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.
6 Quand je soutiens mon droit, je passe pour menteur; ma plaie est douloureuse, sans que j'aie péché. »
Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, museve wake unobaya ronda risingarapiki.’
7 Y a-t-il un homme semblable à Job? Il boit le blasphème comme l'eau!
Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?
8 Il s'associe aux artisans d'iniquité, il marche avec les hommes pervers.
Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.
9 Car il a dit: « Il ne sert de rien à l'homme de chercher la faveur de Dieu. »
Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’
10 Ecoutez-moi donc, hommes sensés: Loin de Dieu l'iniquité! Loin du Tout-Puissant l'injustice!
“Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.
11 Il rend à l'homme selon ses œuvres, il rétribue chacun selon ses voies.
Anoripira munhu pane zvaanenge aita; anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.
12 Non, certes, Dieu ne commet pas l'iniquité, le Tout-Puissant ne viole pas la justice.
Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.
13 Qui lui a remis le gouvernement de la terre? Qui lui a confié l'univers?
Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?
14 S'il ne pensait qu'à lui-même, s'il retirait à lui son esprit et son souffle,
Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,
15 toute chair expirerait à l'instant, et l'homme retournerait à la poussière.
marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.
16 Si tu as de l'intelligence, écoute ceci; prête l'oreille au son de mes paroles:
“Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.
17 Un ennemi de la justice aurait-il le suprême pouvoir? Oses-tu condamner le Juste, le Puissant,
Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?
18 qui dit à un roi: « Vaurien! » aux princes: « Pervers! »
Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’
19 qui ne fait point acception de la personne des grands, qui ne regarde pas le riche plus que le pauvre, parce que tous sont l'ouvrage de ses mains?
asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake?
20 En un instant ils périssent, au milieu de la nuit, les peuples chancellent et disparaissent; le puissant est emporté sans main d'homme.
Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
21 Car les yeux de Dieu sont ouverts sur les voies de l'homme, il voit distinctement tous ses pas.
“Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.
22 Il n'y a ni ténèbres ni ombre de la mort, où puissent se cacher ceux qui commettent l'iniquité.
Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri wakadzama, pangavanda vaiti vezvakaipa.
23 Il n'a pas besoin de regarder un homme deux fois, pour l'amener au jugement avec lui.
Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.
24 Il brise les puissants sans enquête, et il en met d'autres à leur place.
Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.
25 Il connaît donc leurs œuvres; il les renverse de nuit, et ils sont écrasés.
Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa.
26 Il les frappe comme des impies, en un lieu où on les regarde,
Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,
27 parce qu'en se détournant de lui, en refusant de connaître toutes ses voies,
nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.
28 ils ont fait monter vers lui le cri du pauvre, ils l'ont rendu attentif au cri des malheureux.
Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.
29 S'il accorde la paix, qui le trouvera mauvais; s'il cache son visage, qui pourra le contempler, qu'il soit peuple ou homme celui qu'il traite ainsi,
Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,
30 pour mettre fin au règne de l'impie, pour qu'il ne soit plus un piège pour le peuple?
kuti abvise munhu asina umwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.
31 Or avait-il dit à Dieu: « J'ai été châtié, je ne pécherai plus;
“Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzazve.
32 montre-moi ce que j'ignore; si j'ai commis l'iniquité, je ne le ferai plus? »
Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’
33 Est-ce d'après ton avis que Dieu doit rendre la justice de sorte que tu puisses rejeter son jugement? Choisis à ton gré, et non pas moi; ce que tu sais, expose-le.
Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.
34 Les gens sensés me diront, ainsi que l'homme sage qui m'écoute:
“Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,
35 « Job a parlé sans intelligence, et ses discours sont dépourvus de sagesse.
‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’
36 Eh bien, que Job soit éprouvé jusqu'au bout, puisque ses réponses sont celles d'un impie!
Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa!
37 Car à l'offense il ajoute la révolte; il bat des mains au milieu de nous, il multiplie ses propos contre Dieu. »
Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.”

< Job 34 >