< Job 25 >
1 Alors Baldad de Suhé prit la parole et dit:
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2 A lui appartiennent la domination et la terreur; il fait régner la paix dans ses hautes demeures.
“Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga.
3 Ses légions ne sont-elles pas innombrables? Sur qui ne se lève pas sa lumière?
Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?
4 Comment l’homme serait-il juste devant Dieu? Comment le fils de la femme serait-il pur?
Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?
5 Voici que la lune même est sans clarté, les étoiles ne sont pas pures à ses yeux:
Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake,
6 combien moins l’homme, ce vermisseau, le fils de l’homme, ce vil insecte!
ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”