< Exode 10 >

1 Yahweh dit à Moïse: « Va vers Pharaon, car j’ai appesanti son cœur et le cœur de ses serviteurs, afin d’opérer mes signes au milieu d’eux
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo,
2 et afin que tu racontes aux oreilles de ton fils et du fils de ton fils quelles grandes choses j’ai faites en Égypte et quels signes j’ai opérés au milieu d’eux; et vous saurez que je suis Yahweh. »
kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu marangiro akaoma andakaita vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.”
3 Moïse et Aaron allèrent vers Pharaon et lui dirent: « Ainsi parle Yahweh, le Dieu des Hébreux: Jusques à quand refuseras-tu de t’humilier devant moi? Laisse aller mon peuple, afin qu’il me serve.
Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata.
4 Si tu refuses de laisser aller mon peuple, voici que je ferai venir demain des sauterelles dans toute l’étendue de ton pays.
Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana.
5 Elles couvriront la face de la terre, et l’on ne pourra plus voir la terre; elles dévoreront le reste qui a échappé, ce que vous a laissé la grêle, et elles dévoreront tous les arbres qui croissent dans vos champs;
Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiyirwa shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako.
6 elles rempliront tes maisons, les maisons de tous tes serviteurs et celles de tous les Égyptiens. Tes pères et les pères de tes pères n’ont jamais vu pareille calamité depuis qu’ils existent sur la terre jusqu’à ce jour. » Moïse se retira et sortit de chez Pharaon.
Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro.
7 Les serviteurs de Pharaon lui dirent: « Jusques à quand cet homme sera-t-il pour nous un piège? Laisse aller ces gens, et qu’ils servent Yahweh leur Dieu. Ne vois-tu pas encore que l’Égypte va à sa ruine? »
Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?”
8 On fit revenir Moïse et Aaron auprès de Pharaon, et il leur dit: « Allez, servez Yahweh, votre Dieu. Qui sont ceux qui doivent y aller? »
Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?”
9 Moïse répondit: « Nous irons avec nos enfants et nos vieillards, avec nos fils et nos filles, avec nos brebis et nos bœufs; car c’est pour nous une fête en l’honneur de Yahweh. »
Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.”
10 Pharaon leur dit: « Que Yahweh soit avec vous, comme je vais vous laisser aller, vous et vos enfants! Prenez garde, car vous avez de mauvais desseins!
Faro akati, “Jehovha ngaave nemi, kana ndikakutenderai kuenda, pamwe chete navakadzi navana venyu! Zviri pachena kuti imi muri kuda kuita zvakaipa.
11 Non, non; allez, vous les hommes, et servez Yahweh, puisque c’est là ce que vous demandez. » Et on les chassa de devant Pharaon.
Kwete! Varume chete ngavaende; vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro.
12 Yahweh dit à Moïse: « Etends ta main sur le pays d’Égypte pour les sauterelles; qu’elles montent sur le pays d’Égypte; qu’elles dévorent toute l’herbe de la terre, tout ce que la grêle a laissé. »
Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.”
13 Moïse étendit son bâton sur le pays d’Égypte, et Yahweh fit souffler sur le pays un vent d’orient tout ce jour-là et toute la nuit. Le matin venu, le vent d’orient avait apporté les sauterelles.
Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu;
14 Les sauterelles montèrent sur tout le pays d’Égypte et se posèrent sur tout le territoire de l’Égypte, en si grande quantité, que jamais il n’y avait eu et qu’il n’y aura jamais rien de semblable.
dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve.
15 Elles couvrirent la face de toute la terre, et la terre en fut assombrie; elles dévorèrent toute l’herbe de la terre et tous les fruits des arbres, ce que la grêle avait laissé, et il ne resta aucune verdure aux arbres ni à l’herbe des champs, dans tout le pays d’Égypte.
Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti.
16 Pharaon appela aussitôt Moïse et Aaron, et dit: « J’ai péché contre Yahweh, votre Dieu, et contre vous.
Faro akakurumidza kudana Mozisi naAroni akati, “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye nemi.
17 Mais pardonne mon péché encore cette fois seulement; et priez Yahweh, votre Dieu, afin qu’il éloigne de moi au moins ce fléau mortel. »
Zvino ndiregerereizve chivi changu uye munyengetere kuna Jehovha Mwari wenyu kuti abvise kwandiri dambudziko rinouraya iri.”
18 Moïse sortit de chez Pharaon et pria Yahweh.
Ipapo Mozisi akabva pana Faro akanyengetera kuna Jehovha.
19 Et Yahweh fit souffler un vent d’occident très fort, qui emporta les sauterelles et les poussa dans la mer Rouge; il ne resta pas une seule sauterelle dans toute l’étendue de l’Égypte. —
Uye Jehovha akashandura mhepo ikava mhepo ine simba yokumavirira ikasimudza mhashu ikadzikanda muGungwa Dzvuku. Hapana mhashu yakasara papi zvapo muIjipiti.
20 Yahweh endurcit le cœur de Pharaon, et Pharaon ne laissa pas aller les enfants d’Israël.
Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye akasatendera vaIsraeri kuti vaende.
21 Yahweh dit à Moïse: « Etends ta main vers le ciel, et qu’il y ait des ténèbres sur le pays d’Égypte, qu’on palpe les ténèbres. »
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima rinonzwikwa.”
22 Moïse étendit sa main vers le ciel, et il y eut d’épaisses ténèbres dans tout le pays d’Égypte, pendant trois jours.
Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu.
23 Ils ne se voyaient pas les uns les autres, et nul ne se leva de la place où il était, pendant trois jours; mais tous les enfants d’Israël avaient de la lumière dans les lieux qu’ils habitaient.
Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara.
24 Pharaon appela Moïse, et dit: « Allez, servez Yahweh. Vos brebis et vos bœufs seuls resteront, et vos petits enfants mêmes pourront aller avec vous. »
Ipapo Faro akadana Mozisi akati, “Endai mundonamata Jehovha. Kunyange vakadzi venyu navana vangaenda havo nemi; musiye chete makwai enyu nemombe.”
25 Moïse répondit: « Tu dois mettre entre nos mains de quoi faire des sacrifices et des holocaustes à Yahweh, notre Dieu.
Asi Mozisi akati, “Munofanira kutitendera kuti tive nezvibayiro uye nezvipiriso zvinopiswa kuti tipe kuna Jehovha Mwari wedu.
26 Nos troupeaux viendront aussi avec nous; il n’en restera pas un ongle; car c’est d’eux que nous prendrons de quoi servir Yahweh, notre Dieu; et nous ne savons pas nous-mêmes, jusqu’à ce que nous soyons arrivés là, avec quoi nous devons servir Yahweh. »
Zvipfuwo zvedu zvinofanira kuendawo nesu; hapana hwanda rinofanira kusara. Tinofanira kuzvishandisa zvimwe zvacho mukunamata Jehovha Mwari wedu, uye kusvikira tasvikako hatingazivi zvatingashandisa kuti tinamate Jehovha.”
27 Yahweh endurcit le cœur de Pharaon, et Pharaon ne voulut pas les laisser aller.
Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, saka haana kuda kuvatendera kuti vaende.
28 Pharaon dit à Moïse: « Sors de chez moi! Garde-toi de paraître encore en ma présence, car le jour où tu paraîtras en ma présence, tu mourras. »
Faro akati kuna Mozisi, “Ibvai pano! Chenjerai kuti murege kuzoonekwazve pamberi pangu! Musi wamuchaona chiso changu muchafa.”
29 Et Moïse répondit: « Tu l’as dit: je ne paraîtrai plus devant toi. »
Mozisi akapindura akati, “Sezvamareva, handichazoonekwazve pamberi penyu.”

< Exode 10 >