< Nombres 32 >
1 Or les fils de Ruben et les fils de Gad avaient un très grand nombre de têtes de bétail. Ils virent le pays de Jaezer et le pays de Galaad. Voici, ce lieu était un lieu pour le bétail.
VaRubheni navaGadhi, vakanga vane mombe zhinji uye namakwai akawanda kwazvo, vakaona nyika yaJazeri neGireadhi kuti yakanga yakanakira zvipfuwo.
2 Les fils de Gad et les fils de Ruben vinrent parler à Moïse, au sacrificateur Éléazar et aux chefs de l'assemblée, et dirent:
Saka vakauya kuna Mozisi naEreazari muprista nokuvatungamiri veungano, vakati,
3 « Ataroth, Dibon, Jazer, Nimrah, Hesbon, Elealeh, Sebam, Nebo et Beon,
“Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimira, Heshibhoni, Ereare, Sebhami, Nebho neBheoni,
4 le pays que Yahvé a frappé devant l'assemblée d'Israël, est un pays d'élevage, et vos serviteurs ont du bétail. »
nyika yakakundwa naJehovha pamberi pavanhu vaIsraeri, yakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo.”
5 Ils dirent: « Si nous avons trouvé grâce à tes yeux, que ce pays soit donné en propriété à tes serviteurs. Ne nous fais pas passer le Jourdain. »
Vakati, “Kana tawana nyasha pamberi penyu, nyika iyi ngaipiwe kuvaranda venyu ive yedu. Musatiyambutsa Jorodhani.”
6 Moïse dit aux fils de Gad et aux fils de Ruben: « Vos frères iront-ils à la guerre pendant que vous serez assis ici?
Mozisi akati kuvaGadhi nokuvaRubheni, “Ko, vanhu venyika yokwenyu vangaenda kuhondo imi makagara henyu pano?
7 Pourquoi découragez-vous le cœur des enfants d'Israël d'aller dans le pays que l'Éternel leur a donné?
Ko, munoodzerei mwoyo yavaIsraeri kuti vasayambuka vachienda kunyika yavakapiwa naJehovha?
8 Vos pères l'ont fait lorsque je les ai envoyés de Kadès-Barnéa pour voir le pays.
Izvi ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi Bharinea kuti vandosora nyika.
9 Car lorsqu'ils montèrent à la vallée d'Eshcol et qu'ils virent le pays, ils découragèrent le cœur des enfants d'Israël, pour qu'ils n'aillent pas dans le pays que l'Éternel leur avait donné.
Shure kwokukwira kwavo kuMupata weEshikori vakandoona nyika, vakaodza mwoyo yavaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
10 La colère de Yahvé s'enflamma ce jour-là, et il jura, en disant:
Kutsamwa kwaJehovha kwakamutswa nomusi uyo uye akapika mhiko iyi:
11 « Aucun des hommes qui sont montés d'Égypte, depuis l'âge de vingt ans et au-dessus, ne verra le pays que j'ai juré à Abraham, à Isaac et à Jacob, parce qu'ils ne m'ont pas entièrement suivi,
‘Nokuda kwokuti havana kunditevera nomwoyo wose, hakuna mumwe wavo ane makore makumi maviri kana anodarika akabuda munyika yeIjipiti achaona nyika yandakanga ndavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho,
12 sauf Caleb, fils de Jephunné, le Kenizien, et Josué, fils de Nun, parce qu'ils ont entièrement suivi Yahvé ».
hakuna mumwe wavo kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi naJoshua mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Jehovha nomwoyo wose.’
13 La colère de Yahvé s'enflamma contre Israël, et il le fit errer dans le désert pendant quarante ans, jusqu'à ce que toute la génération qui avait fait le mal aux yeux de Yahvé fût consumée.
Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavaIsraeri akavaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira zera rose ravaya vakaita zvakaipa pamberi pake rapera.
14 « Voici, vous vous êtes levés à la place de vos pères, une multitude d'hommes pécheurs, pour augmenter la colère ardente de l'Éternel contre Israël.
“Hezvino muri pano, imi chibereko chavatadzi, mumire panzvimbo yamadzibaba enyu muchiwedzera kutsamwa kwaJehovha kukuru pamusoro pavaIsraeri.
15 Car si vous vous détournez de lui, il les abandonnera encore une fois dans le désert, et vous détruirez tout ce peuple. »
Kana mukatsauka pakumutevera, achasiyazve vanhu ava vose murenje, uye imi ndimi muchauyisa kuparadzwa kwavo.”
16 Ils s'approchèrent de lui et dirent: Nous construirons ici des bergeries pour notre bétail, et des villes pour nos petits enfants;
Ipapo vakakwira kwaari vakati, “Tinoda kuvaka matanga ezvipfuwo zvedu kuno namaguta avakadzi vedu navana.
17 mais nous-mêmes, nous serons armés pour marcher devant les enfants d'Israël, jusqu'à ce que nous les ayons conduits à leur place. Nos petits enfants habiteront dans les villes fortifiées, à cause des habitants du pays.
Asi takagadzirira kurwa nokuenda mberi navaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo. Pari zvino vakadzi vedu navana vedu vachagara mumaguta akakomberedzwa, kuti vadzivirirwe pavagari venyika ino.
18 Nous ne retournerons pas dans nos maisons avant que les enfants d'Israël aient tous reçu leur héritage.
Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira vaIsraeri vose vagamuchira nhaka yavo.
19 Car nous n'hériterons pas avec eux de l'autre côté du Jourdain et au-delà, puisque notre héritage nous est échu de ce côté-ci du Jourdain, à l'est. »
Hatizogamuchiri nhaka ipi zvayo pamwe chete navo mhiri kweJorodhani, nokuti nhaka yedu tava nayo kumabvazuva kweJorodhani.”
20 Moïse leur dit: « Si vous faites cela, si vous vous armez pour aller à la guerre devant l'Éternel,
Ipapo Mozisi akati kwavari, “Kana mukaita izvi, kana mukazvishongedza nhumbi dzokurwa pamberi paJehovha kuti mundorwa,
21 et que chacun de vos hommes armés passe le Jourdain devant l'Éternel jusqu'à ce qu'il ait chassé ses ennemis devant lui,
uye kana imi mose mukaenda makashonga nhumbi dzokurwa mhiri kwaJorodhani pamberi paJehovha kusvikira adzinga vavengi vake pamberi pake,
22 et que le pays soit soumis à l'Éternel, alors vous reviendrez et vous serez quittes envers l'Éternel et envers Israël. Ce pays sera alors votre propriété devant Yahvé.
ipapo kana nyika ichinge yakundwa pamberi paJehovha, mungadzokera henyu uye musununguke pabasa renyu pamberi paJehovha napamberi pavaIsraeri. Uye nyika iyi ichava yenyu pamberi paJehovha.
23 « Mais si tu ne le fais pas, voici, tu as péché contre l'Éternel, et sois sûr que ton péché te découvrira.
“Asi kana mukakoniwa kuita izvi, muchange matadzira Jehovha; uye zvirokwazvo chivi chenyu chichakuwanai.
24 Bâtissez des villes pour vos petits enfants et des parcs pour vos brebis, et faites ce qui est sorti de votre bouche. »
Vakai maguta avakadzi navana venyu, uye matanga amakwai enyu, asi muite zvamakavimbisa.”
25 Les fils de Gad et les fils de Ruben parlèrent à Moïse et dirent: « Tes serviteurs feront ce que mon seigneur ordonne.
VaGadhi navaRubheni vakati kuna Mozisi, “Isu varanda venyu tichaita sezvarayirwa naishe wedu.
26 Nos petits enfants, nos femmes, nos troupeaux et tout notre bétail seront là, dans les villes de Galaad;
Vana vedu navakadzi vedu, makwai edu nemombe dzedu zvichasara kuno mumaguta eGireadhi.
27 mais tes serviteurs passeront, tout homme armé pour la guerre, devant l'Éternel pour combattre, comme le dit mon seigneur. »
Asi varanda venyu, varume vose vakazvigadzirira kundorwa, vachayambuka kundorwa pamberi paJehovha sezvataurwa naishe wedu.”
28 Moïse donna des ordres à leur sujet au prêtre Éléazar, à Josué, fils de Nun, et aux chefs de famille des tribus des enfants d'Israël.
Ipapo Mozisi akarayira pamusoro pavo kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni nokuvakuru vemhuri dzamarudzi avaIsraeri.
29 Moïse leur dit: « Si les fils de Gad et les fils de Ruben passent avec vous le Jourdain, chacun armé pour combattre devant Yahvé, et que le pays soit soumis devant vous, vous leur donnerez le pays de Galaad en propriété;
Akati kwavari, “Kana vaGadhi navaRubheni, murume mumwe nomumwe akazvigadzirira kundorwa, vakayambuka Jorodhani nemi pamberi paJehovha, ipapo kana nyika ikakundwa pamberi pako, uvape nyika yeGireadhi ive yavo.
30 mais s'ils ne passent pas avec vous armés, ils auront des propriétés au milieu de vous dans le pays de Canaan. »
Asi kana vakasayambuka nemi vakashonga zvokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pamwe chete nemi muKenani.”
31 Les fils de Gad et les fils de Ruben répondirent et dirent: « Nous ferons ce que l'Éternel a dit à vos serviteurs.
VaGadhi navaRubheni vakapindura vakati, “Varanda venyu vachaita zvarehwa naJehovha.
32 Nous passerons armés devant Yahvé dans le pays de Canaan, et la possession de notre héritage restera avec nous au-delà du Jourdain. »
Tichayambuka mhiri pamberi paJehovha tigopinda muKenani, takashonga nhumbi dzokurwa nadzo, asi nhaka yatichawana ichava kudivi rino reJorodhani.”
33 Moïse donna aux fils de Gad, aux fils de Ruben et à la demi-tribu de Manassé, fils de Joseph, le royaume de Sihon, roi des Amoréens, et le royaume d'Og, roi de Basan, le pays, avec ses villes et ses limites, et les villes des environs.
Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza.
34 Les fils de Gad bâtirent Dibon, Ataroth, Arœr,
VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri,
35 Atroth-Shophan, Jazer, Jogbeha,
Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha,
36 Beth Nimrah et Beth Haran: villes fortes et replis pour les brebis.
Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo.
37 Les fils de Ruben bâtirent Hesbon, Élealé, Kiriathaïm,
Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi,
38 Nébo, Baal Méon, dont les noms ont été changés, et Sibma. Ils donnèrent d`autres noms aux villes qu`ils bâtirent.
pamwe chete neNebho neBhaari Meoni (mazita aya akashandurwa) neSibhima. Vakapa mazita kumaguta avakavaka.
39 Les fils de Makir, fils de Manassé, allèrent à Galaad, s'en emparèrent et dépossédèrent les Amoréens qui s'y trouvaient.
Zvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase zvakaenda kuGireadhi, zvikaritapa zvikadzinga vaAmori vakanga varimo.
40 Moïse donna Galaad à Makir, fils de Manassé, qui l'habita.
Saka Mozisi akapa Gireadhi kuvaMakiri, zvizvarwa zvaManase, ivo vakagara ikoko.
41 Jaïr, fils de Manassé, alla prendre ses villages, et il les appela Havvoth Jaïr.
Jairi, chizvarwa chaManase, akakunda misha yaro akaitumidza kuti Havhoti Jairi.
42 Nobach alla prendre Kenath et ses villages, et il l'appela Nobach, d'après son propre nom.
Uye Nobha akakunda Kenati nenzvimbo dzakaripoteredza akaritumidza kuti Nobha zita rake.