< 2 Timothée 2 >

1 Toi donc, mon enfant, sois fortifié dans la grâce qui est en Jésus-Christ.
Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
2 Ce que tu as entendu de moi en présence de nombreux témoins, confie-le à des hommes fidèles, capables d'instruire aussi les autres.
Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.
3 Il faut donc que tu supportes les épreuves comme un bon soldat de Jésus-Christ.
Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu.
4 Aucun soldat en service ne se mêle des affaires de la vie, afin de plaire à celui qui l'a enrôlé comme soldat.
Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, nokuti anoda kufadza mukuru wake wehondo.
5 De même, si quelqu'un participe à un concours d'athlétisme, il n'est pas couronné s'il n'a pas concouru selon les règles.
Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa.
6 Le cultivateur qui travaille doit être le premier à recevoir une part des récoltes.
Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.
7 Considérez ce que je dis, et que le Seigneur vous donne de l'intelligence en toutes choses.
Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose.
8 Souviens-toi de Jésus-Christ, ressuscité des morts, de la descendance de David, selon ma Bonne Nouvelle,
Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu,
9 dans laquelle je souffre des privations jusqu'à être enchaîné comme un criminel. Mais la parole de Dieu n'est pas enchaînée.
randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa.
10 C'est pourquoi je supporte tout à cause des élus, afin qu'eux aussi obtiennent le salut qui est en Jésus-Christ, avec la gloire éternelle. (aiōnios g166)
Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi. (aiōnios g166)
11 Cette parole est digne de foi: « Car si nous sommes morts avec lui, nous vivrons aussi avec lui.
Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye;
12 Si nous endurons, nous régnerons aussi avec lui. Si nous le renions, il nous reniera aussi.
kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;
13 Si nous sommes infidèles, il reste fidèle; car il ne peut pas se renier. »
kana tikasava nokutenda, iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi.
14 Rappelle-leur ces choses, en leur recommandant, devant le Seigneur, de ne pas discuter inutilement des paroles, au détriment de ceux qui écoutent.
Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera.
15 Efforce-toi de te présenter devant Dieu, comme un ouvrier qui n'a pas à rougir, maniant avec soin la Parole de Vérité.
Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
16 Mais fuis les discours creux, car ils vont plus loin dans l'impiété,
Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.
17 et ces discours-là se consument comme la gangrène. Parmi eux se trouvent Hyménée et Philète,
Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayasi naFiretasi,
18 des hommes qui se sont égarés dans la vérité, en disant que la résurrection est déjà passée, et en renversant la foi de quelques-uns.
vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe.
19 Cependant, le solide fondement de Dieu subsiste, ayant ce sceau: « Le Seigneur connaît ceux qui sont à lui » et « Que quiconque invoque le nom du Seigneur s'éloigne de l'iniquité ».
Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”
20 Dans une grande maison, il y a non seulement des vases d'or et d'argent, mais aussi des vases de bois et d'argile. Les uns sont pour l'honneur, les autres pour le déshonneur.
Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.
21 Si donc quelqu'un se purifie de ces derniers, il sera un vase d'honneur, sanctifié, propre à l'usage du maître, préparé pour toute bonne œuvre.
Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
22 Fuyez les convoitises de la jeunesse, mais recherchez la justice, la foi, l'amour et la paix avec ceux qui invoquent le Seigneur d'un cœur pur.
Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
23 Mais refusez les interrogations insensées et ignorantes, sachant qu'elles engendrent des querelles.
Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara.
24 Le serviteur du Seigneur ne doit pas se disputer, mais être doux envers tous, capable d'enseigner, patient,
Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi.
25 corrigeant avec douceur ceux qui s'opposent à lui. Peut-être Dieu leur donnera-t-il une repentance qui les amènera à la pleine connaissance de la vérité,
Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi,
26 et ils se ressaisiront du piège du diable, après avoir été emmenés par lui pour faire sa volonté.
uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.

< 2 Timothée 2 >