< Titus 3 >

1 Amoneste hem to be sugetis to prynces, and to poweris; to obeische to that that is seid, and to be redi to al good werk;
Uvayeudzire ivo kuzviisa pasi pevatungamiriri nevabati, vavateerere, vakazvigadzirira basa rese rakanaka,
2 to blasfeme no man, to be not ful of chiding, but temperat, schewynge al myldenesse to alle men.
varege kuchera munhu, varege kuva vakakavari, vanyoro, vaitire vanhu vese unyoro hwese.
3 For we weren sum tyme vnwise, vnbileueful, errynge, and seruynge to desiris, and to dyuerse lustis, doynge in malice and enuye, worthi to be hatid, hatinge ech othere.
Nokuti nesu pachedu taimbova matununu, vasingateereri, tichitsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana-siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana.
4 But whanne the benygnyte and the manhed of oure sauyour God aperide,
Asi apo unyoro nerudo kuvanhu zvaMwari Muponesi wedu zvoonekwa,
5 not of werkis of riytwisnesse that we diden, but bi his merci he made vs saaf, bi waischyng of ayen bigetyng, and ayen newyng of the Hooli Goost,
kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita isu, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa, kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nekuvandudzwa kweMweya Mutsvene,
6 whom he schedde into vs plenteuousli bi Jhesu Crist, oure saueour,
waakadururira achiwanza pamusoro pedu, kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,
7 that we iustified bi his grace, ben eiris by hope of euerlastinge lijf. (aiōnios g166)
kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
8 A trewe word is, and of these thingis Y wole that thou conferme othere, that thei that bileuen to God, be bisy to be aboue othere in good werkis. These thingis ben good, and profitable to men.
Ishoko rakatendeka, uye izvi ndinoda kuti musimbise zvirokwazvo, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira pamabasa akanaka. Ndizvo zvinhu zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;
9 And eschewe thou foltische questiouns, and genologies, and stryues, and fiytyngis of the lawe; for tho ben vnprofitable and veyn.
asi nzvenga mibvunzo yeupenzi nenhoroondo dzemazita emadzinza nemakakatanwa nemakakava pamusoro pemurairo, nokuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.
10 Eschewe thou a man eretik, aftir oon and the secound correccioun;
Munhu anotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umurambe,
11 witinge that he that is siche a maner man is subuertid, and trespassith, and is dampned bi his owne dom.
uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye anotadza, achizvipa mhosva amene.
12 Whanne Y sende to thee Arteman, or Titicus, hiy thou to `come to me to Nycopolis; for Y haue purposid to dwelle in wyntir there.
Pandichatuma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nokuti ndakazvipira kugarapo pachando.
13 Bisili byfor sende Zenam, a wise man of lawe, and Apollo, that no thing faile to hem.
Shingaira kubatsira Zenasi mududziri wemurairo naAporo parwendo rwavo, kuti kusava nechinhu chinoshaikwa kwavari.
14 Thei that ben of ouris, lerne to be gouernouris in good werkis, to necessarie vsis, that thei be not with out fruyt.
Nevekweduwo ngavadzidze kuzvipira pamabasa akanaka anodikanwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.
15 Alle men that ben with me greeten thee wel. Grete thou wel hem, that louen vs in feith. The grace of God be with you alle. Amen.
Vese vaneni vanokukwazisa. Kwazisa vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni.

< Titus 3 >