< Romans 4 >

1 What thanne schulen we seie, that Abraham oure fadir aftir the flesch foond?
Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama?
2 For if Abraham is iustified of werkis of the lawe, he hath glorie, but not anentis God.
Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari.
3 For what seith the scripture? Abraham bileued to God, and it was arettid to him to riytwisnesse.
Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
4 And to hym that worchith mede is not arettid bi grace, but bi dette.
Asi kune anoshanda mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava.
5 Sotheli to hym that worchith not, but bileueth in to hym that iustefieth a wickid man, his feith is arettid to riytwisnesse, aftir the purpos of Goddis grace.
Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.
6 As Dauid seith the blessidnesse of a man, whom God acceptith, he yyueth to hym riytwisnesse with outen werkis of the lawe,
Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti:
7 Blessid ben thei, whos wickidnessis ben foryouun, and whos synnes ben hid.
Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa.
8 Blessid is that man, to whom God arettide not synne.
Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi.
9 Thanne whether dwellith this blisfulnesse oneli in circumcisioun, or also in prepucie? For we seien, that the feith was arettid to Abraham to riytwisnesse.
Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama.
10 Hou thanne was it arettid? in circumcisioun, or in prepucie? Not in circumcisioun, but in prepucie.
Ko kwakaverengwa sei? Paakange ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.
11 And he took a signe of circumcisioun, a tokenyng of riytwisnesse of the feith which is in prepucie, that he be fadir of alle men bileuynge bi prepucie, that it be arettid also to hem to riytwisnesse;
Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaakange anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevese vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;
12 and that he be fadir of circumcisioun, not onely to hem that ben of circumcisioun, but also to hem that suen the steppis of the feith, which feith is in prepucie of oure fader Abraham.
uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa.
13 For not bi the lawe is biheest to Abraham, or to his seed, that he schulde be eir of the world, but bi the riytwisnesse of feith.
Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo.
14 For if thei that ben of the lawe, ben eiris, feith is distried, biheest is don awey.
Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa;
15 For the lawe worchith wraththe; for where is no lawe, there is no trespas, nethir is trespassyng.
nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo.
16 Therfor riytfulnesse is of the feith, that bi grace biheeste be stable to ech seed, not to that seed oneli that is of the lawe, but to that that is of the feith of Abraham, which is fadir of vs alle.
Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yese; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tese,
17 As it is writun, For Y haue set thee fadir of many folkis, bifor God to whom thou hast bileued. Which God quykeneth deed men, and clepith tho thingis that ben not, as tho that ben.
(sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo.
18 Which Abraham ayens hope bileuede in to hope, that he schulde be maad fader of many folkis, as it was seid to hym, Thus schal thi seed be, as the sterris of heuene, and as the grauel that is in the brenke of the see.
Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvakange zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako.
19 And he was not maad vnstidfast in the bileue, nether he biheelde his bodi thanne nyy deed, whanne he was almost of an hundrid yeer, ne the wombe of Sare nyy deed.
Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene wakange watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara;
20 Also in the biheeste of God he doutide not with vntrist; but he was coumfortid in bileue,
asi haana kuva nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,
21 yyuynge glorie to God, witynge moost fulli that what euere thingis God hath bihiyt, he is myyti also to do.
achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita.
22 Therfor it was arettid to hym to riytwisnesse.
Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.
23 And it is not writun oneli for him, that it was arettid to hym to riytwisnesse,
Asi zvakange zvisina kunyorwa nekuda kwake ega, kuti zvakaverengerwa kwaari;
24 but also for vs, to whiche it schal be arettid, that bileuen in him that reiside oure Lord Jhesu Crist fro deeth.
asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa,
25 Which was bitakun for oure synnes, and roos ayen for oure iustefiyng.
wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama.

< Romans 4 >