< Romans 14 >
1 But take ye a sijk man in bileue, not in demyngis of thouytis.
Zvino ane utera parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero.
2 For another man leueth, that he mai ete alle thingis; but he that is sijk, ete wortis.
Umwe anotenda kudya zvese, asi ane utera anodya miriwo.
3 He that etith, dispise not hym that etith not; and he that etith not, deme not hym that etith. For God hath take him to hym.
Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.
4 Who art thou, that demest anothris seruaunt? To his lord he stondith, or fallith fro hym. But he schal stonde; for the Lord is myyti to make hym parfit.
Iwe ndiwe ani anotonga muranda weumwe? Anomira kana kuwa kuna ishe wake pachake. Achamiswa zvirokwazvo; nokuti Mwari anogona kumumisa.
5 For whi oon demeth a day bitwixe a dai, another demeth ech dai.
Umwe anotemera zuva kupfuura rimwe zuva; umwe anotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaazivisise mumurangariro wake pachake.
6 Ech man encrees in his wit. He that vnderstondith the dai, vnderstondith to the Lord. And he that etith, etith to the Lord, for he doith thankyngis to God. And he that etith not, etith not to the Lord, and doith thankyngis to God.
Uyo anorangarira zuva, anorirangarira muna Ishe; neasingarangariri zuva, haarangariri muna Ishe; anodya anodya kuna Ishe, nokuti anovonga Mwari; uye asingadyi haadyi muna Ishe, uye anovonga Mwari.
7 For no man of vs lyueth to hymsilf, and no man dieth to hymself.
Nokuti hakuna umwe kwatiri anozviraramira, uye hakuna anozvifira.
8 For whether we lyuen, we lyuen to the Lord; and whethir we dien, we dien to the Lord. Therfor whethir we lyuen or dien, we ben of the Lord.
Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe.
9 For whi for this thing Crist was deed, and roos ayen, that he be Lord bothe of quyke and of deed men.
Nokuti naKristu wakafira izvozvi, uye akamuka, akararamazve kuti ave Ishe wevese vakafa nevapenyu.
10 But what demest thou thi brothir? or whi dispisist thou thi brothir? for alle we schulen stonde bifore the trone of Crist.
Zvino iwe unotongerei hama yako? Kana newe unozvidzirei hama yako? Nokuti isu tese tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.
11 For it is writun, Y lyue, seith the Lord, for to me ech kne schal be bowid, and ech tunge schal knouleche to God.
Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari.
12 Therfor ech of vs schal yelde resoun to God for hym silf.
Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu achazvidavirira pachake kuna Mwari.
13 Therfor `no more deme we ech other; but more deme ye this thing, that ye putte not hirtyng, or sclaundre, to a brothir.
Naizvozvo ngatirege kuva tichatongana; asi zviri nani mutonge izvi, kuti tisaisira hama chigumbuso kana chipinganidzo.
14 I woot and triste in the Lord Jhesu, that no thing is vnclene bi hym, no but to him that demeth ony thing to be vnclene, to him it is vnclene.
Ndinoziva uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba pachacho; asi kune uyo anofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba.
15 And if thi brother be maad sori in conscience for mete, now thou walkist not aftir charite. Nyle thou thorouy thi mete lese hym, for whom Crist diede.
Asi kana hama yako ichishungurudzwa nekudya, hauchafambi maererano nerudo. Usamuparadza nekudya kwako, uyo Kristu waakafira.
16 Therfor be not oure good thing blasfemed.
Naizvozvo zvakanaka zvenyu ngazvirege kunyombwa.
17 For whi the rewme of God is not mete and drynk, but riytwisnesse and pees and ioye in the Hooli Goost.
Nokuti ushe hwaMwari hahusi kudya nechinwiwa, asi kururama nerugare nemufaro muMweya Mutsvene.
18 And he that in this thing serueth Crist, plesith God, and is proued to men.
Nokuti anoshumira Kristu pazvinhu izvi, anogamuchirika kuna Mwari, uye anotendwa kuvanhu.
19 Therfor sue we tho thingis that ben of pees, and kepe we togidere `tho thingis that ben of edificacioun.
Naizvozvo zvino ngatitsvakisise zvinhu zverugare, nezvinhu zvekuvakana.
20 Nyle thou for mete distrie the werk of God. For alle thingis ben clene, but it is yuel to the man that etith bi offendyng.
Rega kuparadza basa raMwari nekuda kwekudya. Zvese zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya nechigumbuso.
21 It is good to not ete fleisch, and to not drynke wyn, nethir in what thing thi brother offendith, or is sclaundrid, or is maad sijk.
Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana chimwe hama yako chaingagumburwa nacho kana kukanganiswa kana kushaiwa simba.
22 Thou hast feith anentis thi silf, haue thou bifore God. Blessid is he that demeth not hym silf in that thing that he preueth.
Iwe une rutendo here? Iva narwo pachako pamberi paMwari. Wakaropafadzwa asingazvitongi pachinhu chaanotendera.
23 For he that demeth, is dampned, if he etith; for it is not of feith. And al thing that is not of feith, is synne.
Asi asina chokwadi, kana achidya, wava nemhosva, nokuti haadyi nerutendo; uye chese chisingabvi parutendo, chivi.