< 2 Thessalonians 2 >
1 But, britheren, we preien you bi the comyng of oure Lord Jhesu Crist, and of oure congregacioun in to the same comyng,
Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama,
2 that ye be not mouyd soone fro youre witt, nether be aferd, nether bi spirit, nether bi word, nether bi epistle as sent bi vs, as if the dai of the Lord be nyy.
kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika.
3 No man disseyue you in ony manere. For but dissencioun come first, and the man of synne be schewid, the sonne of perdicioun,
Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.
4 that is aduersarie, and is enhaunsid ouer `al thing that is seid God, or that is worschipid, so that he sitte in the temple of God, and schewe hym silf as if he were God.
Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari.
5 Whether ye holden not, that yit whanne Y was at you, Y seide these thingis to you?
Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi?
6 And now what withholdith, ye witen, that he be schewid in his tyme.
Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira.
7 For the priuete of wickidnesse worchith now; oneli that he that holdith now, holde, til he be do awei.
Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa.
8 And thanne thilke wickid man schal be schewid, whom the Lord Jhesu schal sle with the spirit of his mouth, and schal distrie with liytnyng of his comyng;
Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake.
9 hym, whos comyng is bi the worching of Sathanas, in al vertu, and signes,
Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana,
10 and grete wondris, false, and in al disseit of wickidnesse, to hem that perischen. For that thei resseyueden not the charite of treuthe, that thei schulden be maad saaf.
uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uti vagoponeswa.
11 And therfor God schal sende to hem a worching of errour, that thei bileue to leesing,
Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema
12 that alle be demed, whiche bileueden not to treuthe, but consentiden to wickidnesse.
uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa.
13 But, britheren louyd of God, we owen to do thankyngis euermore to God for you, that God chees vs the firste fruytis in to heelthe, in halewing of spirit and in feith of treuthe;
Asi tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama dzinodiwa naIshe, nokuti kubva pakutanga Mwari akakusarudzai kuti muponeswe nebasa rokuchenesa roMweya uye nokutenda chokwadi.
14 in which also he clepide you bi oure gospel, in to geting of the glorie of oure Lord Jhesu Crist.
Akakudanirai izvi nevhangeri redu, kuti mugovane mukubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
15 Therfor, britheren, stonde ye, and holde ye the tradiciouns, that ye han lerud, ethir bi word, ethir bi oure pistle.
Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.
16 And oure Lord Jhesu Crist him silf, and God oure fadir, which louyde vs, and yaf euerlastinge coumfort and good hope in grace, (aiōnios )
Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, (aiōnios )
17 stire youre hertis, and conferme in al good werk and word.
ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka.