< Jeremiah 33 >

1 Moreover the LORD’s word came to Jeremiah the second time, while he was still locked up in the court of the guard, saying,
Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti,
2 “The LORD who does it, the LORD who forms it to establish it—the LORD is his name, says:
“Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba uye akaisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
3 ‘Call to me, and I will answer you, and will show you great and difficult things, which you don’t know.’
‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’
4 For the LORD, the God of Israel, says concerning the houses of this city and concerning the houses of the kings of Judah, which are broken down to make a defence against the mounds and against the sword:
Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta neminondo,
5 ‘While men come to fight with the Chaldeans, and to fill them with the dead bodies of men, whom I have killed in my anger and in my wrath, and for all whose wickedness I have hidden my face from this city,
mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.
6 behold, I will bring it health and healing, and I will cure them; and I will reveal to them abundance of peace and truth.
“‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka.
7 I will restore the fortunes of Judah and Israel, and will build them as at the first.
Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga.
8 I will cleanse them from all their iniquity by which they have sinned against me. I will pardon all their iniquities by which they have sinned against me and by which they have transgressed against me.
Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira.
9 This city will be to me for a name of joy, for praise, and for glory, before all the nations of the earth, which will hear all the good that I do to them, and will fear and tremble for all the good and for all the peace that I provide to it.’”
Ipapo guta rino richandivigira mukurumbira, mufaro, kurumbidzwa nokukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa zvakanaka zvose zvandinoriitira; dzichatya uye dzichadedera nokuda kwokukura kwokubudirira norugare rwandinoripa.’
10 The LORD says: “Yet again there will be heard in this place, about which you say, ‘It is waste, without man and without animal, even in the cities of Judah, and in the streets of Jerusalem, that are desolate, without man and without inhabitant and without animal,’
“Zvanzi naJehovha: ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musisagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve
11 the voice of joy and the voice of gladness, the voice of the bridegroom and the voice of the bride, the voice of those who say, ‘Give thanks to the LORD of Armies, for the LORD is good, for his loving kindness endures forever;’ who bring thanksgiving into the LORD’s house. For I will cause the captivity of the land to be reversed as at the first,” says the LORD.
manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti, “‘“Vongai Jehovha Wamasimba Ose, nokuti Jehovha akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 The LORD of Armies says: “Yet again there will be in this place, which is waste, without man and without animal, and in all its cities, a habitation of shepherds causing their flocks to lie down.
“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo.
13 In the cities of the hill country, in the cities of the lowland, in the cities of the South, in the land of Benjamin, in the places around Jerusalem, and in the cities of Judah, the flocks will again pass under the hands of him who counts them,” says the LORD.
Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwounoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 “Behold, the days come,” says the LORD, “that I will perform that good word which I have spoken concerning the house of Israel and concerning the house of Judah.
“‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha.
15 “In those days and at that time, I will cause a Branch of righteousness to grow up to David. He will execute justice and righteousness in the land.
“‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi; iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama.
16 In those days Judah will be saved, and Jerusalem will dwell safely. This is the name by which she will be called: The LORD our righteousness.”
Mumazuva iwayo Judha achaponeswa, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka. Iri ndiro zita rarichatumidzwa: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’
17 For the LORD says: “David will never lack a man to sit on the throne of the house of Israel.
Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri,
18 The Levitical priests won’t lack a man before me to offer burnt offerings, to burn meal offerings, and to do sacrifice continually.”
Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, apisire zvipiriso zvezviyo uye ape zvibayiro.’”
19 The LORD’s word came to Jeremiah, saying,
Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti:
20 “The LORD says: ‘If you can break my covenant of the day and my covenant of the night, so that there will not be day and night in their time,
“Zvanzi naJehovha: ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye nesungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa,
21 then my covenant could also be broken with David my servant, that he won’t have a son to reign on his throne; and with the Levitical priests, my ministers.
ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe.
22 As the army of the sky can’t be counted, and the sand of the sea can’t be measured, so I will multiply the offspring of David my servant and the Levites who minister to me.’”
Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’”
23 The LORD’s word came to Jeremiah, saying,
Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
24 “Don’t consider what this people has spoken, saying, ‘Has the LORD cast off the two families which he chose?’ Thus they despise my people, that they should be no more a nation before them.”
“Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi.
25 The LORD says: “If my covenant of day and night fails, if I have not appointed the ordinances of heaven and earth,
Zvanzi naJehovha: ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi,
26 then I will also cast away the offspring of Jacob, and of David my servant, so that I will not take of his offspring to be rulers over the offspring of Abraham, Isaac, and Jacob; for I will cause their captivity to be reversed and will have mercy on them.”
ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, Isaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’”

< Jeremiah 33 >