< Mark 13 >
1 As He was leaving the Temple, one of His disciples exclaimed, "Look, Rabbi, what wonderful stones! what wonderful buildings!"
Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!”
2 "You see all these great buildings?" Jesus replied; "not one stone will be left here upon another--not thrown down."
Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
3 He was sitting on the Mount of Olives opposite to the Temple, when Peter, James, John, and Andrew, apart from the others asked Him,
Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati,
4 "Tell us, When will these things be? and what will be the sign when all these predictions are on the point of being fulfilled?"
“Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?”
5 So Jesus began to say to them: "Take care that no one misleads you.
Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai.
6 Many will come assuming my name and saying, 'I am He;' and they will mislead many.
Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.
7 But when you hear of wars and rumours of wars, do not be alarmed: come they must, but the End is not yet.
Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako.
8 For nation will rise in arms against nation, and kingdom against kingdom. There will be earthquakes in various places; there will be famines. These miseries are but like the early pains of childbirth.
Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwamarwadzo okusununguka.
9 "You yourselves must be on your guard. They will deliver you up to Sanhedrins; you will be brought into synagogues and cruelly beaten; and you will stand before governors and kings for my sake, to be witnesses to them for me.
“Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.
10 But the proclamation of the Good News must be carried to all the Gentiles before the End comes.
Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.
11 When however they are marching you along under arrest, do not be anxious beforehand about what you are to say, but speak what is given you when the time comes; for it will not be you who speak, but the Holy Spirit.
Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
12 "Brother will betray brother to be killed, and fathers will betray children; and children will rise against their parents and have them put to death.
“Mukoma achaurayisa mununʼuna, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
13 You will be objects of universal hatred because you are called by my name, but those who stand firm to the End will be saved.
Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
14 "As soon, however, as you see the Abomination of Desolation standing where he ought not" --let the reader observe these words--"then let those in Judaea escape to the hills;
“Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
15 let him who is on the roof not come down and enter the house to fetch anything out of it;
Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba.
16 and let not him who is in the field turn back to pick up his outer garment.
Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake.
17 And alas for the women who at that time are with child or have infants!
Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo!
18 "But pray that it may not come in the winter.
Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando,
19 For those will be times of suffering the like of which has never been from the first creation of God's world until now, and assuredly never will be again;
nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve.
20 and but for the fact that the Lord has cut short those days, no one would escape; but for the sake of His own People whom He has chosen for Himself He has cut short the days.
Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake.
21 "At that time if any one says to you, 'See, here is the Christ!' or 'See, He is there!' do not believe it.
Panguva iyo kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarirai, uyo ari apo!’ musazvitenda.
22 For there will rise up false Christs and false prophets, displaying signs and prodigies with a view to lead astray--if indeed that were possible--even God's own People.
Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana zvaigoneka.
23 But as for yourselves, be on your guard: I have forewarned you of everything.
Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika.
24 "At that time, however, after that distress, the sun will be darkened and the moon will not shed her light;
“Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, “‘zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauchazovhenekeri;
25 the stars will be seen falling from the firmament, and the forces which are in the heavens will be disordered and disturbed.
nyeredzi dzichawa kudenga, uye masimba okudenga achadengenyeka.’
26 And then will they see the Son of Man coming in clouds with great power and glory.
“Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.
27 Then He will send forth the angels and gather together His chosen People from north, south, east and west, from the remotest parts of the earth and the sky.
Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga.
28 "Learn from the fig-tree the lesson it teaches. As soon as its branch has become soft and it is bursting into leaf, you know that summer is near.
“Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
29 So also do you, when you see these things happening, be sure that He is near, at your very door.
Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvoitika, zivai kuti ava pedyo, atova pamukova.
30 I tell you in solemn truth that the present generation will certainly not pass away without all these things having first taken place.
Ndinokuudzai chokwadi, zvirokwazvo rudzi urwu harungapfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.
31 Earth and sky will pass away, but it is certain that my words will not pass away.
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
32 "But as to that day or the exact time no one knows--not even the angels in Heaven, nor the Son, but the Father alone.
“Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.
33 Take care, be on the alert, and pray; for you do not know when it will happen.
Rindai! Svinurai! Hamuzivi kuti nguva iyo inosvika rini.
34 It is like a man living abroad who has left his house, and given the management to his servants--to each one his special duty--and has ordered the porter to keep awake.
Zvakaita somunhu anoenda kure: Anosiya imba yake akaichengetesa varanda vake, mumwe nomumwe pabasa rake, uye agoudza ari pamukova kuti agare akarinda.
35 Be wakeful therefore, for you know not when the master of the house is coming--in the evening, at midnight, at cock-crow, or at dawn.
“Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza.
36 Beware lest He should arrive unexpectedly and find you asleep.
Kana akakurumidza kuuya, musamurega achikuwanai muvete.
37 Moreover, what I say to you I say to all--Be wakeful!"
Zvandinotaura kwamuri, ndinozvitaura kuvanhu vose ndichiti, ‘Rindai!’”