< Joshua 21 >
1 Then came near the heads of the fathers of the Levites to Eleazar the priest, and to Joshua the son of Nun, and to the heads of the fathers of the tribes of the children of Israel;
Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaenda kumuprista Ereazari, nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri.
2 And they spoke to them at Shiloh in the land of Canaan, saying, the LORD commanded by the hand of Moses to give us cities to dwell in, with their suburbs for our cattle.
PaShiro panyika yeKenani vakati kwavari, “Jehovha akarayira kubudikidza naMozisi kuti utipe maguta atingagara namafuro emombe dzedu.”
3 And the children of Israel gave to the Levites out of their inheritance, at the commandment of the LORD, these cities and their suburbs.
Saka sokurayira kwakanga kwaita Jehovha, vaIsraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta anotevera namafuro kubva panhaka yavo:
4 And the lot came out for the families of the Kohathites: and the children of Aaron the priest, [who were] of the Levites, had by lot out of the tribe of Judah, and out of the tribe of Simeon, and out of the tribe of Benjamin, thirteen cities.
Mugove wokutanga wakapiwa vaKohati, mhuri nemhuri. VaRevhi, avo vakanga vari zvizvarwa zvaAroni muprista, vakagoverwa nemijenya maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aJudha, aSimeoni naBhenjamini,
5 And the rest of the children of Kohath [had] by lot out of the families of the tribe of Ephraim, and out of the tribe of Dan, and out of the half-tribe of Manasseh, ten cities.
Ruzhinji rwezvizvarwa zvaKohati vakagoverwa nemijenya maguta gumi pakati pemhuri dzamarudzi aEfuremu, aDhani nehafu yorudzi rwaManase.
6 And the children of Gershon [had] by lot out of the families of the tribe of Issachar, and out of the tribe of Asher, and out of the tribe of Naphtali, and out of the half-tribe of Manasseh in Bashan, thirteen cities.
Zvizvarwa zvaGerishoni zvakagoverwawo nemijenya maguta gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsraeri, rwaAsheri, rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.
7 The children of Merari by their families [had] out of the tribe of Reuben, and out of the tribe of Gad, and out of the tribe of Zebulun, twelve cities.
Zvizvarwa zvaMerari zvakapiwa maguta gumi namaviri kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni, mhuri nemhuri.
8 And the children of Israel gave by lot to the Levites these cities with their suburbs, as the LORD commanded by the hand of Moses.
Saka vaIsraeri vakagovera maguta aya namafuro awo, nemijenya kuvaRevhi sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
9 And they gave out of the tribe of the children of Judah, and out of the tribe of the children of Simeon, these cities which are [here] mentioned by name,
Kubva pamarudzi avaJudha navaSimeoni, vakavapa maguta akarehwa namazita awo pano
10 Which the children of Aaron, [being] of the families of the Kohathites, [who were] of the children of Levi, had: for theirs was the first lot.
(maguta aya akapiwa kuzvizvarwa zvaAroni zvaibva kumhuri yaKohati vari vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya):
11 And they gave them the city of Arba the father of Anak (which [city is] Hebron) in the hill -[country] of Judah, with its suburbs round it.
Vakavapa Kiriati Abha (iro Hebhuroni), namafuro akaripoteredza, munyika yamakomo yaJudha. (Abha ndiye akanga ari tateguru wavaAnaki.)
12 But the fields of the city, and its villages, they gave to Caleb the son of Jephunneh for his possession.
Asi minda nemisha yakapoteredza guta zvakanga zvapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.
13 Thus they gave to the children of Aaron the priest, Hebron with its suburbs, [to be] a city of refuge for the slayer; and Libnah with its suburbs,
Saka vakapa zvizvarwa zvomuprista Aroni Hebhuroni (guta routiziro kune anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu), Ribhina,
14 And Jattir with its suburbs, and Eshtemoa with its suburbs,
Jatiri, Eshitemoa,
15 And Holon with its suburbs, and Debir with its suburbs,
Horoni, Dhebhiri,
16 And Ain with its suburbs, and Juttah with its suburbs, [and] Beth-shemesh with its suburbs; nine cities out of those two tribes.
Aini, Juta neBheti Shemeshi, pamwe chete namafuro awo, maguta mapfumbamwe kubva pamarudzi maviri aya.
17 And out of the tribe of Benjamin, Gibeon with its suburbs, Geba with its suburbs,
Kubva parudzi rwaBhenjamini, vakavapa Gibheoni, Gebha,
18 Anathoth with its suburbs, and Almon with its suburbs; four cities.
Anatoti, neArimoni, pamwe chete namafuro awo, maguta mana.
19 All the cities of the children of Aaron, the priests, [were] thirteen cities with their suburbs.
Maguta ose avaprista, izvo zvizvarwa zvaAroni muprista akanga ari gumi namatatu, pamwe chete namafuro awo.
20 And the families of the children of Kohath, the Levites who remained of the children of Kohath, even they had the cities of their lot out of the tribe of Ephraim.
Vamwe vose vedzimba dzavaKohati, vorudzi rwaRevhi vakagoverwa maguta kurudzi rwaEfuremu:
21 For they gave them Shechem with its suburbs in mount Ephraim, [to be] a city of refuge for the slayer; and Gezer with its suburbs,
Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro rouya anopomerwa mhosva yokuuraya munhu) neGezeri,
22 And Kibzaim with its suburbs, and Beth-horon with its suburbs; four cities.
Kibhizaimi neBheti Horoni, pamwe namafuro awo, maguta mana.
23 And out of the tribe of Dan, Eltekeh with its suburbs, Gibbethon with its suburbs,
Uyewo kubva parudzi rwaDhani vakapiwazve Eriteke, Gibheoni,
24 Ajalon with its suburbs, Gath-rimmon with its suburbs; four cities.
Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta mana.
25 And out of the half-tribe of Manasseh, Taanach with its suburbs, and Gath-rimmon with its suburbs; two cities.
Pakati kuhafu yorudzi rwaManase vakapiwa Taanaki neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta maviri.
26 All the cities [were] ten with their suburbs, for the families of the children of Kohath that remained.
Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati.
27 And to the children of Gershon, of the families of the Levites, out of the [other] half-tribe of Manasseh [they gave] Golan in Bashan with its suburbs, [to be] a city of refuge for the slayer, and Beesh-terah with its suburbs; two cities.
Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa: kubva kuhafu yorudzi rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;
28 And out of the tribe of Issachar, Kishon with its suburbs, Dabareh with its suburbs,
kubva kurudzi rwaIsakari, Kishioni, Dhabherati,
29 Jarmuth with its suburbs, En-gannim with its suburbs; four cities.
Jarimuti neEni Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
30 And out of the tribe of Asher, Mishal with its suburbs, Abdon with its suburbs,
Kubva kurudzi rwaAsheri, Mishari, Abhudhoni,
31 Helkath with its suburbs, and Rehob with its suburbs; four cities.
Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
32 And out of the tribe of Naphtali, Kedesh in Galilee with its suburbs, [to be] a city of refuge for the slayer; and Hammoth-dor with its suburbs, and Kartan with its suburbs; three cities.
kubva kurudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu.
33 All the cities of the Gershonites, according to their families, [were] thirteen cities with their suburbs.
Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.
34 And to the families of the children of Merari, the rest of the Levites, out of the tribe of Zebulun, Jokneam with its suburbs, and Kartah with its suburbs,
Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa: kubva kurudzi rwaZebhuruni, Jokineami, Katira,
35 Dimnah with its suburbs, Nahalal with its suburbs; four cities.
Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
36 And out of the tribe of Reuben, Bezer with its suburbs, and Jahazah with its suburbs,
kubva kurudzi rwaRubheni, Bhezeri, Jahazi,
37 Kedemoth with its suburbs, and Mephaath with its suburbs; four cities.
Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
38 And out of the tribe of Gad, Ramoth in Gilead with its suburbs [to be] a city of refuge for the slayer; and Mahanaim with its suburbs,
kubva kurudzi rwaGadhi, Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu),
39 Heshbon with its suburbs, Jazer with its suburbs; four cities in all.
Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete.
40 So all the cities for the children of Merari by their families, which were remaining of the families of the Levites, were [by] their lot twelve cities.
Maguta ose akanga agoverwa dzimba dzavaMerari, avo vakanga vari vaRevhi vakasara, akanga ari gumi namaviri.
41 All the cities of the Levites within the possession of the children of Israel [were] forty and eight cities with their suburbs.
Maguta avaRevhi munyika yaiva yavaIsraeri aiva makumi mana namasere pamwe chete namafuro awo.
42 These cities were every one with their suburbs around them. Thus [were] all these cities.
Rimwe nerimwe ramaguta aya rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndizvo zvakanga zvakaita maguta ose aya.
43 And the LORD gave to Israel all the land which he swore to give to their fathers: and they possessed it, and dwelt in it.
Saka Jehovha akapa vaIsraeri nyika yose yaakanga apika kuti achapa madzitateguru avo, ikava yavo vakagara mairi.
44 And the LORD gave them rest on all sides, according to all that he swore to their fathers: and there stood not a man of all their enemies before them; the LORD delivered all their enemies into their hand.
Jehovha akavapa zororo kumativi ose, sezvaakanga apikira madzitateguru avo. Hapana kana muvengi wavo mumwe chete akamira pamberi pavo; Jehovha akaisa vavengi vavo vose mumaoko mavo.
45 There failed not aught of any good thing which the LORD had spoken to the house of Israel; all came to pass.
Hakuna kana chinhu chimwe chete zvacho chezvinhu zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakazadziswa.