< Psalms 126 >

1 A song of ascents. When Yahweh restored the fortunes of Zion, we were like those who dream.
Rwiyo rworwendo. Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota.
2 Then our mouths were filled with laughter and our tongues with singing. Then they said among the nations, “Yahweh has done great things for them.”
Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”
3 Yahweh did great things for us; how glad we were!
Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro.
4 Restore our fortunes, Yahweh, like the streams in the Negev.
Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi.
5 Those who sow in tears will reap with shouts of joy.
Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro.
6 He who goes out weeping, carrying seed for sowing, will return again with shouts of joy, bringing his bundles of grain with him.
Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.

< Psalms 126 >