< Numbers 28 >

1 Yahweh spoke to Moses and said,
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Command the people of Israel and say to them, 'You must offer sacrifices to me at the appointed times, the food of my offerings made by fire to produce a sweet aroma for me.'
“Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuhwira zvinondifadza.’
3 You must also say to them, 'This is the offering made by fire that you must offer to Yahweh—male lambs a year old without blemish, two each day, as a regular burnt offering.
Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose, zuva rimwe nerimwe.
4 One lamb you must offer in the morning, and the other lamb you must offer in the evening.
Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana,
5 You must offer a tenth of an ephah of fine flour as a grain offering, mixed with one-fourth of a hin of beaten oil.
pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta omuorivhi akasvinwa.
6 This is the regular burnt offering that was commanded at Mount Sinai to produce a sweet aroma, an offering made by fire to Yahweh.
Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
7 The drink offering with it must be one-fourth of a hin for one of the lambs. You must pour out in the holy place a drink offering of strong drink to Yahweh.
Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuhwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene.
8 The other lamb you must offer in the evening along with another grain offering like the one offered in the morning. You must also offer another drink offering with it, an offering made by fire, to produce a sweet aroma for Yahweh.
Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
9 On the Sabbath day you must offer two male lambs, each a year old without blemish, and two-tenths of an ephah of fine flour as a grain offering, mixed with oil, and the drink offering with it.
“‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta.
10 This is to be the burnt offering for every Sabbath, in addition to the regular burnt offering and the drink offering with it.
Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
11 At the beginning of each month, you must offer a burnt offering to Yahweh. You must offer two young bulls, one ram, and seven male lambs a year old without blemish.
“‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara.
12 You must also offer three-tenths of an ephah of fine flour as a grain offering mixed with oil for each bull, and two-tenths of fine flour as a grain offering mixed with oil for the one ram.
Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta;
13 You must also offer a tenth of an ephah of fine flour mixed with oil as a grain offering for each lamb. This is to be the burnt offering, to produce a sweet aroma, an offering made by fire to Yahweh.
uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
14 The people's drink offerings must be half a hin of wine for a bull, a third of a hin for a ram, and one-fourth of a hin for a lamb. This is to be the burnt offering for every month throughout the months of the year.
Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondobwe, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehini. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore.
15 One male goat as a sin offering to Yahweh must be offered. This will be in addition to the regular burnt offering and the drink offering with it.
Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
16 During the first month, on the fourteenth day of the month, comes Yahweh's Passover.
“‘Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha.
17 On the fifteenth day of this month a feast is to be held. For seven days, bread without yeast must be eaten.
Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.
18 On the first day, there must be a holy assembly to honor Yahweh. You must not do regular work on that day.
Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose.
19 However, you must offer a sacrifice made by fire, a burnt offering to Yahweh. You must offer two young bulls, one ram, and seven male lambs a year old, without blemish.
Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.
20 Along with the bull, you must offer a grain offering of three-tenths of an ephah of fine flour mixed with oil, and along with the ram, two-tenths.
Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
21 With each of the seven lambs, you must offer a tenth of an ephah of fine flour mixed with oil,
uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;
22 and one male goat as a sin offering to make atonement for yourselves.
uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.
23 You must offer these in addition to the regular burnt offering required each morning.
Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.
24 As described here, you must offer these sacrifices daily, for the seven days of the Passover, the food of the offering made by fire, a sweet aroma for Yahweh. It must be offered in addition to the regular burnt offering and the drink offering with it.
Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.
25 On the seventh day you must have a holy assembly to honor Yahweh, and you must not do regular work on that day.
Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
26 Also on the day of the firstfruits, when you offer a new grain offering to Yahweh in your Festival of Weeks, you must have a holy assembly to honor Yahweh, and you must not do regular work on that day.
“‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
27 You must offer a burnt offering to produce a sweet aroma for Yahweh. You must offer two young bulls, one ram, and seven male lambs a year old.
Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha.
28 Offer also grain offering to go with them: Fine flour mixed with oil, three-tenths of an ephah of fine flour mixed with oil for each bull and two-tenths for the one ram.
Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
29 Offer a tenth of an ephah of fine flour mixed with oil for each of the seven lambs,
uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
30 and one male goat to make atonement for yourselves.
Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.
31 When you offer those animals without blemish, along with their drink offerings, this must be in addition to the regular burnt offering and the grain offering with it.'”
Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.

< Numbers 28 >