< Numbers 14 >
1 That night all the community wept loudly.
Usiku ihwohwo vanhu vose veungano vakasimudza manzwi avo vakachema zvikuru.
2 All the people of Israel criticized Moses and Aaron. The whole community said to them, “We wish we had died in the land of Egypt, or here in this wilderness!
VaIsraeri vose vakapopotera Mozisi naAroni uye ungano yose yakati kwavari, “Dai bedzi takanga tafira muIjipiti! Kana murenje rino!
3 Why did Yahweh bring us to this land to die by the sword? Our wives and our little ones will become victims. Is it not better for us to return to Egypt?”
Ko, Jehovha ari kuuyireiko nesu kunyika ino zvoongotirega tichindourayiwa nomunondo? Vakadzi navana vedu vachatorwa senhapwa. Hazvaiva nani here kuti tidzokere kuIjipiti?”
4 They said to each another, “Let us choose another leader, and let us return to Egypt.”
Zvino vakataurirana vachiti, “Tinofanira kusarudza mutungamiri tidzokere kuIjipiti.”
5 Then Moses and Aaron lay facedown before all the assembly of the community of the people of Israel.
Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavaIsraeri yakanga iri ipapo.
6 Joshua son of Nun and Caleb son of Jephunneh, who were some of those sent to examine the land, tore their clothes.
Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, avo vakanga vari pakati pavaya vakanga vandosora nyika, vakabvarura nguo dzavo.
7 They spoke to all the community of the people of Israel. They said, “The land that we passed through and examined is a very good land.
Vakati kuungano yose yavaIsraeri, “Nyika yatakapfuura napakati payo tikaisora yakanaka kwazvo.
8 If Yahweh is pleased with us, then he will take us into this land and give it to us. The land flows with milk and honey.
Kana Jehovha achifadzwa nesu, achatitungamirira kuti tipinde munyika iyoyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, agoipa kwatiri.
9 But do not rebel against Yahweh, and do not fear the people in the land, for they are bread to us. Their protection will be removed from them, because Yahweh is with us. Do not fear them.”
Chete imi regai kumukira Jehovha. Uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti tichavamedza. Kudzivirirwa kwavo kwabviswa, asi Jehovha anesu. Musavatya.”
10 Then all the congregation said to stone them with stones. But the glory of Yahweh appeared at the tent of meeting to all the people of Israel.
Asi ungano yose yakataura nezvokuti vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa paTende Rokusangana navaIsraeri vose.
11 Yahweh said to Moses, “How long must this people despise me? How long must they fail to trust me, despite all the signs of my power that I have done among them?
Jehovha akati kuna Mozisi, “Vanhu ava vachasvika riniko vachingondizvidza? Vacharamba kunditenda kusvikira riniko, kunyange ndakaita zviratidzo nezvishamiso zvose pakati pavo?
12 I will attack them with plague, disinherit them, and make from your own clan a nation that will be greater and mightier than they are.”
Ndichavarova nedenda ndigovaparadza, asi iwe ndichakuita rudzi rukuru kwazvo uye rwakasimba kukunda ivo.”
13 Moses said to Yahweh, “If you do this, then the Egyptians will hear about it, because you rescued this people from them by your power.
Mozisi akati kuna Jehovha, “Ipapo vaIjipita vachanzwa pamusoro pazvo! Kuti makabudisa vanhu ava kubva pakati pavo nesimba renyu.
14 They will tell it to this land's inhabitants. They have heard that you, Yahweh, are present with this people, because you are seen face to face. Your cloud stands over our people. You go before them in a pillar of cloud by day and in a pillar of fire by night.
Uye vachaudza vanhu vanogara munyika ino pamusoro pazvo. Vakatozvinzwa kare kuti imi, Jehovha, mugere navanhu ava uye kuti imi, Jehovha, makaonekwa chiso nechiso, uye kuti gore renyu rinogara pamusoro pavo, uye kuti munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yomoto usiku.
15 Now if you kill this people as one man, then the nations that have heard of your fame will speak and say,
Kana mukauraya vanhu vose ava panguva imwe chete, ndudzi dzakanzwa mukurumbira uyu pamusoro penyu dzichati,
16 'Because Yahweh could not take this people into the land that he swore to give them, he has killed them in the wilderness.'
‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avavimbisa nemhiko; saka akavauraya murenje.’
17 Now, I beg you, use your great power. For you have said,
“Zvino simba raJehovha ngariratidzwe, sezvamakataura muchiti:
18 'Yahweh is slow to anger and abundant in covenant faithfulness. He forgives iniquity and transgression. He will by no means clear the guilty when he brings the punishment of the ancestors' sin on their descendants, to the third and fourth generation.'
‘Jehovha anononoka kutsamwa, azere norudo uye anoregerera zvivi nokumukira. Kunyange zvakadaro haangaregi kuranga ane mhosva, anoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.’
19 Pardon, I plead with you, this people's sin because of the greatness of your covenant faithfulness, just as you have always forgiven this people from the time they were in Egypt until now.”
Zvichienderana norudo rwenyu rukuru, regererai chivi chavanhu ava, sezvamakavaregerera kubva panguva yavakabva kuIjipiti kusvikira zvino.”
20 Yahweh said, “I have pardoned them in keeping with your request,
Jehovha akapindura akati, “Ndavaregerera sezvawakumbira iwe.
21 but truly, as I live, and as all the earth will be filled with my glory,
Asi hazvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, uye zvirokwazvo sokuzara kunoita nyika yose nokubwinya kwaJehovha,
22 all those people who saw my glory and the signs of power that I did in Egypt and in the wilderness—they have still tempted me these ten times and have not listened to my voice.
hakuna mumwe wavarume vakaona kubwinya kwangu nezvishamiso zvandakaita muIjipiti nomurenje asi vakasanditeerera, uye vakandiedza kanokwana kagumi,
23 So I say that they will certainly not see the land about which I made an oath to their ancestors. Not one of them who despised me will see it,
hakuna mumwe wavo achazoona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaiona.
24 except for my servant Caleb, because he had another spirit. He has followed me fully; I will bring him into the land which he went to examine. His descendants will possess it.
Asi nokuda kwokuti muranda wangu Karebhu ano mweya wakasiyana navamwe uye anonditevera nomwoyo wose, ndichamupinza munyika yaakaenda kwairi, uye ichava nhaka yezvizvarwa zvake.
25 (Now the Amalekites and Canaanites lived in the valley.) Tomorrow turn and go to the wilderness by the way of the Sea of Reeds.”
Sezvo vaAmareki navaKenani vachigara mumipata, dzokai mangwana mufambe makananga kurenje muchitevedza nzira inoenda nokuGungwa Dzvuku.”
26 Yahweh spoke to Moses and to Aaron. He said,
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
27 “How long must I tolerate this evil community that criticizes me? I have heard the complaining of the people of Israel against me.
“Ungano iyi icharamba ichindipopotera kusvikira riniko? Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsraeri vokungopopota havo ava.
28 Say to them, 'As I live,' says Yahweh, 'as you have spoken in my hearing, I will do this to you:
Saka vaudze kuti, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakuitirai zvinhu zvacho zvandakanzwa muchireva muchiti:
29 Your dead bodies will fall in this wilderness, all you who complained against me, you who were counted in the census, the whole number of the people from twenty years old and upward.
Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino, imi mose muna makore makumi maviri kana makumi maviri neanoraudza makaverengwa pakuverengwa uye mukandipopotera.
30 You will certainly not go into the land that I promised to make your home, except Caleb son of Jephunneh and Joshua son of Nun.
Hakuna mumwe wenyu achapinda munyika yandakakupikirai noruoko rwakasimudzwa kuti uve musha wenyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.
31 But your little ones who you said would be victims, I will take them into the land. They will experience the land that you have rejected!
Asi kana vari vana venyu vamakati vachatapwa, ndichavapinza kuti vafare munyika yamaramba imi.
32 As for you, your dead bodies will fall in this wilderness.
Asi imi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.
33 Your children will be shepherds in the wilderness for forty years. They must bear the consequences of your acts of rebellion until the end of your corpses in the wilderness.
Vana venyu vachava vafudzi muno kwamakore makumi mana, vachitambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu, kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chavata murenje rino.
34 Just as the number of the days during which you examined the land—forty days, you must likewise bear the consequences of your sins for forty years—one year for every day, and you must know what it is like for me to oppose you.
Kwamakore makumi mana, gore richimirira zuva rimwe nerimwe ramazuva makumi mana amakasora nyika, muchatambudzika nokuda kwezvivi zvenyu uye muchaziva kuti zvinoita sei kuti ini ndirwe nemi.’
35 I, Yahweh, have spoken. I will certainly do this to all this evil community that is gathered together against me. They will be completely cut off, and here they will die.'”
Ini, Jehovha, ndazvitaura, uye zvirokwazvo ndichaita zvinhu izvi kuungano yose iyi yakaipa, yakabatana pamwe chete kuti indirwise. Vachaperera murenje muno; vachafira muno.”
36 So the men Moses sent to spy out the land, who returned and made the entire community grumble against Moses by spreading a bad report about the land—
Saka varume vakanga vatumwa naMozisi kundosora nyika, vaya vakadzoka vakaita kuti ungano yose ipopotere Mozisi nemhaka yokuparadzira mashoko akaipa pamusoro payo:
37 these men who had brought out a bad report about the land were struck down, and they died of a plague before Yahweh.
varume ava vakanga vaparadzira mashoko akaipa pamusoro penyika, vakarohwa vakaurayiwa nedenda pamberi paJehovha.
38 Of those men who had gone to spy out the land, only Joshua son of Nun and Caleb son of Jephunneh remained alive.
Pavarume vakaenda kundosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune ndivo bedzi vakararama.
39 When Moses reported these words to all the people of Israel, they mourned very deeply.
Mozisi akati azivisa izvi kuvaIsraeri vose, vakachema zvikuru.
40 They rose up early in the morning and went to the top of the mountain and said, “Look, we are here, and we will go to the place that Yahweh has promised, for we have sinned.”
Mangwana acho mangwanani, vakakwidza vakananga kumusoro kunyika yamakomo marefu. Vakati, “Takatadza hedu. Tichakwidza tiende kunyika yatakavimbiswa naJehovha.”
41 But Moses said, “Why are you now violating Yahweh's command? You will not succeed.
Asi Mozisi akati kwavari, “Sei musingateereri kurayira kwaJehovha? Izvi hazvibudiriri!
42 Do not go, because Yahweh is not with you to prevent you from being defeated by your enemies.
Musakwidza kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu,
43 The Amalekites and Canaanites are there, and you will die by the sword because you turned back from following Yahweh. So he will not be with you.”
nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.”
44 But they presumed to go up into the hill country; however, neither Moses nor the ark of the covenant of Yahweh left the camp.
Kunyange zvakadaro, nepfungwa dzavo, vakaenda vakananga kunyika yamakomo marefu, kunyange Mozisi asina kuenda uye areka yaJehovha yesungano isina kubviswawo pamusasa.
45 Then the Amalekites came down, and also the Canaanites who lived on those hills. They attacked the Israelites and defeated them all the way to Hormah.
Ipapo vaAmareki navaKenani vaigara munyika yamakomo vakaburuka vakavarwisa vakavadzingirira kusvikira kuHoma.