< Genesis 21 >
1 Yahweh paid attention to Sarah as he had said he would, and Yahweh did for Sarah just as he had promised.
Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.
2 Sarah conceived and bore a son to Abraham in his old age, at the set time of which God had spoken to him.
Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari.
3 Abraham named his son, the one who had been born to him, whom Sarah bore to him, Isaac.
Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka.
4 Abraham circumcised his son Isaac when he was eight days old, just as God had commanded him.
Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari.
5 Abraham was one hundred years old when his son Isaac was born to him.
Abhurahama akanga ava namakore okuberekwa zana paakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.
6 Sarah said, “God has made me laugh; every one who hears will laugh with me.”
Sara akati, “Mwari andivigira kuseka, uye vose vachanzwa nezvazvo vachaseka neni.”
7 She also said, “Who would have said to Abraham that Sarah would nurse children, and yet I have borne him a son in his old age!”
Uye akatizve, “Ndianiko aizoti kuna Abhurahama, Sara achazorera vana? Asi ndamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake.”
8 The child grew and was weaned, and Abraham made a great feast on the day that Isaac was weaned.
Mwana akakura uye akarumurwa, uye pazuva rakarumurwa Isaka, Abhurahama akaita mutambo mukuru.
9 Sarah saw the son of Hagar the Egyptian, whom she had borne to Abraham, mocking.
Asi Sara akaona mwanakomana akanga aberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita achiseka,
10 So she said to Abraham, “Drive out this slave woman and her son, for the son of this slave woman will not be heir with my son, with Isaac.”
ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.”
11 This thing was very grievous to Abraham because of his son.
Nyaya iyi yakatambudza Abhurahama zvikuru kwazvo nokuti yaiva nechokuita nomwanakomana wake.
12 But God said to Abraham, “Do not be grieved because of the lad, and because of your servant woman. Listen to her words in all she says to you about this matter, because it is through Isaac that your descendants will be named.
Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako.
13 I will also make the son of the servant woman into a nation, because he is your descendant.”
Ndichaitawo rudzi kubudikidza nomwanakomana womurandakadzi, nokuti naiyewo mwana wako.”
14 Abraham rose up early in the morning, took bread and a skin of water, and gave it to Hagar, putting it on her shoulder. He gave her the boy and sent her away. She departed and wandered in the wilderness of Beersheba.
Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha.
15 When the water in the waterskin was gone, she abandoned the child under one of the bushes.
Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi.
16 Then she went, and sat down a short distance from him, about the distance of a bowshot away, for she said, “Let me not look upon the death of the child.” As she sat there across from him, she lifted up her voice and wept.
Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema.
17 God heard the voice of the lad, and the angel of God called to Hagar out of heaven, and said to her, “What troubles you, Hagar? Do not be afraid, for God has heard the voice of the lad where he is.
Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo.
18 Get up, raise up the lad, and encourage him; for I will make him into a great nation.”
Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”
19 Then God opened her eyes, and she saw a well of water. She went and filled the skin with water, and gave the lad a drink.
Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe.
20 God was with the lad, and he grew. He lived in the wilderness and became an archer.
Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta.
21 He lived in the wilderness of Paran, and his mother got a wife for him from the land of Egypt.
Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti.
22 It came about at that time that Abimelech and Phicol the captain of his army spoke to Abraham, saying, “God is with you in all that you do.
Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita.
23 Now therefore swear to me here by God that you will not deal falsely with me, nor with my offspring, nor with my descendants. Show to me and to the land in which you have been staying the same covenant faithfulness that I have shown to you.”
Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.”
24 Abraham said, “I swear.”
Abhurahama akati, “Ndinopika.”
25 Abraham also complained to Abimelech concerning a well of water that Abimelech's servants had seized from him.
Ipapo Abhurahama akamhanʼara kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki.
26 Abimelech said, “I do not know who has done this thing. You did not tell me before now; I have not heard of it until today.”
Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.”
27 So Abraham took sheep and oxen and gave them to Abimelech, and the two men made a covenant.
Saka Abhurahama akauya namakwai nemombe akazvipa kuna Abhimereki, uye varume vaviri ava vakaita sungano.
28 Then Abraham set seven female lambs of the flock by themselves.
Abhurahama akatsaura sheche nomwe dzamakwayana kubva kuboka,
29 Abimelech said to Abraham, “What is the meaning of these seven female lambs that you have set by themselves?”
uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Sheche dzamakwai idzi dzawatsaura dzinoreveiko?”
30 He replied, “These seven female lambs you will receive from my hand, so that it may be a witness for me, that I dug this well.”
Akapindura achiti, “Gamuchira makwayana manomwe aya kubva muruoko rwangu sechapupu chokuti ndini ndakachera tsime iri.”
31 So he called that place Beersheba, because there they both swore an oath.
Saka nzvimbo iyo yakanzi Bheerishebha, nokuti varume vaviri ava vakapika mhiko ipapo.
32 They made a covenant at Beersheba, and then Abimelech and Phicol, the captain of his army, returned to the land of the Philistines.
Mushure mokuitwa kwesungano paBheerishebha, Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake vakadzokera kunyika yavaFiristia.
33 Abraham planted a tamarisk tree in Beersheba. There he worshiped Yahweh, the eternal God.
Abhurahama akadyara muti womutamarisiki muBheerishebha, uye ipapo akadana kuzita raJehovha, Mwari Wokusingaperi.
34 Abraham remained as a foreigner in the land of the Philistines many days.
Uye Abhurahama akagara munyika yavaFiristia kwenguva refu.