< Amos 5 >

1 Hear this word that I take up as a lament over you, house of Israel.
Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu:
2 The virgin Israel has fallen; she will rise no more; she is forsaken on her land; there is no one to raise her up.
“Yawira pasi Mhandara Israeri, haingazosimukizve, akasiyiwa ari oga munyika yake, pasina angamusimudza.”
3 For this is what the Lord Yahweh says: “The city that went out with a thousand will have a hundred left, and the one that went out with a hundred will have ten left belonging to the house of Israel.”
Zvanzi naIshe Jehovha: “Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri richasarirwa nezana chete; guta richaendesa varwi zana vakasimba richasarirwa negumi chete.”
4 For this is what Yahweh says to the house of Israel: “Seek me and live!
Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri: “Nditsvakei murarame;
5 Do not seek Bethel; nor enter Gilgal; do not journey to Beersheba. For Gilgal will surely go into captivity, and Bethel will become nothing.
musatsvaka Bheteri, musaenda kuGirigari, musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha. Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa, uye Bheteri richava sapasina chinhu.”
6 Seek Yahweh and live, or he will break out like fire in the house of Joseph. It will devour, and there will be no one to quench it in Bethel.
Tsvakai Jehovha mugorarama, mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto; uchaparadza, uye Bheteri richashaya anoudzima.
7 Those people turn justice into a bitter thing and throw righteousness down to the ground!”
Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava uye muchikandira kururama pasi
8 God made the Pleiades and Orion; he turns darkness into the morning; he makes the day dark with night and calls for the waters of the sea; he pours them out on the surface of the earth. Yahweh is his name!
(Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni, anoshandura rima richiva mambakwedza, uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku, anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika, Jehovha ndiro zita rake,
9 He brings sudden destruction on the strong so that destruction comes on the fortresses.
anoparadza nhare pakarepo uye anoita kuti guta rina masvingo rive dongo),
10 They hate anyone who corrects them in the city gate, and they abhor anyone who speaks the truth.
munovenga anorayira padare uye munozvidza anotaura chokwadi.
11 Because you trample down the poor and take portions of wheat from him— although you have built houses of worked stone, you will not live in them. You have delightful vineyards, but you will not drink their wine.
Munotsika pamusoro pomurombo muchimumanikidza kuti akupei zviyo. Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe, hamungagari madziri; kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa, hamunganwi waini yayo.
12 For I know how many are your offenses and how great are your sins— you who afflict the just, take bribes, and turn aside the needy in the city gate.
Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu. Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro, uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare.
13 Therefore any prudent person is silent at such a time, for it is an evil time.
Naizvozvo munhu akangwara anonyarara panguva dzakadai, nokuti inguva dzakaipa.
14 Seek good and not evil, so that you may live. So Yahweh, the God of hosts, will really be with you, as you say he is.
Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa, kuti murarame. Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi, sezvamunoti ndizvo zvaari.
15 Hate evil, love good, establish justice in the city gate. Perhaps Yahweh, the God of hosts, will be gracious to the remnant of Joseph.
Vengai zvakaipa, mude zvakanaka; chengetedzai kururamisira mumatare. Zvichida Jehovha Mwari Wamasimba Ose achanzwira tsitsi vakasara vaJosefa.
16 Therefore, this is what Yahweh says, the God of hosts, the Lord, “Wailing will be in all the squares, and they will say in all the streets, 'Woe! Woe!' They will call the farmers to mourning and the mourners to wail.
Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Mwari Wamasimba Ose, “Muchava nokuchema mumigwagwa yose nemhere yokurwadziwa pazvivara zvose. Varimi vachadanwa kuti vazochema uye vanochema vazoungudza.
17 In all vineyards there will be wailing, for I will pass through your midst,” says Yahweh.
Kuchava nokuungudza muminda yose yemizambiringa, nokuti ndichapfuura napakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18 Woe to you who desire the day of Yahweh! Why do you long for the day of Yahweh? It will be darkness and not light,
Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Sei muchishuva zuva raJehovha? Zuva iro richava rima kwete chiedza.
19 as when a man flees from a lion and a bear meets him, or he goes in a house and puts his hand on the wall and a snake bites him.
Zvichaita somunhu akatiza shumba achibva asangana nebere, sokunge akapinda mumba make ndokubata madziro noruoko rwake achibva arumwa nenyoka.
20 Will not the day of Yahweh be darkness and not light? Gloom and no brightness?
Ko, zuva raJehovha haringavi rima here, kwete chiedza, rima guru, risina kana bwerazuva?
21 “I hate, I despise your festivals, I take no delight in your solemn assemblies.
“Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato; handifadzwi neungano dzenyu.
22 Even though you offer me your burnt offerings and grain offerings, I will not accept them, neither will I look at the fellowship offerings of your fattened animals.
Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana, handingavi nehanya nazvo.
23 Remove from me the noise of your songs; I will not listen to the sound of your harps.
Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu! Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
24 Instead, let justice flow like water, and righteousness like a constantly flowing stream.
Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi, kururama sorukova rusingapwi!
25 Did you bring me sacrifices and offerings in the wilderness for forty years, house of Israel?
“Makandivigira zvibayiro nezvipiriso makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri?
26 You have lifted up the images of Sikkuth, your king, and Kaiwan, your star god, which you made for yourselves.
Makasimudzira temberi yamambo wenyu, chitsiko chezvifananidzo zvenyu, nyeredzi yamwari wenyu, wamakazvigadzirira.
27 Therefore I will exile you beyond Damascus,” says Yahweh, whose name is the God of hosts.
Naizvozvo ndichakutamisai muende mberi kweDhamasiko,” ndizvo zvinotaura Jehovha ane zita rinonzi Mwari Wamasimba Ose.

< Amos 5 >