< Acts 13 >
1 Now in the church in Antioch, there were some prophets and teachers. They were Barnabas, Simeon (who is called Niger), Lucius of Cyrene, Manaen (the foster brother of Herod the tetrarch), and Saul.
Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro.
2 While they were worshiping the Lord and fasting, the Holy Spirit said, “Set apart for me Barnabas and Saul, to do the work to which I have called them.”
Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.”
3 After they had fasted, prayed, and laid their hands on these men, they sent them off.
Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.
4 So Barnabas and Saul obeyed the Holy Spirit and went down to Seleucia; from there they sailed to the island of Cyprus.
Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi.
5 When they were in the city of Salamis, they proclaimed the word of God in the synagogues of the Jews. They also had John Mark as their assistant.
Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.
6 When they had gone through the whole island to Paphos, they found a certain magician, a Jewish false prophet, whose name was Bar Jesus.
Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,
7 This magician associated with the proconsul, Sergius Paulus, who was an intelligent man. This man summoned Barnabas and Saul, because he wanted to hear the word of God.
akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari.
8 But Elymas “the magician” (that is how his name is translated) opposed them; he tried to turn the proconsul away from the faith.
Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda.
9 But Saul, who is also called Paul, filled with the Holy Spirit, stared at him intensely.
Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati,
10 and said, “You son of the devil, you are full of all kinds of deceit and wickedness. You are an enemy of every kind of righteousness. You will never stop twisting the straight paths of the Lord, will you?
“Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe?
11 Now look, the hand of the Lord is upon you, and you will become blind. You will not see the sun for a while.” Immediately there fell on Elymas a mist and darkness; he started going around asking people to lead him by the hand.
Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.
12 After the proconsul saw what had happened, he believed, because he was astonished at the teaching about the Lord.
Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.
13 Now Paul and his friends set sail from Paphos and came to Perga in Pamphylia. But John left them and returned to Jerusalem.
Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema.
14 Paul and his friends traveled from Perga and came to Antioch of Pisidia. There they went into the synagogue on the Sabbath day and sat down.
Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi.
15 After the reading of the law and the prophets, the leaders of the synagogue sent them a message saying, “Brothers, if you have any message of encouragement for the people here, say it.”
Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.”
16 So Paul stood up and motioned with his hand; he said, “Men of Israel and you who honor God, listen.
Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei!
17 The God of this people Israel chose our fathers and made the people numerous when they stayed in the land of Egypt, and with an uplifted arm he led them out of it.
Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,
18 For about forty years he put up with them in the wilderness.
akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga,
19 After he had destroyed seven nations in the land of Canaan, he gave our people their land for an inheritance.
akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.
20 All these events took place over four hundred and fifty years. After all these things, God gave them judges until Samuel the prophet.
Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. “Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita.
21 Then the people asked for a king, and God gave them Saul son of Kish, a man from the tribe of Benjamin, to be king for forty years.
Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana.
22 After God removed him from the kingship, he raised up David to be their king. It was about David that God said, 'I have found David son of Jesse to be a man after my heart, who does all I want him to do.'
Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’
23 From this man's descendants God has brought to Israel a savior, Jesus, as he promised to do.
“Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa.
24 This began to happen when, before Jesus came, John first announced the baptism of repentance to all the people of Israel.
Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.
25 As John was finishing his work, he said, 'Who do you think I am? I am not the one. But listen, one is coming after me, the shoes of whose feet I am not worthy to untie.'
Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
26 Brothers, children of the line of Abraham, and those among you who worship God, it is to us that the message about this salvation has been sent.
“Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri.
27 For they who live in Jerusalem, and their rulers, did not recognize him, and they fulfilled sayings of the prophets that are read every Sabbath by condemning him.
Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.
28 Even though they found no good cause for death in him, they asked Pilate to kill him.
Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.
29 When they had completed all the things that were written about him, they took him down from the tree and laid him in a tomb.
Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.
30 But God raised him from the dead.
Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa,
31 He was seen for many days by those who had come up with him from Galilee to Jerusalem. These people are now his witnesses to the people.
uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
32 So we are telling you the good news that what God promised to our fathers
“Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,
33 he has fulfilled for us, their children, by raising up Jesus. As it is written in the second Psalm: 'You are my Son, today I have become your Father.'
akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’
34 The fact that he raised him up from the dead so that his body would never decay, God has spoken in this way: 'I will give you the holy and sure blessings promised to David.'
Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’
35 This is why he also says in another Psalm, 'You will not allow your Holy One to see decay.'
Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti: “‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’
36 For when David had served the desires of God in his own generation, he fell asleep; he was laid with his fathers and his body experienced decay.
“Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.
37 But he whom God raised up experienced no decay.
Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.
38 So let it be known to you, brothers, that through this man is proclaimed to you forgiveness of sins.
“Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.
39 By him every one who believes is justified from all the things which the law of Moses could not justify you.
Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.
40 So then be careful that the thing the prophets spoke about does not happen to you:
Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:
41 'Look, you despisers, and be astonished and then perish; For I am doing a work in your days, A work that you shall never believe, even if someone announces it to you.'”
“‘Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’”
42 As Paul and Barnabas left, the people begged them that they might speak these same words again the next Sabbath.
Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.
43 When the synagogue meeting ended, many of the Jews and devout proselytes followed Paul and Barnabas, who spoke to them and urged them to continue in the grace of God.
Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
44 On the next Sabbath, almost the whole city was gathered together to hear the word of the Lord.
PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.
45 When the Jews saw the crowds, they were filled with jealousy and spoke against the things that were said by Paul and insulted him.
VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.
46 But Paul and Barnabas spoke out boldly and said, “It was necessary that the word of God should first be spoken to you. Seeing you push it away from yourselves and consider yourselves unworthy of eternal life, see, we will turn to the Gentiles. (aiōnios )
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. (aiōnios )
47 For so has the Lord commanded us, saying, 'I have placed you as a light for the Gentiles, that you should bring salvation to the uttermost parts of the earth.'”
Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’”
48 As the Gentiles heard this, they were glad and praised the word of the Lord. As many as were appointed to eternal life believed. (aiōnios )
VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. (aiōnios )
49 The word of the Lord was spread out through the whole region.
Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.
50 But the Jews urged on the devout and important women, as well as the leading men of the city. These stirred up a persecution against Paul and Barnabas and threw them out beyond the border of their city.
Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.
51 But Paul and Barnabas shook off the dust from their feet against them. Then they went to the city of Iconium.
Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.
52 And the disciples were filled with joy and with the Holy Spirit.
Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.