< 2 Kings 14 >
1 In the second year of Jehoash son of Jehoahaz, king of Israel, Amaziah son of Joash, king of Judah, began to reign.
Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga.
2 He was twenty-five years old when he began to reign; he reigned twenty-nine years in Jerusalem. His mother's name was Jehoaddan, of Jerusalem.
Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema.
3 He did what was right in the eyes of Yahweh, yet not like David his father. He did everything that Joash, his father, had done.
Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu zvose akatevera muenzaniso wababa vake Joashi.
4 But the high places were not taken away. The people still sacrificed and burned incense at the high places.
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira ikoko.
5 It came about that as soon as his rule was well established, he killed the servants who had murdered his father, the king.
Mushure mokunge umambo hwanyatsosimba mumaoko ake, akauraya vabati vaya vakauraya baba vake iye mambo.
6 Yet he did not put the sons of the murderers to death; instead, he acted according to what was written in the Book of the Law Moses, as Yahweh had commanded, saying, “The fathers must not be put to death for their children, neither must the children be put to death for their parents. Instead, every person must be put to death for his own sin.”
Asi haana kuuraya vanakomana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi sezvakarayira Jehovha paakati, “Madzibaba haazourayiwi nokuda kwavana vavo, uye vana havaurayiwi nokuda kwamadzibaba avo mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”
7 He killed ten thousand soldiers of Edom in the Valley of Salt; he also took Sela in war and called it Joktheel, which is what it is called to this day.
Ndiye akakunda gumi rezviuru zvavaEdhomu muMupata woMunyu uye akapamba Sera muhondo, akaritumidza kuti Jokiteeri, rinova zita raro kusvikira nhasi.
8 Then Amaziah sent messengers to Jehoash son of Jehoahaz son of Jehu king of Israel, saying, “Come, let us meet each other face to face in battle.”
Ipapo Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo weIsraeri, akati, “Uya tionane.”
9 But Jehoash the king of Israel sent messengers back to Amaziah king of Judah, saying, “A thistle that was in Lebanon sent a message to a cedar in Lebanon, saying, 'Give your daughter to my son for a wife,' but a wild beast in Lebanon walked by and trampled down the thistle.
Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwomuRebhanoni rwakatuma nhume kumusidhari womuRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanasikana wako kuti awanikwe nomwanakomana wangu.’ Ipapo mhuka yesango yomuRebhanoni yakauyapo ikatsika-tsika rukato netsoka dzayo.
10 You have indeed attacked Edom, and your heart has lifted you up. Take pride in your victory, but stay at home, for why should you cause yourself trouble and fall, both you and Judah with you?”
Zvirokwazvo wakakunda Edhomu asi zvino wava kuzvikudza. Zvirumbidze hako pakukunda kwako, asi ugare kumba! Seiko wava kutsvaka bongozozo kuti uzviwisire pasi iwe pamwe chete neJudha?”
11 But Amaziah would not listen. So Jehoash king of Israel attacked and he and Amaziah king of Judah met each other face to face at Beth Shemesh, which belongs to Judah.
Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuda kuteerera, naizvozvo Jehoashi mambo weIsraeri akamurwisa. Iye naAmazia mambo weJudha vakasangana paBheti Shemeshi muJudha.
12 Judah was defeated by Israel, and every man fled home.
VaJudha vakakundwa navaIsraeri, murume mumwe nomumwe akatizira kumusha kwake.
13 Jehoash king of Israel, captured Amaziah, king of Judah son of Jehoash son of Ahaziah, at Beth Shemesh. He came to Jerusalem and tore down the wall of Jerusalem from the Ephraim Gate to the Corner Gate, four hundred cubits in distance.
Jehoashi mambo weIsraeri akabata Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia, paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akaenda kuJerusarema akandoputsa rusvingo rweJerusarema kubva kuSuo raEfuremu kusvikira paSuo repaKona chikamu chinosvika makubhiti mazana mana.
14 He took all the gold and silver, all the objects that were found in the house of Yahweh, and the valuable things in the king's palace, with hostages also, and returned to Samaria.
Akatora goridhe rose nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa iri mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Akatorawo vasungwa ndokubva adzokera kuSamaria.
15 As for the other matters concerning Jehoash, all that he did, his power, and how he fought with Amaziah king of Judah, are they not written in the book of the events of the kings of Israel?
Zvino zvimwe zvokutonga kwaJehoashi, nezvaakaita uye kubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
16 Then Jehoash slept with his ancestors and was buried in Samaria with the kings of Israel, and Jeroboam, his son, became king in his place.
Jehoashi akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Jerobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
17 Amaziah son of Joash, king of Judah, lived fifteen years after the death of Jehoash son of Jehoahaz, king of Israel.
Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.
18 As for the other matters concerning Amaziah, are they not written in the book of the events of the kings of Judah?
Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaAmazia, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
19 They made a conspiracy against Amaziah in Jerusalem, and he fled to Lachish. He fled to Lachish, but they sent men after him to Lachish and killed him there.
Vakaita rangano yakaipa pamusoro pake muJerusarema, iye akatizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi vakamuurayira ikoko.
20 They brought him back on horses, and he was buried with his ancestors in the city of David.
Akadzoswa namabhiza vakamuviga muJerusarema pamwe chete namadzibaba ake, muGuta raDhavhidhi.
21 All the people of Judah took Azariah, who was sixteen years old, and made him king in place of his father Amaziah.
Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Azaria, akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
22 It was Azariah who rebuilt Elath and restored it to Judah, after King Amaziah slept with his ancestors.
Ndiye akavakazve Erati akaridzorera kuna Judha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.
23 In the fifteenth year of Amaziah son of Joash king of Judah, Jeroboam son of Jehoash king of Israel began to reign in Samaria; he reigned forty-one years.
Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe.
24 He did what was evil in the sight of Yahweh. He did not depart from any of the sins of Jeroboam son of Nebat, who had caused Israel to sin.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite.
25 He restored the border of Israel from Lebo Hamath to the Sea of the Arabah, following the commands of the word of Yahweh, the God of Israel, which he had spoken through his servant Jonah son of Amittai, the prophet, who was from Gath Hepher.
Ndiye akadzikazve miganhu yeIsraeri kubva paRebho Hamati kusvika kuGungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsraeri, rakataurwa kubudikidza nomuranda wake Jona mwanakomana waAmutai, muprofita wokuGati Hefa.
26 For Yahweh saw the suffering of Israel, that it was very bitter for everyone, both slave and free, and that there was no rescuer for Israel.
Nokuti Jehovha akanga aona kuti vanhu vose muIsraeri vaitambudzika zvakanyanya sei, vose nhapwa navakasununguka; pakanga pasina angabatsira.
27 So Yahweh said that he would not blot out the name of Israel under heaven; instead, he saved them by the hand of Jeroboam son of Jehoash.
Uye sezvo Jehovha akanga asina kumboti aizodzima zita raIsraeri kubva pasi pedenga, akavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi.
28 As for the other matters concerning Jeroboam, all that he did, his power, how he waged war and recovered Damascus and Hamath, which had belonged to Judah, for Israel, are they not written in the book of the events of the kings of Israel?
Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nokukunda kwake pakurwa, pamwe nokuti akadzorera sei Dhamasiko neHamati kuIsraeri, aimbova maguta eJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
29 Jeroboam slept with his ancestors, with the kings of Israel, and Zechariah his son became king in his place.
Jerobhoamu akazorora namadzibaba ake, madzimambo eIsraeri. Zekaria mwanakomana wake akamutevera paumambo.