< 1 Kings 10 >
1 When the queen of Sheba heard of Solomon's fame concerning the name of Yahweh, she came to test him with hard questions.
Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma.
2 She came to Jerusalem with a very long caravan, with camels loaded with spices, much gold, and many precious gemstones. When she arrived, she told Solomon all that was in her heart.
Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake.
3 Solomon answered all her questions. There was nothing she asked that the king did not answer.
Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo kuti amutsanangurire.
4 When the queen of Sheba saw all Solomon's wisdom, the palace that he had built,
Mambokadzi weShebha akati aona uchenjeri hwose hwaSoromoni nomuzinda waakanga avaka,
5 the food on his table, the seating of his servants, the work of his servants and their clothing, also his cupbearers, and the manner in which he offered burnt offerings in the house of Yahweh, there was no more breath in her.
zvokudya zvaiva patafura yake, urongwa hwokugara kwamachinda ake, varanda vake vaimushandira nezvipfeko zvavo, vadiri vake, nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha, akapererwa.
6 She said to the king, “It is true, the report that I heard in my own land of your words and your wisdom.
Akati kuna mambo, “Zvose zvandakanzwa munyika mangu pamusoro pamabasa enyu nouchenjeri hwenyu zvaiva zvechokwadi.
7 I did not believe what I heard until I came here, and now my eyes have seen it. Not half was told me about your wisdom and wealth! You have exceeded the fame that I heard about.
Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa.
8 How blessed are your wives, and how blessed are your servants who constantly stand before you, because they hear your wisdom.
Vanhu venyu vanofanira kuva vanofara sei! Machinda enyu anofara sei, ivo vanomira pamberi penyu nguva dzose nokunzwa uchenjeri hwenyu!
9 May Yahweh your God be praised, who has taken pleasure in you, who placed you on the throne of Israel. Because Yahweh loved Israel forever, he has made you king, for you to do justice and righteousness!”
Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye akafadzwa nemi akakuisai pachigaro choushe chaIsraeri. Jehovha akada Israeri nokusingaperi, nokuda kwaizvozvo akuitai mambo kuti muchengetedze kururamisira noutsvene.”
10 She gave the king 120 talents of gold and a large amount of spices and precious stones. No greater amount of spices as these that the queen of Sheba gave to King Solomon was ever given to him again.
Akapa mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe, zvinonhuhwira kwazvo, namatombo anokosha. Hapana mumwe akazouya nezvinonhuhwira zvakawanda sezvakauyiwa nazvo namambokadzi weShebha kuna Mambo Soromoni.
11 The fleet of Hiram, which brought gold from Ophir, also brought from Ophir a large amount of almug wood and precious stones.
Zvikepe zvaHiramu zvakauya negoridhe kubva kuOfiri; uyewo zvakauya nemiti yemiarumugi namatombo anokosha kubva ikoko.
12 The king made almug wood pillars for the temple of Yahweh and for the king's palace, and harps and lyres for the singers. No such quantity of almug wood has ever come or been seen again to this day.
Mambo akashandisa miarumugi iyi kuita mbiru dzetemberi yaJehovha, nedzomuzinda wamambo, uye kugadzira mbira nemitengeranwa zvaishandiswa navaimbi. Miti yemiarumugi yakawanda kudai haina kuzombouyiswa munyika zvakare kana kuonekwa zvakare kubvira musi iwoyo.
13 King Solomon gave to the queen of Sheba everything she wished for, whatever she asked, in addition to what Solomon gave her of his royal bounty. So she returned to her own land with her servants.
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvaaida nezvaakakumbira, pamusoro pezvaakamupa zvaibva papfuma yake youmambo. Ipapo akabva asimuka navaranda vake akadzokera kunyika yake.
14 Now the weight of gold that came to Solomon in one year was 666 talents of gold,
Uremu hwegoridhe raitambirwa naSoromoni gore negore hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu,
15 besides the gold that the traders and merchants brought. All the kings of Arabia and the governors in the country also brought gold and silver to Solomon.
pasingaverengerwi mari yomutero yairipiswa vatengesi vakuru navatengesi vadiki, namadzimambo ose eArabhia navabati venyika.
16 King Solomon made two hundred large shields of beaten gold. Six hundred shekels of gold went into each one.
Mambo Soromoni akaita mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakarohwa nenyundo; nhoo imwe neimwe yaiva yakagadzirwa namazana matanhatu amashekeri egoridhe.
17 He also made three hundred shields of beaten gold. Three minas of gold went into each shield; the king put them into the Palace of the Forest of Lebanon.
Akaitawo mazana matatu enhoo diki dzegoridhe rakarohwa nenyundo, nhoo imwe neimwe yakagadzirwa nemamina matatu egoridhe. Mambo akadziisa muMuzinda weSango reRebhanoni.
18 Then the king made a great throne of ivory and overlaid it with the finest gold.
Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou akachifukidza negoridhe rakanakisisa.
19 There were six steps to the throne, and the back of it had a rounded top. There were armrests on each side of the seat, and two lions standing beside the armrests.
Chigaro ichi chaiva namatanhiko matanhatu, uye musoro wechigaro wakanga uri wedenderedzwa shure kwacho. Kumativi maviri echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko zviviri, uye shumba mbiri dzakanga dzakamira pamativi ezvitsigiro zviviri izvi.
20 Twelve lions stood on the steps, one on each side of each of the six steps. There was no throne like it in any other kingdom.
Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pamatanhiko matanhatu, imwe chete kwaiperera danhiko rimwe nerimwe. Hakuna zvakadai zvakanga zvamboitirwa humwe umambo.
21 All King Solomon's drinking cups were gold, and all the drinking cups in the Palace of the Forest of Lebanon were of pure gold. None were silver, because silver was not considered valuable in Solomon's days.
Midziyo yose yaMambo Soromoni yokunwira yaiva yegoridhe rakanakisisa. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti sirivha yakanga isingakoshi zvikuru mumazuva aSoromoni.
22 The king had at sea a fleet of oceangoing ships, along with the fleet of Hiram. Once every three years the fleet brought gold, silver, and ivory, as well as apes and baboons.
Mambo aiva nechitsama chezvikepe zveTashishi pagungwa izvo zvaiva pamwe chete nezvikepe zvaHiramu. Zvikepe zveTashishi izvi zvaiuya kamwe chete mumakore matatu zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou, mapikoko namakudo.
23 So King Solomon exceeded all the kings of the world in riches and in wisdom.
Mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose panyika paupfumi napauchenjeri.
24 All the earth sought the presence of Solomon in order to hear his wisdom, which God had put in his heart.
Nyika yose yakada kuzosangana naSoromoni kuti inzwe uchenjeri hwakanga waiswa mumwoyo make naMwari.
25 Those who visited brought tribute, vessels of silver and of gold, and clothes, armor, and spices, as well as horses and mules, year after year.
Gore negore munhu wose aiuya nechipo, zvinhu zvakagadzirwa nesirivha nezvegoridhe, mbatya, zvombo nezvinonhuhwira, namabhiza namanyurusi.
26 Solomon gathered together chariots and horsemen. He had 1,400 chariots and twelve thousand horsemen that he stationed in the chariot cities and with himself in Jerusalem.
Soromoni akaunganidza ngoro namabhiza; akanga ane ngoro dzinokwana chiuru namazana mana namabhiza anokwana zviuru gumi nezviviri, zvaaichengeta kumaguta engoro nomuJerusarema maaivawo.
27 The king had silver in Jerusalem, as much as the stones on the ground. He made cedar wood to be as abundant as the sycamore fig trees that are in the lowlands.
Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari yakawanda kunge mionde yomuzasi mamakomo.
28 The horses that belonged to Solomon were imported from Egypt, and Kue and the king's merchants purchased them from Kue.
Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe vatengesi vamambo vainoatengera kuKuwe.
29 Chariots were purchased out of Egypt for six hundred shekels of silver each, and horses for 150 shekels each. Many of these were then sold to all the kings of the Hittites and Aram.
Vakatenga imwe ngoro kuIjipiti namashekeri esirivha mazana matanhatu, rimwe bhiza rikaita zana namakumi mashanu. Vaitengeserawo kumadzimambo avaHiti navaAramu.