< 1 Corinthians 11 >

1 Be imitators of me, just as I am an imitator of Christ.
Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu.
2 Now I praise you because you remember me in everything. I praise you because you hold fast to the traditions just as I delivered them to you.
Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai.
3 Now I want you to understand that Christ is the head of every man, that a man is the head of a woman, and that God is the head of Christ.
Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari.
4 Any man who prays or prophesies with his head covered dishonors his head.
Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake.
5 But any woman who prays or prophesies with her head uncovered dishonors her head. For it is the same thing as if her head were shaved.
Uye mukadzi mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake, zvakangofanana nokuva nomusoro wakaveurwa.
6 For if a woman will not cover her head, she should cut her hair short. If it is disgraceful for a woman to have her hair cut off or for her to shave her head, let her cover her head.
Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake.
7 For a man should not have his head covered, since he is the image and glory of God. But the woman is the glory of the man.
Murume haafaniri kufukidza musoro wake, sezvo ari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwomurume.
8 For man was not made from woman. Instead, woman was made from man.
Nokuti murume haana kubva pamukadzi, asi mukadzi ndiye akabva pamurume;
9 For neither was man created for woman. Instead, woman was created for man.
uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi ndiye akasikirwa murume.
10 This is why the woman ought to have a symbol of authority on her head, because of the angels.
Nokuda kwechikonzero ichi, uye nokuda kwavatumwa, mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake.
11 Nevertheless, in the Lord, the woman is not independent from the man, nor is the man independent from the woman.
Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.
12 For as the woman comes from the man, so does the man come from the woman. And all things come from God.
Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari.
13 Judge for yourselves: Is it proper for a woman to pray to God with her head uncovered?
Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake?
14 Does not even nature itself teach you that if a man has long hair, it is a disgrace for him?
Ko, hamudzidziswi namasikirwo ezvinhu kuti kana murume ane bvudzi refu, anonyadziswa nazvo here,
15 Does not nature teach you that if a woman has long hair, it is her glory? For her hair has been given to her as a covering.
asi kuti kana mukadzi ane bvudzi refu, ndiko kubwinya kwake? Nokuti bvudzi refu rakapiwa kwaari kuti rive chifukidzo.
16 But if anyone wants to argue about this, we do not have any other practice, nor do the churches of God.
Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari.
17 But in the following instructions, I do not praise you. For when you come together, it is not for the better but for the worse.
Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa.
18 For in the first place, I hear that when you come together in the church, there are divisions among you, and in part I believe it.
Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda.
19 For there must also be factions among you, so that those who are approved may be recognized among you.
Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi.
20 For when you come together, it is not the Lord's Supper that you eat.
Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya,
21 When you eat, each one eats his own food before the others have their meal. One is hungry, and another becomes drunk.
nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa.
22 Do you not have houses to eat and to drink in? Do you despise the church of God and humiliate those who have nothing? What should I say to you? Should I praise you? I will not praise you for this!
Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete!
23 For I received from the Lord what I also passed on to you, that the Lord Jesus, on the night when he was betrayed, took bread.
Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa,
24 After he had given thanks, he broke it and said, “This is my body, which is for you. Do this to remember me.”
uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”
25 In the same way he took the cup after supper, and he said, “This cup is the new covenant in my blood. Do this as often as you drink it, to remember me.”
Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.”
26 For every time you eat this bread and drink this cup, you proclaim the Lord's death until he comes.
Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
27 Whoever, therefore, eats the bread or drinks the cup of the Lord in an unworthy manner, will be guilty of the body and the blood of the Lord.
Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe.
28 Let a person examine himself first, and in this way let him eat of the bread and drink of the cup.
Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe.
29 For he who eats and drinks without discerning the body, eats and drinks judgment to himself.
Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.
30 That is why many among you are weak and ill, and some of you have fallen asleep.
Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete.
31 But if we examine ourselves, we will not be judged.
Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi.
32 But when we are judged by the Lord, we are disciplined, so that we may not be condemned along with the world.
Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika.
33 Therefore, my brothers, when you come together to eat, wait for one another.
Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai.
34 If anyone is hungry, let him eat at home, so that when you come together it will not be for judgment. And about the other things you wrote, I will give directions when I come.
Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa. Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe.

< 1 Corinthians 11 >