< Psalms 37 >

1 David’s. [An Alphabetical Psalm.] Burn not with vexation because of evil-doers, Be not envious of the workers of perversity;
Pisarema raDhavhidhi. Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;
2 For, like grass, soon shall they wither, and, like green herbage, shall they fade.
nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.
3 Trust in Yahweh, and do good, Dwell in the land, and feed on fidelity;
Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
4 Yea, rest thy delight on Yahweh, that he may give thee the requests of thy heart.
Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
5 Roll on Yahweh thy way, Trust also in him, and, he, will effectually work:
Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;
6 So will he bring forth, as the light, thy righteousness, and thy vindication as the noonday.
achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.
7 Be resigned to Yahweh, yea wait with longing for him; Burn not with vexation at him who prospereth in his way, —at the man who doeth wickedness.
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.
8 Cease from anger, and forsake wrath, Burn not with vexation—[it would be] only to do evil;
Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.
9 For, evil doers, shall be cut off, but, as for them who wait for Yahweh, they, shall inherit the earth.
Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
10 Yet a little, therefore, and the lawless one shall not be, Yea thou shalt look about, over his place—and he shall have vanished!
Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.
11 But, the patient oppressed-ones, shall inherit the earth, and shall delight themselves over the abundance of prosperity.
Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.
12 Plotting is the lawless one, against the just, and gnashing upon him with his teeth.
Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo.
13 My Lord, shall laugh at him, for he seeth, that his day, will come.
Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.
14 A sword, have the lawless, drawn out, and have trodden their bow, —To bring down the oppressed and the needy, To slaughter the upright in life:
Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.
15 Their sword, shall enter into their own heart, and, their bow, shall be broken.
Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.
16 Better the little of the righteous man, than the abundance of the lawless who are mighty;
Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;
17 For, the arms of the lawless, shall be broken, But Yahweh is upholding the righteous.
nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.
18 Yahweh knoweth the days of the blameless, that, their inheritance, unto times age-abiding, shall continue.
Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
19 They shall not be ashamed in the time of calamity, and, in the days of famine, shall they be filled.
Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
20 For, the lawless, shall perish, and, the foes of Yahweh, be like the glory of the meadows, They have vanished! In smoke, have they vanished!
Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
21 A lawless man borroweth, and will not repay, But, a righteous man, showeth favour and giveth;
Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;
22 For, such as are blessed of him, shall inherit the earth, But, the cursed of him, shall be cut off.
avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vaanotuka vachaparadzwa.
23 From Yahweh, are the steps of a man made firm, When, with his way, he is well pleased:
Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;
24 Though he fall, he shall not be hurled headlong, For, Yahweh, is holding his hand.
kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
25 Young, have I been, moreover am old, —Yet have I not seen, A righteous man forsaken, Nor his seed begging bread:
Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa.
26 All day long, is he showing favour and lending, his seed, therefore, shall have a blessing.
Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.
27 Turn from evil, and do good, and so settle down, unto times age-abiding.
Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.
28 For, Yahweh, loveth justice, and will not forsake his men of lovingkindness, Unto times age-abiding, have the perverse been destroyed, —and the seed of the lawless, been cut off.
Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;
29 The righteous, shall inherit the earth, that they may settle down, to futurity, thereupon.
vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.
30 The mouth of a righteous man, softly uttereth wisdom, and, his tongue, speaketh justice:
Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
31 The law of his God, is in his heart, his steps shall not swerve.
Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.
32 The lawless man, lieth in wait, for the just, and seeketh to put him to death:
Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;
33 Yahweh, will not leave him in his hand, nor condemn him, when he is judged.
asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.
34 Wait for Yahweh, and observe thou his path, that he may exalt thee, to inherit the earth, On the cutting off of the lawless, shalt thou look.
Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.
35 I have seen a lawless man, a tyrant, and spreading himself out, like a cedar in Lebanon;
Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti wakasvibira pavhu romunyika yawo,
36 Then I passed by, and lo! he had vanished! Yea I sought him, but he could not be found.
asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.
37 Mark the blameless man, and behold the upright, for there is a hereafter for the man of peace;
Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.
38 But, transgressors, are to be destroyed together, the hereafter of lawless men, is to be cut off.
Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.
39 But, the deliverance of the righteous, is from Yahweh, their refuge in a time of distress.
Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.
40 Thus hath Yahweh helped them, thus hath he delivered them, —He will deliver them from the lawless, and will save them, because they have sought refuge in him.
Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.

< Psalms 37 >