< Nehemiah 8 >

1 Then all the people gathered themselves together as one man, into the broad way that was before the water-gate, —and they spake unto Ezra the scribe, to bring the book of the law of Moses, which Yahweh had commanded Israel.
Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri.
2 So then Ezra the priest brought the law, before the convocation of both men and women, and all that had understanding to hearken, —on the first day of the seventh month;
Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa.
3 and read therein, before the broad place which was before the water-gate, from the time it was light, until the noon of the day, in presence of the men and the women, and such as had understanding, —and, the ears of all the people, were unto the book of the law.
Akauverenga nenzwi guru kubva mangwanani kusvikira masikati, akatarisa chivara chaiva pamberi peSuo reMvura, pamberi pavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Uye vanhu vose vakateerera zvikuru kuBhuku roMurayiro.
4 And Ezra the scribe stood upon a lofty platform of wood, which they had made for the purpose, and there stood, beside him, Mattithiah and Shema and Anaiah and Uriah and Hilkiah and Maaseiah, on his right hand, —and, on his left, Pedaiah and Mishael and Malchijah and Hashum and Hashbaddanah, Zechariah, Meshullam.
Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Marikiya, Hashumi, Hashibhadhana, Zekaria naMeshurami.
5 And Ezra the scribe opened the book before the eyes of all the people, for, above all the people, was he, —and, when he opened it, all the people, stood up.
Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka.
6 And Ezra blessed Yahweh the great God, —and all the people responded, Amen! Amen! with the lifting up of their hands, —and they bent their heads and bowed themselves down unto Yahweh, with their faces to the ground.
Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi vakanamata Jehovha zviso zvavo zvakatsikitsira pasi.
7 And, Jeshua and Bani and Sherebiah, Jamin, Akkub, Shabbethai, Hodiah, Maaseiah, Kelita, Azariah, Jozabad, Hanan, Pelaiah, and the Levites, did cause the people to understand the law, the people, remaining in their places.
VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhani, Sherebhia, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azaria, Jozabhadhi, Hanani naPeraya vakadzidzisa vanhu Murayiro vanhu vamire ipapo.
8 So they read in the book of the law of God, distinctly, —and, giving the sense, caused them to understand the reading.
Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa.
9 Then Nehemiah—he, was the governor—and Ezra the priest the scribe, and the Levites who were causing the people to understand, said unto all the people, To-day, is, holy, unto Yahweh your God, do not mourn, nor weep, —for, weeping, were all the people, when they heard the words of the law.
Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro.
10 So he said unto them—Go your way, eat the fat and drink the sweet, and send portions unto them for whom nothing is prepared, for holy is the day, unto our Lord, —and be not grieved, for, the joy of Yahweh, is your strength.
Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”
11 And, the Levites, were quieting all the people, saying—Hush! for, the day, is holy, —and be not grieved.
VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.”
12 And all the people went their way, to eat and to drink, and to send portions, and to make great rejoicing, —because they had understood the words which were made known unto them.
Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa.
13 And, on the second day, were gathered together—the ancestral heads of all the people, the priests and the Levites, unto Ezra the scribe, —even to give attention unto the words of the law.
Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro.
14 And they found written in the law, —that Yahweh gave command through Moses, that the sons of Israel should dwell in booths, during the festival of the seventh month;
Vakawana zvakanga zvakanyorwa muMurayiro, zvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, zvokuti vaIsraeri vaizogara mumatumba panguva dzomutambo womwedzi wechinomwe.
15 and that they should publish and send along a proclamation throughout all their cities and throughout Jerusalem, saying, Forth to the mountain, and bring in branches of olive, and branches of oleaster, and branches of myrtle, and branches of palms, and branches of thick trees, —to make booths, as it is written.
Uye kuti vaifanira kuparidza shoko iri nokuriparadzira mumaguta avo ose nomuJerusarema vachiti: “Endai munyika yezvikomo muuye namapazi omuorivhi nemiti yemiorivhi yomusango, neomukonachando, nemichindwe nemiti yemimvuri, kuti muite matumba sezvazvakanyorwa.”
16 So the people went forth, and brought in, and made themselves booths, every one upon his roof, and in their courts, and in the courts of the house of God, and in the broad place of the water-gate, and in the broad place of the gate of Ephraim.
Naizvozvo vanhu vakabuda vakanouya namapazi vakazvivakira matumba pamusoro pamatenga avo, nomuminhanga yavo, nomumavazhe eimba yaMwari uye napachivara paSuo reMvura uye napaSuo raEfuremu.
17 And all the convocation of them who had returned out of the captivity made booths, and dwelt in booths, for, since the days of Jeshua son of Nun, had not the sons of Israel done so, unto that day, —and there was very great rejoicing.
Ungano yose yakanga yadzoka kuutapwa yakavaka matumba ikagaramo. Kubva pamazuva aJoshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iroro, vaIsraeri havana kumbopemberera saizvozvi. Uye mufaro wavo waiva mukuru kwazvo.
18 So he read in the book of the law of God, day by day, from the first day unto the last day, and they kept the festival seven days, and, on the eighth day, a closing feast, according to the regulation.
Zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pane rokupedzisira, Ezira akaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari. Vakapemberera mutambo kwamazuva manomwe, uye pazuva rorusere, maererano nezvakanga zvarayirwa, pakava neungano ipapo.

< Nehemiah 8 >