< Job 15 >

1 Then responded Eliphaz the Temanite, and said:
Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
2 Should, a wise man, answer unreal knowledge? or fill, with the east wind, his inner man?
“Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?
3 Disputing with discourse that doth no good, or with speech, wherein is no profit?
Ko, angakakavara namashoko asina maturo, kana namashoko asina basa here?
4 But, thou, wouldst take away reverence, and wouldst attain unto meditation before GOD.
Asi unotorwisa umwari uye unodzivisa kunamata Mwari.
5 For thine own mouth would teach thine iniquity, and thou wouldst choose the tongue of the crafty.
Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
6 Thine own mouth shall condemn thee, and, not I, And, thine own lips, shall testify against thee.
Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.
7 The first of mankind, wast thou born? Or, before the hills, wast thou brought forth?
“Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
8 In the secret council of GOD, hast thou been wont to hearken? Or canst thou attain for thyself unto wisdom?
Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
9 What knowest thou, that we know not? [What] understandest thou, and the same, is not with us?
Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?
10 Both hoary and venerable, are among us, one mightier than thy father in days!
Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.
11 Too small for thee, are the consolations of GOD? or a word spoken gently with thee?
Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?
12 How doth thine own heart carry thee away, and how thine eyes do roll!
Ko, mwoyo wako wakurasireiko, uye meso ako anobwairireiko,
13 For thy spirit, replieth against GOD, and thou bringest forth—out of thy mouth—words!
zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?
14 What is a mortal, that he should be pure? or that righteous should be one born of a woman?
“Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?
15 Lo! in his holy ones, he putteth not confidence, and, the heavens, are not pure in his eyes:
Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
16 How much less when one is detested and corrupt, a man who drinketh in—like water—perversity.
ko, kuzoti munhu, ane uori uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
17 I will tell thee—hear me, Since this I have seen, I must needs declare it.
“Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
18 Which, wise men, tell, and deny not [that which is] from their fathers.
zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19 To them alone, was the earth given, and no alien passed through their midst:
ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20 All the days of the lawless man, he, doth writhe with pain, and, the number of years, is hidden from the tyrant;
Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21 A noise of dreadful things, is in his ears, In prosperity, the destroyer cometh upon him;
Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.
22 He hath no confidence to come back out of darkness, he, being destined to the power oft the sword;
Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
23 A wanderer, he, for bread, [saying] Where [is it]? He knoweth that, prepared by his own hand, is the day of darkness;
Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24 Distress and anguish shall startle him, It shall overpower him, like a king ready for the onset:
Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,
25 Because he had stretched out—against GOD—his hand, and, against the Almighty, had been wont to behave himself proudly;
nokuti anokungira Mwari chibhakera chake uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26 He used to run against him with uplifted neck, with the stout bosses of his bucklers;
achimhanyira kwaari asingatyi ane nhoo hobvu, yakasimba.
27 For he had covered his face with his fatness, and had gathered a superabundance on his loins;
“Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,
28 And had inhabited demolished cities, houses, wherein men would not dwell, that were destined to become heaps.
iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.
29 He shall not be rich, nor shall his substance continue, neither shall their shadow stretch along on the earth;
Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.
30 He shall not depart out of darkness, his young branch, shall the flame dry up, and he shall depart, by the breath of his own mouth!
Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.
31 Let no one trust in him that—by vanity—is deceived, for, vanity, shall be his recompense;
Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pazviri.
32 Before his day, shall it be accomplished, with, his palm-top, not covered with leaves;
Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi.
33 He shall wrong—like a vine—his sour grapes, and shall cast off—as an olive-tree—his blossom.
Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.
34 For, the family of the impious, is unfruitful, and, a fire, hath devoured the tents of bribery;
Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.
35 Conceiving mischief, and bringing forth iniquity, yea, their inmost soul, prepareth deceit.
Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”

< Job 15 >