< Genesis 9 >

1 So God blessed Noah and his sons, —and said to them Be fruitful and multiply, and fill the earth;
Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika.
2 and let the fear of you and the dread of you be upon every living creature of the earth, and upon every bird of the heavens, —over everything that moveth along on the ground, and over all the fishes of the sea, —into your hand, have they been given.
Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu.
3 As for every moving thing that hath life, yours, shall it be, for food, —Like the green herb, have I given you all things.
Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.
4 Yet flesh with the life thereof, the blood thereof, shall ye not eat;
“Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi.
5 And surely your blood, of your lives, will I require, From the hand of every living creature, will I require it, —and from the hand of man From the hand of each one’s brother, will I require the life of man:
Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake.
6 He that sheddeth man’s blood, by man, shall his blood be shed, —For, in the image of God, made he man.
“Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu.
7 Ye, therefore, be fruitful and multiply, swarm in the earth and multiply therein.
Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.”
8 And God spake unto Noah, and unto his sons with him saying:
Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo,
9 I, therefore, behold me! establishing my covenant with you, —and with your seed after you;
“Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera,
10 and with every living soul that is with you, of birds, of tame-beasts and of all wild-beasts of the earth that are with you, —of all coming forth out of the ark, even to all wild-beasts of the earth;
uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika.
11 yea, I will establish my covenant with you, so that all flesh shall not be cut off any more, by reason of the waters of a flood, —neither shall there be any more a flood to destroy the earth.
Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.”
12 And God said, This, is the sign of the covenant which I am granting betwixt me and you, and every living soul that is with you, —to age-abiding generations: —
Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya:
13 My bow, have I set in the cloud, —and it shall be for a sign of a covenant, betwixt me and the earth;
Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
14 and it shall be when I draw a veil of cloud over the earth, —and the bow in the cloud appeareth,
Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore,
15 then will I remember my covenant which is betwixt me and you, and every living soul among all flesh, —that the waters may no more become a flood, to destroy all flesh:
ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose.
16 so the bow shall be in the cloud, —and I will behold it, to remember an age-abiding covenant, between God, and every living soul among all flesh that is on the earth.
Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.”
17 And God said unto Noah, This is the sign of the covenant which have established, between me and all flesh that is on the earth.
Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.”
18 And the sons of Noah who came forth out of the ark, were—Shem and Ham and Japheth, —now, Ham, was the father of Canaan.
Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.)
19 These three, were the sons of Noah, —and from these, was all the earth overspread.
Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika.
20 And Noah began to be a husbandman, —so he planted a vineyard:
Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa.
21 and dank of the wine and became drunk, and uncovered himself in the midst of his tent.
Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake.
22 And Ham the father of Canaan saw his father’s shame, —and told his two brethren outside.
Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze.
23 And Shem and Japheth took a mantle, and put it on the shoulder of them both and went backwards, and covered the shame of their father, but their faces were backwards, and the shame of their father, saw they not.
Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo.
24 And Noah awoke from his wine, —and came to know what his youngest son had done to him.
Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku,
25 And he said, Accursed be Canaan, —a servant of servants, shall he be to his brethren!
akati, “Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.”
26 And he said, Blessed be Yahweh, God of Shem, —And let Canaan be their servant:
Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu.
27 God give extension to Japheth, But make his habitation in the tents of Shem, And let Canaan be their servant.
Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.”
28 And Noah lived after the flood, —three hundred and fifty years:
Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu.
29 so, all the days of Noah, were—nine hundred and fifty years, —and he died.
Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.

< Genesis 9 >