< Jeremiah 20 >

1 Now Pashhur the son of Immer the priest, who was chief officer in the house of the LORD, heard Jeremiah prophesying these things.
Muprista Pashuri mwanakomana waImeri, mutariri mukuru mutemberi yaJehovha, akati anzwa Jeremia achiprofita zvinhu izvi,
2 Then Pashhur smote Jeremiah the prophet, and put him in the stocks that were in the upper gate of Benjamin, which was in the house of the LORD.
akarayira kuti Jeremia muprofita arohwe agoiswa muchitokisi paSuo Rokumusoro raBhenjamini raiva patemberi yaJehovha.
3 And it came to pass on the morrow, that Pashhur brought forth Jeremiah out of the stocks. Then said Jeremiah unto him, The LORD hath not called thy name Pashhur, but Magor-missabib.
Chifumi chamangwana, Pashuri akati amusunungura kubva muchitokisi, Jeremia akati kwaari, “Zita rinopiwa kwauri naJehovha harisi Pashuri, asi Magori-Misabhibhi (zvichireva zvinotyisa kumativi ose).
4 For thus saith the LORD, Behold, I will make thee a terror to thyself, and to all thy friends: and they shall fall by the sword of their enemies, and thine eyes shall behold it: and I will give all Judah into the hand of the king of Babylon, and he shall carry them captive to Babylon, and shall slay them with the sword.
Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Ndichakuita chinhu chinokutyisa iwe pachako nokushamwari dzako dzose; uchadziona nemeso ako dzichiwisirwa pasi nomunondo wavavengi vavo. Ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, uye achavaendesa kuBhabhironi kana kuvauraya nomunondo.
5 Moreover I will give all the riches of this city, and all the gains thereof, and all the precious things thereof, yea, all the treasures of the kings of Judah will I give into the hand of their enemies, which shall spoil them, and take them, and carry them to Babylon.
Ndichaisa pfuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvinokosha zvaro, nepfuma yose yamadzimambo eJudha, mumaoko avavengi vavo. Vachazvipamba ndokuzviendesa kuBhabhironi.
6 And thou, Pashhur, and all that dwell in thine house shall go into captivity: and thou shalt come to Babylon, and there thou shalt die, and there shalt thou be buried, thou, and all thy friends, to whom thou hast prophesied falsely.
Zvino iwe Pashuri, navose vanogara mumba mako muchatapwa mugondogariswa kuBhabhironi. Uchandofira ikoko, iwe neshamwari dzako dzose dzawaiprofitira nhema.’”
7 O LORD, thou hast deceived me, and I was deceived: thou art stronger than I, and hast prevailed: I am become a laughingstock all the day, every one mocketh me.
Haiwa Jehovha makandinyengera, uye ndakanyengerwa; makandikurira uye mukakunda, vanondiseka zuva rose; munhu wose anondiseka.
8 For as often as I speak, I cry out; I cry, Violence and spoil: because the word of the LORD is made a reproach unto me, and a derision, all the day.
Pandinotaura pose, ndinodanidzira ndichitaura nezvokuita nechisimba nokuparadza. Saka shoko raJehovha rakandivigira kutukwa nokunyadziswa zuva rose.
9 And if I say, I will not make mention of him, nor speak any more in his name, then there is in mine heart as it were a burning fire shut up in my bones, and I am weary with forbearing, and I cannot [contain].
Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni.
10 For I have heard the defaming of many, terror on every side. Denounce, and we will denounce him, [say] all my familiar friends, they that watch for my halting; peradventure he will be enticed, and we shall prevail against him, and we shall take our revenge on him.
Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti, “Zvinotyisa kumativi ose! Mureverei! Ngatimureverei!” Shamwari dzangu dzose dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti, “Zvimwe achanyengererwa; ipapo tigomukunda tigozvitsiva paari.”
11 But the LORD is with me as a mighty one [and] a terrible: therefore my persecutors shall stumble, and they shall not prevail: they shall be greatly ashamed, because they have not dealt wisely, even with an everlasting dishonour which shall never be forgotten.
Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwiki.
12 But, O LORD of hosts, that triest the righteous, that seest the reins and the heart, let me see thy vengeance on them; for unto thee have I revealed my cause.
Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munoedza vakarurama uye munonzvera mwoyo nendangariro, regai ndione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndaisa mhaka yangu kwamuri.
13 Sing unto the LORD, praise ye the LORD: for he hath delivered the soul of the needy from the hand of evil-doers.
Imbirai Jehovha! Ipai rumbidzo kuna Jehovha! Iye anorwira upenyu hwavanoshayiwa kubva mumaoko avakaipa.
14 Cursed be the day wherein I was born: let not the day wherein my mother bare me be blessed.
Ngaritukwe zuva randakaberekwa! Zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa!
15 Cursed be the man who brought tidings to my father, saying, A man child is born unto thee; making him very glad.
Ngaatukwe munhu akazivisa baba vangu shoko, iye akaita kuti vafare kwazvo, achiti, “Waberekerwa mwana, iye mwanakomana!”
16 And let that man be as the cities which the LORD overthrew, and repented not: and let him hear a cry in the morning, and shouting at noontide;
Munhu uyo ngaave semaguta akaparadzwa naJehovha asingazvidembi. Ngaanzwe kuungudza mangwanani, nokudanidzirwa kwehondo masikati.
17 because he slew me not from the womb; and so my mother should have been my grave, and her womb always great.
Nokuti haana kundiuraya ndiri mudumbu, mai vangu vangadai vari guva rangu, vairamba vane mimba.
18 Wherefore came I forth out of the womb to see labour and sorrow, that my days should be consumed with shame?
Ndakambobudireiko mudumbu kuti ndione nhamo nokuchema uye ndigogumisa mazuva angu mukunyadziswa?

< Jeremiah 20 >