< Deuteronomy 2 >

1 Then we turned, and took our journey into the wilderness by the way to the Red Sea, as the LORD spake unto me: and we compassed mount Seir many days.
Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri.
2 And the LORD spake unto me, saying,
Ipapo Jehovha akati kwandiri,
3 Ye have compassed this mountain long enough: turn you northward.
“Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro.
4 And command thou the people, saying, Ye are to pass through the border of your brethren the children of Esau, which dwell in Seir; and they shall be afraid of you: take ye good heed unto yourselves therefore:
Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu zvizvarwa zvaEsau, vagere paSeiri. Ivo vachakutyai, asi muchenjere kwazvo.
5 contend not with them; for I will not give you of their land, no, not so much as for the sole of the foot to tread on: because I have given mount Seir unto Esau for a possession.
Musavatanga kuti murwe, handingakupei chikamu chipi zvacho chenyika yavo, kunyange pangakwana kuisa rutsoka rwenyu. Ndakapa Esau nyika yamakomo yeSeiri kuti ive yake.
6 Ye shall purchase food of them for money, that ye may eat; and ye shall also buy water of them for money, that ye may drink.
Munofanira kuvaripa nesirivha zvokudya zvamuchadya nemvura yamuchanwa.’”
7 For the LORD thy God hath blessed thee in all the work of thy hand: he hath known thy walking through this great wilderness: these forty years the LORD thy God hath been with thee; thou hast lacked nothing.
Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa.
8 So we passed by from our brethren the children of Esau, which dwell in Seir, from the way of the Arabah from Elath and from Ezion-geber. And we turned and passed by the way of the wilderness of Moab.
Naizvozvo takapfuura hama dzedu zvizvarwa zvaEsau, vanogara muSeiri. Takasiya nzira inoenda kuArabha, yeArabha, inobva kuErati neEzioni Gebheri, ndokufamba nenzira yomurenje reMoabhu.
9 And the LORD said unto me, Vex not Moab, neither contend with them in battle: for I will not give thee of his land for a possession; because I have given Ar unto the children of Lot for a possession.
Ipapo Jehovha akataura kwandiri, akati, “Musafurusa vaMoabhu kana kuvadenha, nokuti handizokupai chikamu chipi zvacho chenyika yavo. Ndakapa Ari kuzvizvarwa zvaRoti kuti ive yavo.”
10 (The Emim dwelt therein aforetime, a people great, and many, and tall, as the Anakim:
(VaEmi vaisigarako vaiva vanhu vakasimba, vakawanda uye vakareba savaAnaki.
11 these also are accounted Rephaim, as the Anakim; but the Moabites call them Emim.
SavaAnaki ivowo vaionekwa savaRefaimu, asi vaMoabhu vaivadana nezita rokuti vaEmi.
12 The Horites also dwelt in Seir aforetime, but the children of Esau succeeded them; and they destroyed them from before them, and dwelt in their stead; as Israel did unto the land of his possession, which the LORD gave unto them.)
VaHori vaimbogarawo muSeiri, asi vana vaEsau vakavadzinga kubva imomo. Vakaparadza vaHori vakanga varimo ivo vasati vavamo vakagara munzvimbo yavo, sezvakangoitawo Israeri munyika yavakapiwa naJehovha kuti ive yavo).
13 Now rise up, and get you over the brook Zered. And we went over the brook Zered.
Uye Jehovha akati, “Zvino chisimukai muyambuke Mupata weZeredhi.” Saka takayambuka mupata.
14 And the days in which we came from Kadesh-barnea, until we were come over the brook Zered, were thirty and eight years; until all the generation of the men of war were consumed from the midst of the camp, as the LORD sware unto them.
Makore makumi matatu namasere akanga apfuura kubva panguva yatakabva paKadheshi Bharinea kusvikira patakazoyambuka Mupata weZeredhi. Panguva iyoyi chizvarwa chose chavarume vezera rokurwa chakanga chaparara kubva pamisasa, sezvakanga zvapikirwa naJehovha kwavari.
15 Moreover the hand of the LORD was against them, to destroy them from the midst of the camp, until they were consumed.
Ruoko rwaJehovha rwakaramba ruchivarwisa kusvikira rwavaparadza zvachose.
16 So it came to pass, when all the men of war were consumed and dead from among the people,
Zvino wokupedzisira pakati pavarume ava vokurwa akati afa,
17 that the LORD spake unto me, saying,
Jehovha akati kwandiri,
18 Thou art this day to pass over Ar, the border of Moab:
“Nhasi unofanira kupfuura nomunyika yeMoabhu, paAri.
19 and when thou comest nigh over against the children of Ammon, vex them not, nor contend with them: for I will not give thee of the land of the children of Ammon for a possession: because I have given it unto the children of Lot for a possession.
Kana woswedera pedyo navaAmoni, usavafurusa kana kuvadenha kuti murwisane, nokuti handingakupei kuti mutore nyika ipi zvayo yavaAmori. Ndakaipa kuti ive yezvizvarwa zvaRoti.”
20 (That also is accounted a land of Rephaim: Rephaim dwelt therein aforetime; but the Ammonites call them Zamzummim;
(Naiyowo yainzi inyika yevaRafaimu, vaisimbogaramo; asi vaAmoni vaivadaidza kuti vaZamuzumi.
21 a people great, and many, and tall, as the Anakim; but the LORD destroyed them before them; and they succeeded them, and dwelt in their stead:
Vaiva vanhu vakasimba, vakawanda, uye vakareba savaAnaki. Jehovha akavaparadza pamberi pavaAmoni, avo vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo.
22 as he did for the children of Esau, which dwell in Seir, when he destroyed the Horites from before them; and they succeeded them, and dwelt in their stead even unto this day:
Jehovha akanga aitira zvimwe chetezvo kuzvizvarwa zvaEsau, vaigara muSeiri, paakaparadza vaHori pamberi pavo. Vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo kusvikira nhasi.
23 and the Avvim which dwelt in villages as far as Gaza, the Caphtorim, which came forth out of Caphtor, destroyed them, and dwelt in their stead.)
Uye kana vari vaAvhi vakanga vagere mumisha kusvikira kuGaza, vaKafitori vaibva Kafitori vakavaparadza ndokugara munzvimbo yavo.)
24 Rise ye up, take your journey, and pass over the valley of Arnon: behold, I have given into thine hand Sihon the Amorite, king of Heshbon, and his land: begin to possess it, and contend with him in battle.
Budai zvino muende, muyambuke mupata weArinoni. Tarirai ndakaisa muruoko rwenyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake. Tangai kuitora mugorwa naye.
25 This day will I begin to put the dread of thee and the fear of thee upon the peoples that are under the whole heaven, who shall hear the report of thee, and shall tremble, and be in anguish because of thee.
Nhasi chaiye ndichatanga kuvhundutsa nokutyisa ndudzi dzose dziri pasi pedenga nokuda kwenyu. Ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu vagodedera nokutya kwazvo pamusoro penyu.
26 And I sent messengers out of the wilderness of Kedemoth unto Sihon king of Heshbon with words of peace, saying,
Ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni ndichikumbira rugare, uye ndikati,
27 Let me pass through thy land: I will go along by the highway, I will neither turn unto the right hand nor to the left.
“Titenderei kuti tipfuure nomunyika yenyu. Tichafamba nemugwagwa mukuru; hatizotsauki kurudyi kana kuruboshwe.
28 Thou shalt sell me food for money, that I may eat; and give me water for money, that I may drink: only let me pass through on my feet;
Mutitengesere zvokudya nemvura yokunwa nomutengo wazvo wesirivha. Chingotitenderai henyu kuti tipfuure netsoka,
29 as the children of Esau which dwell in Seir, and the Moabites which dwell in Ar, did unto me; until I shall pass over Jordan into the land which the LORD our God giveth us.
sezvatakaitirwa nezvizvarwa zvaEsau vagere muSeiri, nevaMoabhu vagere muAri. Kusvikira tayambuka Jorodhani tichipinda munyika iyo yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.”
30 But Sihon king of Heshbon would not let us pass by him: for the LORD thy God hardened his spirit, and made his heart obstinate, that he might deliver him into thy hand, as at this day.
Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akaramba kutitendera kuti tipfuure nomo. Nokuti Jehovha Mwari wenyu akanga aomesa mweya wake uye akanga arambidza mwoyo wake, kuti agomuisa mumaoko enyu, sezvaaita iye zvino.
31 And the LORD said unto me, Behold, I have begun to deliver up Sihon and his land before thee: begin to possess, that thou mayest inherit his land.
Jehovha akati kwandiri, “Tarira ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri. Zvino chitanga kuikunda ugotora nyika yake.”
32 Then Sihon came out against us, he and all his people, unto battle at Jahaz.
Sihoni nehondo yake yose akati auya kuzorwa nesu paJahazi,
33 And the LORD our God delivered him up before us; and we smote him, and his sons, and all his people.
Jehovha Mwari wedu akamuisa kwatiri uye takamuparadza, iye pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose.
34 And we took all his cities at that time, and utterly destroyed every inhabited city, with the women and the little ones; we left none remaining:
Panguva iyoyo takatora maguta ake ose tikaaparadza chose, varume navakadzi uye navana. Hapana watakasiya ari mupenyu.
35 only the cattle we took for a prey unto ourselves, with the spoil of the cities which we had taken.
Asi zvipfuwo nezvatakapamba kubva mumaguta takazvitora kuti zvive zvedu.
36 From Aroer, which is on the edge of the valley of Arnon, and [from] the city that is in the valley, even unto Gilead, there was not a city too high for us: the LORD our God delivered up all before us:
Kubva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni, nokubva kuguta rokumupata, kunyange kusvikira kuGireadhi, hakuna kumbova kana neguta rimwe chete rakatikunda. Jehovha Mwari wedu akatipa vose.
37 only to the land of the children of Ammon thou camest not near; all the side of the river Jabbok, and the cities of the hill country, and wheresoever the LORD our God forbade us.
Asi maererano nokurayira kwaJehovha Mwari wedu hamuna kuswedera kunyika ipi zvayo yavaAmoni, kunyange kunyika iri kurutivi rweJabhoki kana kunyika yakapoteredza maguta ari mumakomo.

< Deuteronomy 2 >