< Daniel 1 >

1 In the third year of the reign of Jehoiakim king of Judah came Nebuchadnezzar king of Babylon unto Jerusalem, and besieged it.
Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba.
2 And the Lord gave Jehoiakim king of Judah into his hand, with part of the vessels of the house of God; and he carried them into the land of Shinar to the house of his god: and he brought the vessels into the treasure house of his god.
Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake.
3 And the king spake unto Ashpenaz the master of his eunuchs, that he should bring in [certain] of the children of Israel, even of the seed royal and of the nobles;
Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri kubva mumhuri youshe nemhuri yemakurukota,
4 youths in whom was no blemish, but well favoured, and skilful in all wisdom, and cunning in knowledge, and understanding science, and such as had ability to stand in the king’s palace; and that he should teach them the learning and the tongue of the Chaldeans.
majaya asina chinongo pamiviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi.
5 And the king appointed for them a daily portion of the king’s meat, and of the wine which he drank, and that they should be nourished three years; that at the end thereof they might stand before the king.
Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. Vaifanira kudzidziswa kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo.
6 Now among these were, of the children of Judah, Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah.
Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria.
7 And the prince of the eunuchs gave names unto them: unto Daniel he gave [the name of] Belteshazzar; and to Hananiah, [of] Shadrach; and to Mishael, [of] Meshach; and to Azariah, [of] Abed-nego.
Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshazari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego.
8 But Daniel purposed in his heart that he would not defile himself with the king’s meat, nor with the wine which he drank: therefore he requested of the prince of the eunuchs that he might not defile himself.
Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.
9 Now God made Daniel to find favour and compassion in the sight of the prince of the eunuchs.
Zvino Mwari akanga aita kuti muchinda aitire Dhanieri nyasha nengoni,
10 And the prince of the eunuchs said unto Darnel, I fear my lord the king, who hath appointed your meat and your drink: for why should he see your faces worse liking than the youths which are of your own age? so should ye endanger my head with the king.
asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.”
11 Then said Daniel to the steward, whom the prince of the eunuchs had appointed over Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah:
Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria,
12 Prove thy servants, I beseech thee, ten days; and let them give us pulse to eat, and water to drink.
“Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete.
13 Then let our countenances be looked upon before thee, and the countenance of the youths that eat of the king’s meat; and as thou seest, deal with thy servants.
Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.”
14 So he hearkened unto them in this matter, and proved them ten days.
Saka akatenda hake pane izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi.
15 And at the end of ten days their countenances appeared fairer, and they were fatter in flesh, than all the youths which did eat of the king’s meat.
Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo.
16 So the steward took away their meat, and the wine that they should drink, and gave them pulse.
Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo.
17 Now as for these four youths, God gave them knowledge and skill in all learning and wisdom: and Daniel had understanding in all visions and dreams.
Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
18 And at the end of the days which the king had appointed for bringing them in, the prince of the eunuchs brought them in before Nebuchadnezzar.
Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari.
19 And the king communed with them; and among them all was found none like Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah: therefore stood they before the king.
Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navanaDhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo.
20 And in every matter of wisdom and understanding, concerning which the king inquired of them, he found them ten times better than all the magicians and enchanters that were in all his realm.
Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi nʼanga dzose navanhu vose muumambo hwose.
21 And Daniel continued even unto the first year of king Cyrus.
Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi.

< Daniel 1 >