< 2 Corinthians 6 >
1 And working together [with him] we entreat also that ye receive not the grace of God in vain
Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina;
2 (for he saith, At an acceptable time I hearkened unto thee, And in a day of salvation did I succour thee: behold, now is the acceptable time; behold, now is the day of salvation):
nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso.
3 giving no occasion of stumbling in anything, that our ministration be not blamed;
Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa;
4 but in everything commending ourselves, as ministers of God, in much patience, in afflictions, in necessities, in distresses,
asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa,
5 in stripes, in imprisonments, in tumults, in labours, in watchings, in fastings;
pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya,
6 in pureness, in knowledge, in longsuffering, in kindness, in the Holy Ghost, in love unfeigned,
pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri,
7 in the word of truth, in the power of God; by the armour of righteousness on the right hand and on the left,
pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe,
8 by glory and dishonour, by evil report and good report; as deceivers, and [yet] true;
nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo;
9 as unknown, and [yet] well known; as dying, and behold, we live; as chastened, and not killed;
sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo;
10 as sorrowful, yet alway rejoicing; as poor, yet making many rich; as having nothing, and [yet] possessing all things.
sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese.
11 Our mouth is open unto you, O Corinthians, our heart is enlarged.
VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa.
12 Ye are not straitened in us, but ye are straitened in your own affections.
Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu.
13 Now for a recompense in like kind (I speak as unto [my] children), be ye also enlarged.
Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai.
14 Be not unequally yoked with unbelievers: for what fellowship have righteousness and iniquity? or what communion hath light with darkness?
Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima?
15 And what concord hath Christ with Belial? or what portion hath a believer with an unbeliever?
Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi?
16 And what agreement hath a temple of God with idols? for we are a temple of the living God; even as God said, I will dwell in them, and walk in them; and I will be their God, and they shall be my people.
Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
17 Wherefore Come ye out from among them, and be ye separate, saith the Lord, And touch no unclean thing; And I will receive you,
Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai.
18 And will be to you a Father, And ye shall be to me sons and daughters, saith the Lord Almighty.
Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose.