< Luke 19 >
1 Jesus entered Jericho and made his way through the town.
Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo.
2 There was a man there, known by the name of Zacchaeus, who was a senior tax collector and a rich man.
Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.
3 He tried to see what Jesus was like; but, being short, he was unable to do so because of the crowd.
Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.
4 So he ran on ahead and climbed into a mulberry tree to see Jesus, for he knew that he must pass that way.
Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.
5 When Jesus came to the place, he looked up and said to him, ‘Zacchaeus, be quick and come down, for I must stop at your house today.’
Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi.”
6 So Zacchaeus got down quickly, and joyfully welcomed him.
Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.
7 On seeing this, everyone began to complain, ‘He has gone to stay with a man who is an outcast.’
Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugununʼuna vachiti, “Aenda kunova mueni wo‘mutadzi.’”
8 But Zacchaeus stood forward and said to the Master, ‘Listen, Master! I will give half my property to the poor, and, if I have defrauded anyone of anything, I will give him back four times as much.’
Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
9 ‘Salvation has come to this house today,’ answered Jesus, ‘for even this man is a son of Abraham.
Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.
10 The Son of Man has come to search for those who are lost and to save them.’
Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
11 As the people were listening to this, Jesus went on to tell them a parable. He did so because he was near Jerusalem, and because they thought that the kingdom of God was going to be proclaimed at once.
Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo.
12 He said, ‘A nobleman once went to a distant country to receive his appointment to a kingdom and then return.
Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka.
13 He called ten of his servants and gave them ten pounds of silver each, and told them to trade with them during his absence.
Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’
14 But his subjects hated him and sent envoys after him to say “We will not have this man as our king.”
“Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzinoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’
15 On his return, after having been appointed king, he directed that the servants to whom he had given his money should be summoned, so that he might learn what amount of trade they had done.
“Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo.
16 The first came up, and said “Sir, your ten pounds have made a hundred.”
“Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’
17 “Well done, good servant!” exclaimed the master. “As you have proved trustworthy in a very small matter, I appoint you governor over ten towns.”
“Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’
18 When the second came, he said “Your ten pounds, Sir, have produced fifty.”
“Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’
19 So the master said to him “And you I appoint over five towns.”
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’
20 Another servant also came and said “Sir, here are your ten pounds; I have kept them put away in a handkerchief.
“Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka.
21 For I was afraid of you, because you are a stern man. You take what you have not planted, and reap what you have not sown.”
Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ane mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’
22 The master answered “Out of your own mouth I judge you, you worthless servant. You knew that I am a stern man, that I take what I have not planted, and reap what I have not sown?
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?
23 Then why didn’t you put my money into a bank? And I, on my return, could have claimed it with interest.
Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’
24 Take away from him the ten pounds,” he said to those standing by, “and give them to the one who has the hundred.”
“Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’
25 “But, Sir,” they said, “he has a hundred pounds already!”
“Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’
26 “I tell you,” he answered, “that, to him who has, more will be given, but, from him who has nothing, even what he has will be taken away.
“Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.
27 But as for my enemies, these men who would not have me as their king, bring them here and put them to death in my presence.”’
Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’”
28 After saying this, Jesus went on in front, going up to Jerusalem.
Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwidza kuJerusarema.
29 It was when Jesus had almost reached Bethphage and Bethany, near the Mount of Olives, that he sent on two of the disciples.
Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,
30 ‘Go to the village facing us,’ he said, ‘and, when you get there, you will find a foal tethered, which no one has yet ridden; untie it and lead it here.
“Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.
31 And, if anybody asks you “Why are you untying it?”, you are to say this – “The Master wants it.”’
Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’”
32 So the two who were sent went and found it as Jesus had told them.
Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo.
33 While they were untying the foal, the owners asked them – ‘Why are you untying the foal?’
Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”
34 And the two disciples answered – ‘The Master wants it.’
Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.”
35 Then they led it back to Jesus, and threw their cloaks on the foal and put Jesus on it.
Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi.
36 As he went along, the people kept spreading their cloaks in the road.
Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.
37 When he had almost reached the place where the road led down the Mount of Olives, everyone of the many disciples began in their joy to praise God loudly for all the miracles that they had seen:
Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti:
38 ‘Blessed is He who comes – our king – in the name of the Lord! Peace in heaven, and glory on high.’
“Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
39 Some of the Pharisees in the crowd said to him, ‘Teacher, restrain your disciples.’
Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!”
40 But Jesus answered, ‘I tell you that if they are silent, the stones will call out.’
Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”
41 When he drew near, on seeing the city, he wept over it, and said,
Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro
42 ‘If only you had known, while yet there was time – even you – the things that make for peace! But now they have been hidden from your sight.
akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako.
43 For a time is coming when your enemies will surround you with earthworks, and encircle you, and hem you in on all sides;
Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose.
44 they will trample you down and your children within you, and they will not leave in you one stone on another, because you did not know the time of your visitation.’
Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.”
45 Jesus went into the Temple Courts and began to drive out those who were selling,
Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa.
46 saying as he did so, ‘Scripture says – “My house will be a house of prayer”; but you have made it a den of robbers.’
Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’”
47 Jesus continued to teach each day in the Temple Courts; but the chief priests and teachers of the Law were eager to take his life, and so also were the leaders of the people.
Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya.
48 Yet they could not see what to do, for the people all hung on his words.
Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.