< Galatians 4 >

1 My point is this – as long as the heir is under age, there is no difference between him and a slave, though he is master of the whole estate.
Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose.
2 He is subject to the control of guardians and stewards, during the period for which his father has power to appoint them.
Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake.
3 And so is it with us; when we were under age, as it were, we were slaves to the puerile teaching of this world;
Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika.
4 but, when the full time came, God sent his Son – born a woman’s child, born subject to Law –
Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro,
5 to ransom those who were subject to Law, so that we might take our position as sons.
kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana.
6 And it is because you are sons that God sent into our hearts the Spirit of his Son, with the cry – “Abba, our Father.”
Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.”
7 You, therefore, are no longer a slave, but a son; and, if a son, then an heir also, by God’s appointment.
Saka hamuchisiri nhapwa, asi vanakomana; uye sezvo muri vanakomana, Mwari akakuitaiwo vadyi venhaka.
8 Yet formerly, in your ignorance of God, you became slaves to “gods” which were no gods.
Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo.
9 But now that you have found God – or, rather, have been found by him – how is it that you are turning back to that poor and feeble puerile teaching, to which yet once again you are wanting to become slaves?
Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here?
10 You are scrupulous in keeping days and months and seasons and years!
Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore!
11 You make me fear that the labour which I have spent on you may have been wasted.
Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.
12 I entreat you, friends, to become like me, as I became like you. You have never done me any wrong.
Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira.
13 You remember that it was owing to bodily infirmity that on the first occasion I told you the good news.
Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri.
14 And as for what must have tried you in my condition, it did not inspire you with scorn or disgust, but you welcomed me as if I had been an angel of God – or Christ Jesus himself!
Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.
15 What has become then, of your blessings? For I can bear witness that, had it been possible, you would have torn out your eyes and given them to me!
Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri.
16 Am I to think, then, that I have become your enemy by telling you the truth?
Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here?
17 Certain people are seeking your favour, but with no honourable object. No, indeed, they want to isolate you, so that you will have to seek their favour.
Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira.
18 It is always honourable to have your favour sought in an honourable cause, and not only when I am with you, my dear children –
Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi.
19 you for whom I am again enduring a mother’s pains, until a likeness to Christ will have been formed in you.
Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri,
20 But I could wish to be with you now and speak in a different tone, for I am perplexed about you.
ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.
21 Tell me, you who want to be still subject to Law – Why don’t you listen to the Law?
Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro?
22 Scripture says that Abraham had two sons, one the child of the slave-woman and the other the child of the free woman.
Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka.
23 But the child of the slave-woman was born in the course of nature, while the child of the free woman was born in fulfilment of a promise.
Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.
24 This story may be taken as an allegory. The women stand for two covenants. One covenant, given from Mount Sinai, produces a race of slaves and is represented by Hagar.
Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.
25 Hagar stands for Mount Sinai in Arabia, and represents the Jerusalem of today, for she and her children are in slavery.
Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo.
26 But the Jerusalem above is free, and she it is who is our mother.
Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.
27 For scripture says – “Rejoice, you barren one, who have never given birth, break into shouts, you who are never in labour, for many are the children of her who is desolate – yes, more than of her who has a husband.”
Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Fara iwe mukadzi asingabereki, asingabereki vana; pembera udanidzire, iwe usingarwadziwi nokubereka; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.”
28 As for ourselves, friends, we, like Isaac, are children born in fulfilment of a promise.
Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka.
29 Yet at that time the child born in the course of nature persecuted the child born by the power of the Spirit; and it is the same now.
Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.
30 But what does the passage of scripture say? “Send away the slave-woman and her son; for the slave’s son will not be coheir with the son of the free woman.”
Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.”
31 And so, friends, we are not children of a slave, but of her who is free.
Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.

< Galatians 4 >