< Psalms 59 >
1 “For the leader of the music. To the tune of “Do not destroy.” A psalm of David, when Saul sent, and they watched the house to kill him.” Deliver me from my enemies, O my God! Defend me from them that rise up against me!
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro anoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye. Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.
2 Deliver me from the doers of iniquity, And save me from men of blood!
Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.
3 For, lo! they lie in wait for my life; The mighty are gathered against me, Without any offence or fault of mine, O LORD!
Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.
4 Without any offence of mine, they run and prepare themselves; Awake to help me, and behold!
Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!
5 Do thou, O Jehovah, God of hosts, God of Israel, Awake to punish all the nations! Show no mercy to any wicked transgressors! (Pause)
Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera
6 Let them return at evening, Let them howl like dogs, And go round about the city!
Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta.
7 Behold! with their mouths they belch out malice; Swords are upon their lips; “For who,” say they, “will hear?”
Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”
8 Yet thou, O LORD! wilt laugh at them; Thou wilt hold all the nations in derision!
Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose.
9 O my Strength! to thee will I look! For God is my defence;
Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,
10 My God will come to meet me with his mercy; God will cause me to look with joy upon my enemies.
Mwari anondida achanditungamirira uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.
11 Slay them not, lest my people forget; Scatter them by thy power, and cast them down, O Lord, our shield!
Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.
12 The word of their lips is the sin of their mouth; Let them be overtaken in their pride, For the curses and the falsehood which they utter!
Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,
13 Consume them in thy wrath; consume them that they be no more, That they may know that God ruleth in Jacob, Even to the ends of the earth! (Pause)
vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera
14 Let them return at evening, Let them howl like dogs, And go round about the city!
Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta.
15 Let them wander about for food, When they have passed the night unsatisfied!
Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta.
16 But I will sing of thy power; Yea, in the morning will I sing aloud of thy mercy; For thou hast been my defence, My refuge in the day of my distress.
Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.
17 To thee, O my Strength! will I sing! For God is my defence; a God of mercy to me.
Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai; imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.