< Mark 5 >
1 And they came to the other side of the lake, into the country of the Gerasenes.
Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase.
2 And when he had come out of the boat, immediately there met him out of the tombs a man with an unclean spirit,
Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.
3 who had his dwelling in the tombs; and not even with a chain could any one bind him any longer;
Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani.
4 because he had often been bound with fetters and chains, and the chains had been snapped asunder by him, and the fetters broken in pieces; and no one could master him;
Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.
5 and continually, night and day, in the tombs and in the mountains, he was crying out, and cutting himself, with stones.
Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
6 And seeing Jesus afar off, he ran and bowed down before him,
Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake.
7 and cried out with a loud voice, and said, What have I to do with thee, Jesus, Son of the most high God? I adjure thee by God, do not torment me.
Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”
8 For he was saying to him, Unclean spirit, come out from the man.
Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”
9 And he asked him, What is thy name? And he saith to him, Legion is my name; for we are many.
Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”
10 And he besought him much not to send them out of the country.
Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
11 Now there was there, by the mountain, a great herd of swine feeding.
Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi.
12 And they besought him, saying, Send us into the swine, that we may enter into them.
Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”
13 And he gave them leave. And the unclean spirits coming out, entered into the swine; and the herd rushed down the steep into the lake, about two thousand, and were drowned in the lake.
Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
14 And they that fed them fled, and told the news in the city and in the country. And they came to see what had been done.
Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.
15 And they come to Jesus, and see him who had been possessed by demons, sitting, clothed, and in his right mind, —him who had had the legion; and they were afraid.
Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.
16 And they who saw it told them how it befell him that was possessed by the demons, and concerning the swine.
Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.
17 And they began to beseech him to depart from their borders.
Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
18 And when he was going on board the boat, he that had been possessed by the demons besought him that be might be with him.
Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye.
19 And he did not permit him, but said to him, Go to thy house to thy friends, and tell them how great things the Lord hath done for thee, and that he hath had compassion on thee.
Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”
20 And he departed, and began to publish in Decapolis how great things Jesus had done for him; and all wondered.
Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
21 And when Jesus had crossed again in the boat to the ether side, a great multitude gathered about him; and he was by the lake.
Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa.
22 And there cometh one of the rulers of the synagogue, Jairus by name; and seeing him, he fell at his feet,
Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake
23 and besought him much, saying, My little daughter lieth at the point of death; I pray thee, come and lay thy hands on her, that she may be saved and live.
uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.”
24 And he went with him; and a great multitude followed him, and pressed upon him.
Saka Jesu akaenda naye. Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.
25 And a woman, who had had an issue of blood twelve years,
Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.
26 and had undergone much at the hands of many physicians, and spent all that she had, and was not at all benefited, but rather grew worse,
Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.
27 having heard about Jesus, came in the crowd behind, and touched his garment.
Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,
28 For she said, If I touch even his garments, I shall be made well.
nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”
29 And immediately the fountain of her blood was dried up; and she perceived in her body that she was cured of her plague.
Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
30 And Jesus immediately perceiving in himself that power had gone out from him, turned round in the crowed, and said, Who touched my garments?
Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
31 And his disciples said to him, Thou seest the multitude pressing on thee, and dost thou say, Who touched me?
Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’”
32 And he looked round to see her who had done this.
Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.
33 But the woman, fearing and trembling, knowing what had been done to her, came and fell down before him, and told him all the truth.
Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose.
34 And he said to her, Daughter, thy faith hath made thee well; go in peace, and be recovered from thy plague.
Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
35 While he was yet speaking, there came from the house I of the ruler of the synagogue some who said, Thy daughter is dead; why dost thou trouble the Teacher any further?
Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”
36 And Jesus, overhearing those words, saith to the ruler of the synagogue, Fear not; only believe.
Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”
37 And he suffered no one to follow him except Peter and James, and John the brother of James.
Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho.
38 And they come to the house of the ruler of the synagogue; and he seeth a tumult, and people weeping and wailing greatly.
Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.
39 And going in, he saith to them, Why do ye make this confusion and weeping? The child is not dead, but is sleeping.
Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.”
40 And they laughed him to scorn. But putting them all out, he taketh the father of the child, and the mother, and those who were with him, and entereth where the child was.
Asi vakamuseka. Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana.
41 And taking hold of the hand of the child, he saith to her, Talitha, kum; which is, when interpreted, Damsel, I say to thee, arise!
Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”)
42 And immediately the damsel arose and walked; for she was twelve years old. And immediately they were greatly astonished.
Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.
43 And he charged them strictly that no one should know it, and bade that something should be given her to eat.
Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.