< Luke 9 >
1 And he called together the twelve, and gave them power and authority over all demons, and to cure diseases.
Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere,
2 And he sent them out to proclaim the kingdom of God, and to heal.
akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara.
3 And he said to them, Take nothing for the journey, neither a staff, nor a bag, nor bread, nor money, nor have two coats apiece.
Akavarayira achiti, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo.
4 And into whatever house ye enter, there abide, and from it take your departure.
Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo.
5 And whoever shall not receive you, shake off, when ye leave that city, even the dust from your feet as a testimony against them.
Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.”
6 And they departed, and went through the towns publishing the glad tidings, and performing cures everywhere.
Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.
7 And Herod the tetrarch heard of all that was taking place, and was perplexed; because it was said by some that John had risen from the dead;
Zvino Herodhi mubati akanzwa pamusoro pezvose zvakanga zvichiitika. Akakanganisika, nokuti vamwe vakanga vachiti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa,
8 and by some, that Elijah had appeared; and by others, that one of the old prophets had risen.
vamwe vachiti Eria akanga aonekwa, uyezve vamwe vachiti mumwe wavaprofita vakare akanga amuka.
9 But Herod said, John I beheaded; but who is this, about whom I hear such things? And he sought to see him.
Asi Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro. Zvino, ndianiko uyu wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akaedza kuti amuone.
10 And the apostles returned and told him what they had done; and taking them with him, he withdrew privately to a city called Bethsaida.
Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha,
11 But the multitudes, when they knew it, followed him; and he welcomed them, and spoke to them about the kingdom of God, and healed those who had need of healing.
asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa.
12 And when the day began to decline, the twelve came and said to him, Send the multitude away, that they may go into the villages around, and the open country, and lodge, and get food; for we are here in a desert place.
Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.”
13 But he said to them, Do ye give them food. And they said, We have not more than five loaves and two fishes, unless we ourselves should go and buy food for l all these people.
Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.” Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.”
14 They were about five thousand men. And he said to his disciples, Make them lie down in companies of fifty.
Pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu. Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.”
15 And they did so, and made them all lie down.
Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi.
16 Then he took the five loaves and the two fishes, and looking up to heaven, he blessed them, and broke and gave them to the disciples to set before the multitude.
Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu.
17 And they ate, and were all filled; and what remained to them of fragments was taken up, twelve baskets.
Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.
18 And it came to pass as he was in a private place praying, that his disciples were with him; and he asked them, saying, Who do the multitudes say that I am?
Rimwe zuva Jesu akati achinyengetera ari oga uye vadzidzi vake vakanga vanaye, akavabvunza akati, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?”
19 And they answering said, John the Baptist; and others, Elijah; and others, that one of the old prophets hath risen.
Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eria, uye vamwezve vachiti, mumwe wavaprofita vakare akamuka kubva kuvakafa.”
20 And he said to them, But who do ye say that I am? And Peter answering said, The Christ of God.
Akati kwavari, “Asi, ko, imi munoti ndini ani?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu waMwari.”
21 But he strictly charged them, and commanded them to tell this to no one;
Jesu akavayambira zvikuru kuti varege kutaura izvi kuna ani zvake.
22 saying, The Son of man must suffer many things, and be rejected by the elders and chief priests and scribes, and be put to death, and rise again on the third day.
Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.”
23 And he said to all, If any one chooseth to come after me, let him deny himself and take up his cross daily, and follow me.
Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.
24 For whoever chooseth to save his life, will lose it; and whoever loseth his life for my sake, he will save it.
Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa.
25 For what is a man profited, if he gain the whole world, and lose or forfeit himself?
Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake.
26 For whoever shall be ashamed of me and of my words, of him will the Son of man be ashamed, when be cometh in his glory, and that of his Father, and of the holy angels.
Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.
27 And I tell you in truth, that there are some of those standing here who will not taste of death, till they have seen the kingdom of God.
Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona umambo hwaMwari.”
28 And it came to pass about eight days after this discourse, that he took with him Peter and John and James, and went up into the mountain to pray.
Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera.
29 And while he was praying, the appearance of his countenance was changed, and his raiment became white and glistening.
Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni.
30 And lo! two men were talking with him, who were Moses and Elijah;
Varume vaviri, Mozisi naEria,
31 who appeared in glory, and spoke of his departure which he was about to fulfill in Jerusalem.
vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema.
32 But Peter and those who were with him were weighed down with sleep. But when they awoke, they saw his glory, and the two men that stood with him.
Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye.
33 And it came to pass as they were parting from him, that Peter said to Jesus, Master, it is good for us to be here; and let us make three tents, one for thee, and one for Moses, and one for Elijah; —not knowing what he said.
Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva.
34 But as he was saying this, there came a cloud and overshadowed them; and they were afraid as they entered the cloud.
Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore.
35 And there came a voice out of the cloud, saying, “This is my chosen Son; hear him.”
Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.”
36 And when the voice had come, Jesus was found alone. And they kept it secret, and told no one in those days anything of what they had seen.
Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.
37 And it came to pass that on the next day, when they had come down from the mountain, a great multitude met him.
Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye.
38 And lo! a man from the multitude cried out, saying, Teacher, I beseech thee, look upon my son, for he is my only child;
Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu.
39 and lo! a spirit seizeth him, and suddenly crieth out, and convulseth him so that he foameth, and it departeth from him hardly, taking away all his strength.
Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza.
40 And I besought thy disciples to cast it out, and they could not.
Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.”
41 And Jesus answering said, O unbelieving and perverse generation, how long shall I be with you, and bear with you? Bring thy son hither.
Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”
42 And while he was yet coming, the demon threw him down, and convulsed him. But Jesus rebuked the unclean spirit, and healed the child, and delivered him to his father.
Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake.
43 And they were all amazed at the mighty power of God. But while they were all wondering at all the things which he did, he said to his disciples,
Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,
44 As for you, let these words sink into your ears; for the Son of man is about to be delivered up into the hands of men.
“Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”
45 But they knew not the meaning of these words, and it was hidden from them, that they might not perceive it; and they were afraid to ask him about these words.
Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
46 And there arose a reasoning among them, which of them was greatest.
Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani.
47 And Jesus knowing the reasoning of their heart, took a child and set him by his side,
Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake.
48 and said to them, Whoever receiveth this child in my name, receiveth me; and whoever receiveth me, receiveth him who sent me. For he that is least among you all, he is great.
Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”
49 And John answering said, Master, we saw one casting out demons in thy name, and we forbade him, because he doth not follow in our company.
Johani akati, “Tenzi, takaona mumwe murume achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”
50 But Jesus said to him, Forbid him not; for he that is not against you is for you.
Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.”
51 And it came to pass, when the time was near for his being received up, that he himself steadily set his face to go to Jerusalem.
Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema.
52 And he sent messengers before him; and they went and entered a city of the Samaritans, to make ready for him.
Uye akatuma nhume pamberi pake, dzikapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu;
53 And they did not receive him, because his face was as if he were going to Jerusalem.
asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema.
54 And the disciples James and John, on seeing it, said, Lord, wilt thou have us bid fire come down from heaven, and consume them?
Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”
55 But he turned and rebuked them.
Asi Jesu akatendeuka akavatsiura,
56 And they went to another village.
uye akabva akaenda kuno mumwe musha.
57 And as they were traveling on the way, one said to him, I will follow thee wherever thou goest.
Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
58 And Jesus said to him, The foxes have holes, and the birds of the air have lodging-places; but the Son of man hath not where to lay his head.
Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
59 And he said to another, Follow me. But he said, Suffer me first to go and bury my father.
Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.”
60 And he said to him, Let the dead bury their own dead; but go thou and carry the tidings of the kingdom of God.
Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.”
61 And another also said, I will follow thee, Lord; but first let me bid farewell to those who are in my house.
Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.”
62 And Jesus said to him, No one who looketh back after putting his hand to the plough is fit for the kingdom of God.
Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”