< John 1 >
1 In the beginning was the Word, and the Word was with God, and the Word was God.
Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
2 The same was in the beginning with God.
Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.
3 All things were made through him; and without him was nothing made that hath been made.
Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
4 In him is life; and the life was the light of men.
Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
5 And the light hath been shining in the darkness; and the darkness received it not.
uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
6 There was a man, sent from God, whose name was John.
Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
7 He came as a witness, to bear witness of the light, that through him all might believe.
Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye.
8 He was not the light, but came to bear witness of the light.
Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
9 The true light, which enlighteneth every man, was coming into the world.
Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.
10 He was in the world, and the world was made through him, and the world knew him not.
Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
11 He came to his own, and his own received him not.
Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
12 But as many as received him, to them he gave power to become children of God, —to those who believed in his name;
Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
13 who were born, not of blood, nor of the will of the flesh, nor of the will of man, but of God.
vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
14 And the Word became flesh, and dwelt among us, full of grace and truth; and we beheld his glory, a glory as of an only begotten of a father.
Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
15 John beareth witness of him, and crieth, saying, This was he of whom I said, He that cometh after me hath gone before me; for he was before me.
Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu.
16 For out of his fullness have we all received, and grace upon grace.
Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
17 For the Law was given through Moses; grace and truth came through Jesus Christ.
Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
18 No one hath ever seen God; the only begotten God, who is in the bosom of the Father, he hath made him known.
Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
19 And this is the witness of John, when the Jews sent priests and Levites from Jerusalem, to ask him, Who art thou?
Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
20 And he declared, and did not deny; and he declared, I am not the Christ.
Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
21 And they asked him, What then? Art thou Elijah? And he said, I am not. Art thou the prophet? And he answered, No.
Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
22 They said therefore to him, Who art thou? that we may give an answer to those who sent us; what sayest thou of thyself?
Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
23 He said, I am “a voice of one crying aloud in the wilderness, Make straight the way of the Lord,” as said Isaiah the prophet.
Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.
24 And they were sent from the Pharisees;
Ava vakange vatumwa vaibva kuVaFarisi.
25 and they asked him and said to him, Why then dost thou baptize, if thou art not the Christ, nor Elijah, nor the prophet?
Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
26 John answered them, saying, I baptize in water. There standeth one among you whom ye know not,
Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;
27 he who cometh after me, the latchet of whose sandal I am not worthy to loose.
ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
28 These things took place in Bethany beyond the Jordan, where John was baptizing.
Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
29 The next day he seeth Jesus coming to him, and saith, Behold, the Lamb of God, who taketh away the sin of the world!
Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
30 This is he of whom I said, After me cometh a man, who hath gone before me; for he was before me.
Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu.
31 And I knew him not; but that he might be made manifest to Israel, therefore I came baptizing in water.
Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
32 And John bore witness, saying, I have seen the Spirit descending as a dove from heaven, and it abode upon him.
Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
33 And I knew him not; but he who sent me to baptize in water, the same said to me, Upon whom thou shalt see the Spirit descending and abiding on him, he it is that baptizeth in the Holy Spirit.
Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.
34 And I have seen and have borne witness, that this is the Son of God.
Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
35 On the morrow John was again standing, and two of his disciples;
Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;
36 and looking upon Jesus as he was walking, he saith, Behold, the Lamb of God!
zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
37 The two disciples heard him speaking, and they followed Jesus.
Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
38 Jesus turning and seeing them following, saith to them, What seek ye? And they said to him, Rabbi, (that is to say, when interpreted, Teacher, ) where dost thou dwell?
Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
39 He saith to them, Come, and ye shall see. They came therefore and saw where he dwelt; and they abode with him that day. It was about the tenth hour.
Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.
40 One of the two who heard what John said, and followed him, was Andrew, Simon Peter's brother.
Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
41 He first findeth his own brother Simon, and saith to him, We have found the Messiah; (which is, when interpreted, the Christ.)
Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.
42 He brought him to Jesus. Jesus looking upon him said, Thou art Simon, the son of John; thou shalt be called Cephas; (which signifieth Peter, that is, Rock.)
Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
43 On the morrow he determined to go forth into Galilee, and findeth Philip. And Jesus saith to him, Follow me.
Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
44 Now Philip was of Bethsaida, the city of Andrew and Peter.
Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.
45 Philip findeth Nathanael, and saith to him, We have found him of whom Moses in the Law, and the Prophets wrote, Jesus, the son of Joseph, who is of Nazareth.
Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
46 And Nathanael said to him, Can any good thing come out of Nazareth? Philip saith to him, Come and see.
Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
47 Jesus saw Nathanael coming to him, and saith of him, Behold an Israelite indeed, in whom is no guile.
Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
48 Nathanael saith to him, Whence dost thou know me? Jesus answered and said to him, Before Philip called thee, when thou wast under the fig-tree, I saw thee.
Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.
49 Nathanael answered him, Rabbi, thou art the Son of God, thou art the king of Israel.
Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
50 Jesus answered and said to him, Because I said to thee, I saw thee under the fig-tree, dost thou believe? Thou shalt see greater things than these.
Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
51 And he saith to him, Truly, truly do I say to you, Ye will see heaven opened, and the angels of God ascending and descending upon the Son of man.
Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.