< John 9 >
1 And as he was passing along, he saw a man who had been blind from his birth.
Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu.
2 And his disciples asked him, saying, Rabbi, who sinned, this man, or his parents, that he was born blind?
Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”
3 Jesus answered, Neither did this man sin, nor his parents; but that the works of God might be made manifest in him.
Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake.
4 We must work the works of him that sent me, while it is day; the night is coming, when no one can work.
Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo.
5 As long as I am in the world, I am the light of the world.
Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”
6 Having thus spoken, he spat on the ground, and made clay with the spittle, and anointed his eyes with the clay,
Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya.
7 and said to him, Go, wash in the pool of Siloam; (which is, when translated, Sent.) He went away therefore, and washed and came seeing.
Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
8 The neighbors therefore, and they who before had seen him as a beggar, said, Is not this he that sits and begs?
Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”
9 Some said, This is he. Others said, No, but he is like him. He said, I am he.
Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”
10 They said therefore to him How then were thine eyes opened?
Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”
11 He answered, The man who is called Jesus made clay and anointed my eyes, and said to me, Go to Siloam, and wash. I went therefore and washed, and received sight.
Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
12 And they said to him, Where is that man? He saith, I do not know.
Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?” Iye akati, “Handizivi.”
13 They bring to the Pharisees him who had once been blind.
Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.
14 And the day on which Jesus made the clay and opened his eyes was the sabbath.
Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikazorwa pameso omurume uya naJesu, raiva zuva reSabata.
15 Again therefore the Pharisees also asked him how he received his sight. He said to them, He put clay on my eyes, and I washed them, and I see.
Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Azora dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”
16 Therefore some of the Pharisees said, This man is not from God, because he keepeth not the sabbath. Others said, How can a man that is a sinner do such signs. And there was a division among them.
Vamwe vaFarisi vakati, “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.
17 They say therefore to the blind man again, What dost thou say of him for having opened thine eyes? And he said, He is a prophet.
Pakupedzisira vakadzokerazve kumurume uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”
18 The Jews therefore did not believe concerning him, that he had been blind, and received his sight, until they called the parents of him that had received his sight.
Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake.
19 And they asked them, saying, Is this your son, who ye say was born blind? How then doth he now see?
Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?”
20 His parents, answered and said, We know that this is our son, and that he was born blind;
Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu.
21 but by what means he now seeth, we know not; or who opened his eyes, we know not; ask him, he is of age; he will speak for himself.
Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.”
22 This his parents said, because they feared the Jews. For the Jews had already agreed, that if any one should acknowledge him as the Christ, he should be put out of the synagogue.
Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge.
23 Therefore his parents said, He is of age; ask him.
Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.”
24 They therefore called a second time the man that had been blind, and said to him, Give glory to God; we know that this man is a sinner.
Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti murume uyu mutadzi.”
25 He therefore answered, Whether he is a sinner, I know not; one thing I know, that, whereas I was blind, now I see.
Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”
26 They said to him, What did he do to thee? How did he open thine eyes?
Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?”
27 He answered them, I have already told you, and ye did not hear; why would ye hear it again? Are ye also inclined to become his disciples?
Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”
28 They reviled him, and said, Thou art his disciple; but we are disciples of Moses.
Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi!
29 We know that God hath spoken to Moses; but as for this man, we know not whence he is.
Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.”
30 The man answered and said to them, Why, herein is a marvelous thing, that ye know not whence he is, and yet he opened my eyes.
Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu.
31 We know that God heareth not sinners; but if any one is a worshipper of God, and doeth his will, him he heareth.
Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.
32 Since the world began, it was never heard that any one opened the eyes of a man born blind. (aiōn )
Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu. (aiōn )
33 If this man were not from God, he could do nothing.
Dai murume uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”
34 They answered and said to him, Thou wast wholly born in sins, and dost thou teach us? And they cast him out.
Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze.
35 Jesus heard that they had cast him out; and he found him, and said, Dost thou believe in the Son of man?
Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?”
36 He answered and said, And who is he, Lord, that I may believe in him?
Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”
37 Jesus said to him, Thou hast both seen him, and it is he that talketh with thee.
Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”
38 And he said, I believe, Lord; and he prostrated himself before him.
Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.
39 And Jesus said, For judgment came I into this world; that they who see not might see, and that they who see might become blind.
Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”
40 Some of the Pharisees who were with him heard this, and said to him, Are we also blind?
Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?”
41 Jesus said to them, If ye were blind, ye would not have sin; but now ye say, We see. Your sin remaineth.
Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”