< Job 4 >

1 Then spake Eliphaz the Temanite, and said:
Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti:
2 If one attempt a word with thee, wilt thou be offended? But who can refrain from speaking?
“Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura?
3 Behold, thou hast admonished many; Thou hast strengthened feeble hands;
Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba.
4 Thy words have upheld him that was falling, And thou hast given strength to feeble knees.
Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta.
5 But now it is come upon thee, and thou faintest; It toucheth thee, and thou art confounded!
Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka.
6 Is not thy fear of God thy hope, And the uprightness of thy ways thy confidence?
Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?
7 Remember, I pray thee, who ever perished being innocent? Or where have the righteous been cut off?
“Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?
8 According to what I have seen, they who plough iniquity, And sow mischief, reap the same.
Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.
9 By the blast of God they perish, And by the breath of his nostrils they are consumed.
Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake.
10 The roaring of the lion, and the voice of the fierce lion, And the teeth of the young lions are broken.
Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka.
11 The fierce lion perisheth for lack of prey, And the whelps of the lioness are scattered abroad.
Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira.
12 A word was once secretly brought to me, And mine ear caught a whisper thereof.
“Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.
13 Amid thoughts from visions of the night, When deep sleep falleth upon men,
Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu,
14 A fear and a horror came upon me, Which made all my bones to shake.
kutya nokudedera zvakandibata zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde.
15 Then a spirit passed before my face, The hair of my flesh rose on end;
Mumwe mweya wakapfuura pamberi pechiso changu, uye bvudzi romusoro wangu rikamira.
16 It stood still, but its form I could not discern; An image was before mine eyes; There was silence, and I heard a voice:
Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:
17 “Shall mortal man be more just than God? Shall man be more pure than his Maker?
‘Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here? Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here?
18 Behold, he putteth no trust in his ministering spirits, And his angels he chargeth with frailty.
Kana Mwari akasavimba navaranda vake, kana akakanganisa kutonga vatumwa vake,
19 What then are they who dwell in houses of clay, Whose foundation is in the dust, Who crumble to pieces, as if moth-eaten!
zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzavo dziri muguruva, dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto!
20 Between morning and evening are they destroyed; They perish for ever, and none regardeth it.
Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana; dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi.
21 The excellency that is in them is torn away; They die before they have become wise.”
Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here kuti vagofa vasina uchenjeri?’

< Job 4 >