< Acts 2 >

1 And on the day of Pentecost they were all together in one place.
Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.
2 And suddenly there came out of heaven a sound, as of a rushing mighty wind; and it filled the whole house where they were sitting;
Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere.
3 and there appeared to them tongues as of fire, distributing themselves; and one sat upon each of them.
Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.
4 And they were all filled with the Holy Spirit, and began to speak with other tongues, even as the Spirit gave them utterance.
Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
5 Now there were dwelling at Jerusalem Jews, devout men, from every nation under heaven.
Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.
6 And when this sound took place, the multitude came together, and were confounded, because every one heard them speaking in his own language.
Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo.
7 And they were amazed, and marveled, saying, Behold, are not all these who speak Galilaeans?
Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?
8 and how is it that we every one hear them in our own language, wherein we were born?
Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?
9 Parthians and Medes and Elamites, and those who inhabit Mesopotamia, Judaea and Cappadocia, Pontus and Asia,
VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,
10 Phrygia and Pamphylia, Egypt and the parts of Libya about Cyrene, and Romans who sojourn here, both Jews and Proselytes,
Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma
11 Cretans and Arabians—how is it that we hear them speaking in our tongues the wonderful works of God?
(zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
12 And they were all amazed and were in doubt, saying one to another, What can this mean?
Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”
13 Others making sport of it, said, They are full of new wine.
Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
14 But Peter, standing up with the eleven, lifted up his voice, and said to them, Men of Judea, and all that dwell at Jerusalem, be this known to you, and hearken to my words.
Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.
15 For these are not drunken, as ye suppose; for it is the third hour of the day;
Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!
16 but this is what was spoken through the prophet Joel,
Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
17 “It shall be in the last days, saith God, that I will pour out of my Spirit upon all flesh; and your sons and your daughters will prophesy, and your young men will see visions, and your old men will dream dreams;
“‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
18 and even on my servants, and on my handmaids, I will pour out of my Spirit in those days, and they will prophesy.
Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.
19 And I will show wonders in heaven above, and signs on the earth beneath, blood, and fire, and vapor of smoke;
Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi.
20 the sun will be turned into darkness and the moon into blood, before the day of the Lord cometh, the great and notable day.
Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
21 And it shall be that every one that calleth on the name of the Lord shall be saved.”
Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
22 Men of Israel, hear these words! Jesus the Nazarene, a man approved of God to you by miracles, and wonders, and signs, which God wrought by him in the midst of you, as ye yourselves know, —
“Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
23 this man, being delivered up by the settled purpose and foreknowledge of God, ye, by the hand of godless men, crucified and slew.
Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
24 But God raised him up, having loosed the pains of death, because it was not possible that he should be held by it.
Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.
25 For David saith concerning him, “I saw the Lord always before me; because he is on my right hand, that I should not be moved.
Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi.
26 Therefore my heart rejoiced, and my tongue exulted; moreover also, my flesh shall dwell in hope;
Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro,
27 because thou wilt not abandon my soul to the underworld, nor wilt thou suffer thy holy one to see corruption. (Hadēs g86)
nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. (Hadēs g86)
28 Thou didst make known to me the ways of life; thou wilt make me full of joy with thy countenance.”
Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’
29 Brethren, I may speak to you with freedom of the patriarch David, that he both died and was buried, and his tomb is among us to this day.
“Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.
30 Being then a prophet, and knowing that God had sworn to him with an oath that he would set one sprung from his loins upon his throne,
Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.
31 he foresaw and spoke of the resurrection of Christ, that neither was he abandoned to the underworld, nor did his flesh see corruption. (Hadēs g86)
Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. (Hadēs g86)
32 This Jesus God raised up, whereof we all are witnesses.
Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.
33 Being therefore exalted by the right hand of God, and having received from the Father the promised Holy Spirit, he hath poured forth this, which ye both see and hear.
Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
34 For David did not ascend into the heavens; but he himself saith, The Lord said to my lord, “Sit thou on my right hand,
Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi
35 until I make thine enemies thy footstool.”
kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’
36 Therefore let all the house of Israel know assuredly that God hath made him both Lord and Christ, this Jesus whom ye crucified.
“Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
37 And when they heard this, they were pierced to the heart, and said to Peter and the rest of the apostles, Brethren, what must we do?
Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”
38 But Peter said to them, Repent, and let every one of you be baptized to the name of Jesus Christ for forgiveness of sins, and ye will receive the gift of the Holy Spirit.
Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.
39 For the promise is to you and to your children, and to all that are afar off, as many as the Lord our God shall call.
Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”
40 And with many other words did he testify and exhort, saying, Save yourselves from this perverse generation.
Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”
41 They therefore received his word, and were baptized; and there were added on that day about three thousand souls.
Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
42 And they were constantly attending on the teaching of the apostles, and the imparting [[of their substance]], the breaking of bread, and the prayers.
Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
43 And fear came upon every soul; and many wonders and signs were wrought through the apostles.
Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.
44 And all that believed were together, and had all things common;
Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.
45 and they sold their possessions and goods, and divided them among all, as any one had need.
Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa.
46 And attending daily with one accord in the temple, and breaking bread in a private house, they partook of their food with gladness and singleness of heart,
Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
47 praising God, and having favor with all the people. And the Lord added to the church daily those who were in the way of salvation.
vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.

< Acts 2 >