< 2 John 1 >

1 The elder to the elect Cyria, and to her children, whom I love in truth, and not I only, but also all that know the truth, —
Mukuru, kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi,
2 for the sake of the truth which abideth in us, and will be with us for ever. (aiōn g165)
nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi: (aiōn g165)
3 Grace, mercy, peace shall be with you from God the Father, and from Jesus Christ, the Son of the Father, in truth and love.
Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo.
4 I rejoiced greatly, that I found some of thy children walking in truth, as we received commandment from the Father.
Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.
5 And now I beseech thee, Cyria, not as writing to thee a new commandment, but that which we have had from the beginning, that we love one another.
Uye zvino, mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane.
6 And this is love, that we walk according to his commandments. This is the commandment, as ye have heard from the beginning, that ye should walk in it.
Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo.
7 For many deceivers went out into the world, who do not acknowledge Jesus Christ coming in the flesh; this is the deceiver and the antichrist.
Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu.
8 Look to yourselves, that ye lose not the things which ye wrought, but receive a full reward.
Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.
9 Whoever goeth beyond, and abideth not in the teaching of Christ, hath not God. He that abideth in the teaching, he hath both the Son and the Father.
Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.
10 If any one cometh to you, and bringeth not this teaching, receive him not into your house, and do not bid him good speed.
Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira.
11 For he that biddeth him good speed taketh part in his evil deeds.
Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.
12 Having many things to write to you, I would not write with paper and ink; but I hope to come to you, and to speak face to face, that our joy may be full.
Ndine zvizhinji zvokukunyorerai, asi handidi kushandisa pepa neingi. Asi, ndine tariro yokukushanyirai ndigotaura nemi chiso nechiso, kuti mufaro wedu uzadziswe.
13 The children of thy elect sister salute thee.
Vana vomununʼuna wenyu akasanangurwa vanokukwazisai.

< 2 John 1 >