< Genesis 19 >

1 The two angels came to Sodom at evening. Lot sat in the gate of Sodom. Lot saw them, and rose up to meet them. He bowed himself with his face to the earth,
Vatumwa vaviri vakasvika muSodhomu madekwana, uye Roti akanga agere pasuo reguta. Akati achivaona, akasimuka kuti andosangana navo uye akakotamisa uso hwake pasi.
2 and he said, "See now, my lords, please turn aside into your servant's house, and stay all night, and wash your feet, then you may rise up early, and go on your way." They said, "No, but we will stay in the street all night."
Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.” Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu pachivara usiku huno.”
3 But he urged them so strongly that they came in with him, and entered into his house. He made them a feast, and baked unleavened bread, and they ate.
Asi akavakumbirisa zvokuti vakatenda kuenda naye uye vakapinda mumba make. Akavagadzirira zvokudya, akabika chingwa chisina mbiriso, uye vakadya.
4 But before they could lie down to sleep, the men of the city, the men of Sodom, surrounded the house, both young and old, all the people from every quarter.
Vasati vaenda kundovata, varume vose vaibva kumativi ose eguta reSodhomu, vose vaduku navakuru, vakakomba imba.
5 They called to Lot, and said to him, "Where are the men who came in to you this night? Bring them out to us, that we may have sex with them."
Vakadana Roti vachiti, “Varipiko varume vapinda mumba mako usiku huno? Vaburitse kuno kwatiri kuti tivate navo.”
6 Lot went out to them at the entrance, and shut the door behind him.
Roti akabuda kunze kuti andosangana navo uye akapfiga mukova shure kwake,
7 He said, "Please, my brothers, do not act so wickedly.
akati, “Kwete, shamwari dzangu. Regai kuita chinhu ichi chakaipa.
8 Look, I have two virgin daughters. Please let me bring them out to you, and you may do to them what seems good to you. Only do not do anything to these men, because they have come under the protection of my roof."
Tarirai, ndina vanasikana vaviri vasina kutongovata nomurume. Regai ndivabudisire kwamuri uye mungagona kuita zvamunoda navo. Asi musaita kana chinhu kuvarume ava, nokuti vakavanda pasi pedenga rangu.”
9 They said, "Stand back." They said, "This one fellow came in to live as a foreigner, and he appoints himself a judge. Now will we deal worse with you, than with them." They pressed hard on the man Lot, and drew near to break the door.
Ivo vakati, “Suduruka!” Uye vakati, “Munhu uyu akauya pano ari mutorwa, asi zvino ava kuda kutitonga! Tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakaramba vachimanikidza Roti uye vakaswedera mberi kuti vapaze gonhi.
10 But the men reached out their hands and pulled Lot into the house to them, and shut the door.
Asi varume vaiva mukati vakatambanudza maoko avo vakakwevera Roti mumba uye vakapfiga mukova.
11 They struck the men who were at the door of the house with blindness, both small and great, so that they were unable to find the door.
Ipapo vakapofumadza varume vakanga vari pamukova wemba, vaduku navakuru, zvokuti havana kuzogona kuona mukova.
12 The men said to Lot, "Do you have anybody else here? Sons-in-law, your sons, your daughters, and whoever you have in the city, bring them out of the place:
Varume vaviri vakati kuna Roti, “Una vamwe vanhu pano here, vakuwasha, vanakomana kana vanasikana, kana mumwe wako zvake ari muguta? Vabudise muno,
13 for we will destroy this place, because the outcry against them has grown great before God that he has sent us to destroy it."
nokuti tiri kuzoparadza nzvimbo ino. Kuchema kuna Jehovha pamusoro pavanhu ava kwakura zvokuti atituma kuzoriparadza.”
14 Lot went out, and spoke to his sons-in-law, who were pledged to marry his daughters, and said, "Get up. Get out of this place, for God will destroy the city." But he seemed to his sons-in-law to be joking.
Saka Roti akabuda akandotaura kuvakuwasha vake, vakanga vatsidza kuti vachawana vanasikana vake, akati, “Kurumidzai kubva panzvimbo ino, nokuti Jehovha ava kuda kuparadza guta!” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti aiita zveje-e navo.
15 When the morning came, then the angels hurried Lot along, saying, "Get up. Take your wife, and your two daughters who are here, and get out, lest you be swept away in the punishment of the city."
Mambakwedza, vatumwa vakakurudzira Roti vachiti, “Kurumidza! Tora mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo, kuti murege kuparadzwa kana guta roparadzwa.”
16 But he hesitated, so the men grabbed his hand, his wife's hand, and his two daughters' hands, God being merciful to him; and they took him out, and set him outside of the city.
Akati achinonoka, varume vakabata ruoko rwake uye namaoko omukadzi wake neavanasikana vake vaviri vakavabudisa zvakanaka kunze kweguta, nokuti Jehovha akavanzwira tsitsi.
17 It came to pass, when they had taken them out, that he said, "Escape for your life. Do not look behind you, and do not stay anywhere in the plain. Escape to the mountains, or you will be swept away."
Vakati vachangovabudisa kunze, mumwe wavo akati, “Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka, uye musamira papi zvapo mubani! Tizirai kumakomo kuti murege kuparadzwa!”
18 Lot said to them, "Oh, not so, my lord.
Asi Roti akati kwavari, “Kwete, madzibaba angu, ndapota!
19 See now, your servant has found favor in your sight, and you have magnified your loving kindness, which you have shown to me in saving my life. I can't escape to the mountain, lest the disaster overtake me, and I die.
Muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, uye maratidza unyoro hukuru kwandiri zvamarwira upenyu hwangu. Asi handigoni kutizira kumakomo; njodzi iyi ingazondibata, uye ndingazofa.
20 See now, this city is near to flee to, and it is a little one. Let me escape there--isn't it a little one?--and my life will be saved."
Tarirai, herino guta riri pedyo randingatizira kwariri, uye iduku zvaro. Regai nditizire kwariri, iduku kwazvo, handizvo here? Ipapo upenyu hwangu hucharwirwa.”
21 He said to him, "Look, I have granted your request concerning this thing also, that I will not overthrow the city of which you have spoken.
Akati kwaari, “Zvakanaka, ndichaitawo zvawakumbira; handisi kuzoparadza guta rauri kureva.
22 Hurry, escape there, for I can't do anything until you get there." Therefore the name of the city was called Zoar.
Asi chitizirai ikoko nokukurumidza, nokuti handigoni kuita chinhu chipi zvacho kusvikira masvika kwariri.” (Ndokusaka guta iro richinzi Zoari.)
23 The sun had risen on the earth when Lot came to Zoar.
Kusvika kwakaita Roti paZoari, zuva rakanga rakwira pamusoro penyika.
24 Then God rained on Sodom and on Gomorrah sulfur and fire from the sky.
Ipapo Jehovha akanayisa safuri inopfuta pamusoro peSodhomu neGomora, zvichibva kudenga kuna Jehovha.
25 He overthrew those cities, and all the plain, and all the inhabitants of the cities, and that which grew on the ground.
Naizvozvo akaparadza maguta ayo uye nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta uyewo nezvose zvakanga zvamera munyika.
26 But his wife looked back from behind him, and she became a pillar of salt.
Asi mukadzi waRoti akacheuka, akava shongwe yomunyu.
27 Abraham got up early in the morning to the place where he had stood before God.
Fume mangwana mangwanani Abhurahama akamuka akadzokera kunzvimbo yaakanga amira pamberi paJehovha.
28 He looked toward Sodom and Gomorrah, and toward all the land of the plain, and he saw; and look, the smoke was rising from the land like smoke from a furnace.
Akatarisa zasi kwakanangana nokuSodhomu neGomora, kwakatarisana nokunyika yose yebani, akaona utsi hwakawanda huchisimuka kubva panyika, kufanana noutsi hunobva pachoto.
29 It happened, when God destroyed the cities of the plain, that God remembered Abraham, and sent Lot out of the middle of the overthrow, when he overthrew the cities in which Lot lived.
Saka Mwari paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahama, uye akabudisa Roti kubva panjodzi yakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
30 Lot went up out of Zoar, and lived in the mountain, and his two daughters with him; for he was afraid to live in Zoar. He lived in a cave with his two daughters.
Roti navanasikana vake vaviri vakabva paZoari vakandogara mumakomo, nokuti akanga achitya kugara muZoari. Iye navanasikana vake vakagara mubako.
31 The firstborn said to the younger, "Our father is old, and there is not a man in the land to sleep with us according to the custom of all the land.
Rimwe zuva mwanasikana wake mukuru akati kumuduku wake, “Baba vedu vakwegura, uye pano hapana varume vokuti vavate nesu, setsika yenyika yose.
32 Come, let's make our father drink wine, and we will sleep with him, that we may preserve our family through our father."
Ngatinwisei baba vedu waini tigorara navo kuti tichengetedze rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”
33 They made their father drink wine that night: and the firstborn went in, and slept with her father. He did not know when she lay down, nor when she arose.
Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, uye mwanasikana mukuru akapinda akavata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
34 It came to pass on the next day, that the firstborn said to the younger, "Look, I slept last night with my father. Let us make him drink wine again tonight. You go in, and sleep with him, that we may preserve our family through our father."
Pazuva rakatevera mwanasikana mukuru akati kumuduku wake, “Madeko ndakavata nababa vangu. Ngativanwiseizve waini usiku huno, iwe ugopinda undovata navo kuitira kuti tichengete rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”
35 They made their father drink wine that night also. The younger went and slept with him. He did not know when she lay down, nor when she got up.
Saka vakaita kuti baba vavo vanwezve waini usiku ihwohwo uye mwanasikana muduku akapinda akandovata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
36 Thus both of Lot's daughters became pregnant by their father.
Saka vanasikana vose vaRoti vakava nemimba nababa vavo.
37 The firstborn bore a son, and named him Moab. He is the father of the Moabites to this day.
Mwanasikana mukuru akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu; ndiye baba wavaMoabhu vanhasi.
38 The younger also bore a son, and called his name Ben Ammi. He is the father of the people of Ammon to this day.
Mwanasikana muduku akavawo nomwanakomana, uye akamutumidza zita rokuti Bheni-Ami; ndiye baba wavaAmoni vanhasi.

< Genesis 19 >