< Mark 6 >
1 And he went out from there and came into his own country, and his disciples followed him.
Jesu akabva ipapo akaenda kuguta rokwake, vadzidzi vake vachimutevera.
2 And when the Sabbath had come, he began to teach in the synagogue, and many hearing him were astonished, saying, "Where did this man get these things?" and, "What is the wisdom that is given to this man, that such mighty works come about by his hands?
Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso?
3 Is not this the carpenter, the son of Mary, and brother of James, Josi, Judas, and Simon? Are not his sisters here with us?" They were offended at him.
Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye.
4 Jesus said to them, "A prophet is not without honor, except in his own country, and among his own relatives, and in his own house."
Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”
5 And he could do no mighty work there, except that he laid his hands on a few sick people, and healed them.
Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye nokuvaporesa.
6 And he was amazed because of their unbelief. And he went around the villages teaching.
Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo Jesu akapota nemisha achidzidzisa.
7 And he called to himself the twelve, and began to send them out two by two; and he gave them authority over the unclean spirits.
Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa.
8 And he commanded them that they should take nothing for their journey, except a staff only: no bread, no pack, no money in their belts,
Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu.
9 but to wear sandals, and not to put on two tunics.
Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri.
10 And he said to them, "Wherever you enter into a house, stay there until you depart from there.
Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro.
11 And if any place will not receive you or listen to you, as you depart from there, shake off the dust that is under your feet for a testimony against them."
Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.”
12 So they went out and proclaimed that all should repent.
Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke.
13 They cast out many demons, and anointed many with oil who were sick, and healed them.
Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa.
14 King Herod heard this, for his name had become known, and he said, "John the Baptist has risen from the dead, and therefore these powers are at work in him."
Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.”
15 But others said, "He is Elijah." Others said, "He is a prophet, like one of the prophets."
Vamwe vakati, “NdiEria.” Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.”
16 But Herod, when he heard this, said, "This is John, whom I beheaded. He has risen."
Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!”
17 For Herod himself had sent out and arrested John, and bound him in prison for the sake of Herodias, his brother Philip's wife, for he had married her.
Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womununʼuna wake Firipi waakanga awana.
18 For John said to Herod, "It is not lawful for you to have your brother's wife."
Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womununʼuna wako.”
19 So Herodias set herself against him, and desired to kill him, but she could not,
Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo,
20 for Herod feared John, knowing that he was a righteous and holy man, and kept him safe. And when he heard him, he was very perplexed, but he heard him gladly.
nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama uye ari mutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera.
21 And then a convenient day came, that Herod on his birthday gave a supper for his nobles, the high officers, and the leaders of Galilee.
Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko.
22 And when the daughter of Herodias herself came in and danced, she pleased Herod and those sitting with him. The king said to the young woman, "Ask me whatever you want, and I will give it to you."
Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.”
23 And he swore to her, "Whatever you ask me, I will give you, up to half of my kingdom."
Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.”
24 So she went out, and said to her mother, "What should I ask?" And she said, "The head of John the baptizer."
Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?” Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
25 And she came in immediately with haste to the king, and asked, "I want you to give me right now the head of John the Baptist on a platter."
Pakarepo musikana akamhanya akapinda kuna mambo nechikumbiro akati, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi mundiro umu.”
26 And the king was exceedingly sorry, but for the sake of his oaths, and those reclining, he did not wish to refuse her.
Mambo akatambudzika zvikuru, asi nokuda kwemhiko yake uye nokuda kwevaakanga achidya navo, haana kuda kumurambira.
27 So immediately the king sent out a soldier of his guard, and commanded to bring John's head, and he went and beheaded him in the prison,
Saka pakarepo akatuma murwi akarayira kuti vauye nomusoro waJohani. Murume akaenda akandogura musoro waJohani mutorongo,
28 and brought his head on a platter, and gave it to the young woman; and the young woman gave it to her mother.
akadzoka nomusoro wake uri mundiro. Akaupa kumusikana, uye musikana akaupa kuna mai vake.
29 And when his disciples heard this, they came and took up his corpse, and placed it in a tomb.
Vadzidzi vaJohani vakati vanzwa izvi vakauya vakatora mutumbi wake vakauviga mubwiro.
30 Then the apostles gathered themselves together to Jesus, and they told him all things, whatever they had done, and whatever they had taught.
Vapostori vakaungana pana Jesu vakamuudza zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa.
31 And he said to them, "Come away by yourselves to an isolated place, and rest awhile." For there were many coming and going, and they had no leisure so much as to eat.
Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.”
32 So they went away in the boat to an isolated place by themselves.
Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara.
33 But they saw them going, and many recognized him and ran there on foot from all the cities and they arrived before them.
Asi vazhinji vakavaona vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.
34 And he came out, saw a large crowd, and he had compassion on them, because they were like sheep without a shepherd, and he began to teach them many things.
Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
35 And when it was late in the day, his disciples came to him, and said, "This place is desolate, and it is late in the day.
Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka.
36 Send them away, that they may go into the surrounding country and villages, and buy themselves something to eat."
Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.”
37 But he answered them, "You give them something to eat." And they said to him, "Are we to go and buy two hundred denarii worth of bread, and give them something to eat?"
Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.” Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?”
38 He said to them, "How many loaves do you have? Go see." When they knew, they said, "Five, and two fish."
Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.” Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.”
39 He commanded them that everyone should sit down in groups on the green grass.
Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro.
40 They sat down in ranks, by hundreds and by fifties.
Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye neane makumi mashanu.
41 He took the five loaves and the two fish, and looking up to heaven, he blessed and broke the loaves, and he gave to his disciples to set before them, and he divided the two fish among them all.
Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose.
42 They all ate, and were filled.
Vose vakadya vakaguta,
43 They took up twelve baskets full of broken pieces and also of the fish.
uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.
44 Those who ate the loaves were five thousand men.
Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu.
45 And immediately he made his disciples get into the boat, and to go ahead to the other side, to Bethsaida, while he himself was sending the crowd away.
Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji.
46 After he had taken leave of them, he went up the mountain to pray.
Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera.
47 When evening had come, the boat was in the midst of the sea, and he was alone on the land.
Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika.
48 He saw them distressed in rowing, for the wind was against them. In the watch between three and six in the morning he came to them, walking on the sea, and he would have passed by them,
Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura,
49 but they, when they saw him walking on the sea, supposed that it was a ghost, and began to scream;
asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira,
50 for they all saw him, and were troubled. But he immediately spoke with them, and said to them, "Cheer up. It is I. Do not be afraid."
nokuti vose vakamuona vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.”
51 And he got into the boat with them, and the wind ceased. And they were completely profusely astonished among themselves;
Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,
52 for they had not understood about the loaves, but their hearts were hardened.
nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
53 When they had crossed over, they came to land at Gennesaret, and moored to the shore.
Vakati vayambuka mhiri, vakasvika paGenesareti vakamisa igwa ipapo.
54 When they had come out of the boat, immediately the people recognized him,
Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu.
55 and ran around that whole region, and began to bring those who were sick, on their mats, to where they heard he was.
Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari.
56 Wherever he entered, into villages, or into cities, or into the country, they placed the sick in the marketplaces, and begged him that they might touch just the fringe of his garment; and everyone who touched him were made well.
Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.