< 1 Thessalonians 5 >

1 But concerning the times and the seasons, brothers, you have no need that anything be written to you.
Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe,
2 For you yourselves know well that the day of the Lord comes like a thief in the night.
nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika;
3 Now when they are saying, "Peace and safety," then sudden destruction will come on them, like birth pains on a pregnant woman; and they will in no way escape.
nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki.
4 But you, brothers, are not in darkness, that the day should overtake you like a thief.
Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.
5 You are all sons of light, and sons of the day. We do not belong to the night, nor to darkness,
Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima;
6 so then let us not sleep, as the rest do, but let us watch and be sober.
naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke.
7 For those who sleep, sleep in the night, and those who are drunk are drunk in the night.
Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku.
8 But let us, since we belong to the day, be sober, putting on the breastplate of faith and love, and, for a helmet, the hope of salvation.
Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani.
9 For God did not appoint us to wrath, but to the obtaining of salvation through our Lord Jesus Christ,
Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu,
10 who died for us, that, whether we wake or sleep, we should live together with him.
wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye.
11 Therefore exhort one another, and build each other up, even as you also do.
Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo.
12 But we ask you, brothers, to recognize those who labor among you, and are over you in the Lord, and admonish you,
Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai,
13 and to respect and honor them in love for their work's sake. Be at peace among yourselves.
uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.
14 We exhort you, brothers, admonish the disorderly, encourage the fainthearted, support the weak, be patient toward all.
Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese.
15 See that no one returns evil for evil to anyone, but always seek what is good both for each other and for all.
Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese.
16 Rejoice always.
Farai nekusingaperi;
17 Pray without ceasing.
nyengeterai musingamiri;
18 In everything give thanks, for this is the will of God in Christ Jesus toward you.
vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.
19 Do not quench the Spirit.
Musadzima Mweya;
20 Do not treat prophecies with contempt,
musazvidza zviporofita;
21 but test all things; hold firmly that which is good.
idzai zvinhu zvese; mubatisise zvakanaka;
22 Abstain from every form of evil.
ibvai pakuonekwa kwese kwekuipa.
23 May the God of peace himself sanctify you completely. May your whole spirit, soul, and body be preserved blameless at the coming of our Lord Jesus Christ.
NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
24 He who calls you is faithful, who will also do it.
Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo.
25 Brothers, pray for us also.
Hama, tinyengetererei.
26 Greet all the brothers with a holy kiss.
Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene.
27 I solemnly command you by the Lord that this letter be read to all the holy brothers.
Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese.
28 The grace of our Lord Jesus Christ be with you.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.

< 1 Thessalonians 5 >