< 2 Corinthians 13 >
1 This will be my third visit to you. Out of the mouth of two or three witnesses shall every word be confirmed.
Nenguva iyi yechitatu ndinouya kwamuri; mumuromo wezvapupu zviviri uye zvitatu shoko rega-rega ritsigirwe.
2 I have said formerly, and I now forewarn you as when I was present the second time, so now when I am absent the second time, so now when I am absent, saying to those who had sinned before, and to all the rest, "If I come again, I will not spare,"
Ndakambokuudzai uye ndinogara ndakuudzai, sendakange ndiripo rwechipiri, uye ikozvino ndisipo ndinonyorera avo vakagara vatadza, nekuvamwe vese, kuti kana ndikauyazve, handichavaregereri.
3 Since you want a proof of Christ who is speaking in me, he who is not feeble toward you, but powerful among you.
Sezvo muchitsvaka uchapupu hwaKristu anotaura mandiri, asina utera kwamuri, asi ane simba mamuri.
4 For though he was crucified through weakness, yet he now lives through the power of God. I also am weak, sharing in his weakness, but I shall live with him by the power of God.
Nokuti kunyange akarovererwa pamuchinjikwa neutera, zvakadaro anorarama nesimba raMwari. Nokuti isuwo tine utera maari asi tichararama pamwe naye nesimba raMwari kwamuri.
5 Examine yourselves to see if you are in the faith; put your own selves to the proof. Or do you not know, your own selves, that Jesus Christ is in you, unless indeed you fail to abide the proof?
Zviongororei kana muri parutendo; zviidzei. Kana hamuzivi here imwi, kuti Jesu Kristu ari mamuri sei? Kunze kwekuti zvirokwazvo muri vakaraswa.
6 But I hope you will find that I abide the proof.
Asi ndinovimba kuti muchaziva kuti isu hatisi vakaraswa.
7 And my prayer to God is that you may do no evil; not in order that I may appear approved, but that you may do what is noble, though I should seem unable to abide the proof.
Zvino ndinonyengetera kuna Mwari, kuti musaita chinhu chakaipa; kwete kuti isu tiratidzike takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu tive sevakaraswa.
8 For I have no power against the truth, but only in defense of the truth.
Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chechokwadi.
9 For I am always glad whenever I am weak, but you are strong. For this also I am praying, for your perfect reformation.
Nokuti tinofara kana isu tine utera, imwiwo makasimba; uye izviwo tinozvinyengeterera, kuperera kwenyu.
10 For this reason I am writing thus while absent, so that when I come, I may not have to deal sharply, according to the authority which the Lord gave me for building up, and not for pulling down.
Saka ndinonyora zvinhu izvi ndisipo, zvimwe kana ndiripo ndingashandisa hasha, zvichienderana nesimba Ishe raakandipa pakuvaka, uye kwete pakuputsa.
11 Finally, brothers, farewell. Aim at perfection, take courage, be of one mind, live in peace; so shall the God of love and peace be with you.
Pakupedzisira, hama, farai, muperedzerwe, munyaradzwe, muve vemoyo umwe, garai murugare; uye Mwari werudo nerugare achava nemwi.
12 Salute one another with a holy kiss.
Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
13 All the saints salute you.
Vatsvene vese vanokukwazisai.
14 The grace of our Lord Jesus Christ, and the love of God, and the fellowship of the Holy Spirit be with you all.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, nerudo rwaMwari, nekudyidzana kweMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mese. Ameni.